Ezekieri 1
1
Ezekieri unoratidzwa kubginya kwaJehova.
1Ɀino negore ramakumi matatu, nomŋedzi wecinna, nezuʋa recishanu romŋedzi, ini ndiri pakati paʋakatapxa parwizi rwaKebari, kuɗeŋga kwakazarurwa, ndikaʋona ɀandakaratidzwa ɀaMŋari. 2Nezuʋa recishanu romŋedzi, riri gore recishanu rokutapxa kwamambo Jehoiakini, 3shoko raJehova rakaȿika kumuprista Ezekieri, mŋanakomana waBuzi, munyika yaʋaKardea, parwizi rwaKebari; ruʋoko rwaJehova rwakaŋga ruri pamsoro pake ipapo. 4Ndikatarira, ndikaʋona ɗutu remhepo ricibva kurutiʋi rwokumsoro, riri gore guru rinomŋoto wairamba ucipenya, rakakomberedzwa nokubginya, nomukati maro, imo mukati momŋoto, munecinhu caipenya seɗare. 5Ɀino mukati maɀo mukaɓuɗa ɀakaŋga ɀakaita seɀipenyu ɀinna. Ɀakaŋga ɀakaɗai: Ɀakaŋga ɀakafanana nomunhu; 6cimŋe necimŋe caiʋa neɀiso ɀinna, necimŋe necimŋe caɀo caiʋa namapapiro manna. 7Makumbo aɀo akaŋga akarurama, pasi petsoka dzaɀo pakaŋga pakaita sapasi petsoka dzemhuru; dzaipenya sendarira yakabginyiswa. 8Ɀakaŋga ɀinamaʋoko omunhu pasi pamapapiro aɀo kumatiʋi aɀo manna; ɀose ɀiri ɀinna ɀakaŋga ɀakaɗai paɀiso ɀaɀo namapapiro aɀo: 9Mapapiro aɀo akaŋga akaɓatana; haɀina‐kutsauka pakufamba kwaɀo, asi cimŋe necimŋe cairuramira mberi pakufamba kwaco. 10Kana ɀiri ɀiso ɀaɀo pakuʋonekwa kwaɀo, ɀaiʋa neciso comunhu; ɀose ɀiri ɀinna ɀaiʋa neciso ceshumba kurutiʋi rworudyi; ɀose ɀiri ɀinna ɀaiʋa neciso cenzombe kurutiʋi rworuɓoshwe; ɀose ɀiri ɀinna ɀaiʋa neciso cegondo ʋo. 11Ɀiso ɀaɀo namapapiro aɀo ɀakaŋga ɀakaparadzana kumsoro; mapapiro maʋiri ecimŋe necimŋe akaŋga akaɓatana, asi maʋiri akaŋga akafukidza muʋiri waɀo. 12Cimŋe necimŋe cairuramira mberi pakufamba kwaco; kwaiɗa kufamba mŋeya, ndiko kwaɀaifamba; haɀina‐kutsauka pakufamba kwaɀo. 13Kana ɀiri ɀipenyu pakuʋonekwa kwaɀo, ɀakaŋga ɀakafanana namazimbe omŋoto anopfuta, ɀakafanana namazhenje; mŋoto wairamba ucifamba pakati peɀipenyu; mŋoto waipenya, nomukati momŋoto maiɓuɗa mheni. 14Ɀipenyu ɀaimhanya ɀicidzoka, ɀakafanana nokupenya kwemheni. 15Ɀino ndakati ndicitarira ɀipenyu iɀo, ndikaʋona gumbo rimŋe reŋgoro riri pasi kurutiʋi rweɀipenyu iɀo, kurutiʋi rumŋe norumŋe rweɀiso ɀaco. 16Makumbo awo pakuʋonekwa kwawo nomuitirwe wawo ɀakaŋga ɀakafanana neberiri; ose ari manna akaŋga akafanana; pakuʋonekwa kwawo napamuitirwe wawo ɀakaŋga ɀakaita segumbo rimŋe mukati merimŋe gumbo. 17Pakufamba kwawo akafamba kumatiʋi awo manna; haana‐kutsauka pakufamba kwawo. 18Kana ari makaŋgo awo, akaŋga akakwirira ʋuye akatyisa; makaŋgo awo iwo manna akaŋga azere nameso kwose‐kwose. 19Ɀino kana ɀipenyu ɀofamba, makumbo ofamba ʋo parutiʋi rwaɀo, kana ɀipenyu ɀokwidzwa ɀicibva pasi, naiwo makumbo okwidzwa ʋo. 20Pose‐pose kwaiɗa kufamba mŋeya, ndiko kwaɀaifamba, iko kwaiɗa kufamba mŋeya; makumbo ndokukwidzwa pamŋe cete naɀo, nokuti mŋeya wecipenyu wakaŋga uri mumakumbo. 21Kana iɀo ɀofamba, iwo ofamba; kana iɀo ɀomira, iwo omira, kana iɀo ɀokwidzwa ɀicibva pasi, makumbo okwidzwa pamŋe cete naɀo; nokuti mŋeya wecipenyu wakaŋga uri mumakumbo. 22Kumsoro kwemisoro yeɀipenyu kwakaŋga kunecinhu cakafanana neɗeŋga, rakaŋga rakaita sekristaro inotyisa, rakatatamurwa pamsoro pemisoro yaɀo. 23Pasi peɗeŋga mapapiro aɀo akaŋga akarurama, rimŋe rakaɓatana nerimŋe; cimŋe necimŋe caɀo cakaŋga cinamaʋiri aifukidza muʋiri waco kurutiʋi rwoʋuno, necimŋe necimŋe caiʋa namaʋiri aifukidza kurutiʋi rweseri. 24Ɀino kana ɀofamba, ndainzwa kuwuŋga kwamapapiro aɀo ɀiciita sokuwuŋga kwemvura zhinji, senzwi roUnesimba rose, somubvumo weɓope wakaita sokutinhira kwehondo; kana ɀomira, ɀaiɗeredza mapapiro aɀo. 25Kwakaŋga kunenzwi kumsoro kweɗeŋga raiʋa pamsoro pemisoro yaɀo; kana ɀomira, ɀaiɗeredza mapapiro aɀo. 26Kumsoro kweɗeŋga rakaŋga riri pamsoro pemisoro yaɀo, kwakaŋga kunecinhu cakafanana necigaro coʋushe, cakaita sebge resafiri; pacinhu cakafanana necigaro coʋushe kwakaŋga kunomufananidzo womunhu ugere pamsoro paco. 27Ɀino ndakaʋona ɀakaita seɗare rinopenya, ɀakafanana nomŋoto mukati maɀo kumatiʋi ose, ɀakabva pakaita seciʋuno cake ɀicikwira kumsoro; ɀino kubva ipapo pakaita seciʋuno cake ɀicienda pasi ndakaʋona cakaita somŋoto; iye wakaŋga akakomberedzwa nokubginya kumatiʋi ose. 28Seɀakaita muraraʋuŋgu uri mugore nezuʋa remvura, ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita kubginya pakuʋonekwa kwabgo kumatiʋi ose. Ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita kubginya kwaJehova. Ɀino ndakati ndiciɀiʋona, ndikawira pasi neciso caŋgu, ndikanzwa inzwi romumŋe wakaŋga acitaura.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: