Mariro aJeremia 5
5
Kucema kwaʋanhu pamsoro pokutambudzika kwaʋo.
1Raŋgarirai Jehova, ɀakatiwira;
Tarirai, muʋone kushoʋorwa kweɗu.
2Nhaka yeɗu yaenda kuʋatorwa,
Nedzimba dzeɗu kunoʋokumŋe.
3Tiri nherera naʋasinaɓaɓa;
Madzimai eɗu akaita secirikadzi.
4Takanwa mvura yeɗu ticiita ɀokuteŋga nemari;
Huni dzeɗu takadziteŋgeserwa.
5Ʋanodziŋgana nesu ʋari pamitsipa yeɗu;
Taneta, hatinezororo.
6Takatambanudzira ruʋoko rweɗu kunaʋaEgipita,
NokunaʋaAsiria, kuti tigute ɀokudya.
7Madziɓaɓa eɗu akatadza, ɀino haʋaci’po;
Isu takatakura ɀakaipa ɀaʋo.
8Ʋaranda ʋanotiɓata ʋushe;
Hakuna‐uŋgatirwira pamaʋoko aʋo.
9Tinoɀiwanira ɀokudya ɀeɗu ʋupenyu bgeɗu ʋuri panjodzi,
Nemhaka yomunondo uri kurenje.
10Ganda reɗu raȿiɓa secoto,
Nemhaka yokupisa kukuru kwenzara.
11Ʋakacinyira ʋakadzi paZioni,
Nemhandara pamaguta aJuda.
12Macinda akasuŋgirirwa namaʋoko aʋo,
Ʋakuru haʋana‐kukudzwa.
13Majaya akatakura guyo,
Ʋana ʋakagumburwa nokurema kwehuni.
14Ʋakuru ʋakarega kuȿika pasuʋo,
Majaya akarega kuimba kwaʋo.
15Mufaro womŋoyo weɗu waguma;
Kutamba kweɗu kwashanduka kucema.
16Korona yawa pamisoro yeɗu;
Tinenhamo! nokuti takatadza.
17Nemhaka iyi mŋoyo yeɗu yapera simba;
Nemhaka yeɀinhu iɀi meso eɗu haacaʋoni ɀakanaka;
18Nokuɗa kwegomo reZioni, raʋa ɗoŋgo;
Makaʋa anofamba’po.
19Imi Jehova muri’po nokusiŋgaperi;
Cigaro cenyu coʋushe ciri’po kuȿikira kumarudzi namarudzi.
20Munotikaŋganwireiko nokusiŋgaperi,
Munotirashireiko ŋguʋa huru yakaɗai?
21Tidzoserei kwamuri, Jehova, ipapo ticadzoka;
Ʋandudzai mazuʋa eɗu aʋe sakare.
22Asi makatirasha cose here?
Makatitsamŋira ɀikuru here?
Zvasarudzwa nguva ino
Mariro aJeremia 5: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
Mariro aJeremia 5
5
Kucema kwaʋanhu pamsoro pokutambudzika kwaʋo.
1Raŋgarirai Jehova, ɀakatiwira;
Tarirai, muʋone kushoʋorwa kweɗu.
2Nhaka yeɗu yaenda kuʋatorwa,
Nedzimba dzeɗu kunoʋokumŋe.
3Tiri nherera naʋasinaɓaɓa;
Madzimai eɗu akaita secirikadzi.
4Takanwa mvura yeɗu ticiita ɀokuteŋga nemari;
Huni dzeɗu takadziteŋgeserwa.
5Ʋanodziŋgana nesu ʋari pamitsipa yeɗu;
Taneta, hatinezororo.
6Takatambanudzira ruʋoko rweɗu kunaʋaEgipita,
NokunaʋaAsiria, kuti tigute ɀokudya.
7Madziɓaɓa eɗu akatadza, ɀino haʋaci’po;
Isu takatakura ɀakaipa ɀaʋo.
8Ʋaranda ʋanotiɓata ʋushe;
Hakuna‐uŋgatirwira pamaʋoko aʋo.
9Tinoɀiwanira ɀokudya ɀeɗu ʋupenyu bgeɗu ʋuri panjodzi,
Nemhaka yomunondo uri kurenje.
10Ganda reɗu raȿiɓa secoto,
Nemhaka yokupisa kukuru kwenzara.
11Ʋakacinyira ʋakadzi paZioni,
Nemhandara pamaguta aJuda.
12Macinda akasuŋgirirwa namaʋoko aʋo,
Ʋakuru haʋana‐kukudzwa.
13Majaya akatakura guyo,
Ʋana ʋakagumburwa nokurema kwehuni.
14Ʋakuru ʋakarega kuȿika pasuʋo,
Majaya akarega kuimba kwaʋo.
15Mufaro womŋoyo weɗu waguma;
Kutamba kweɗu kwashanduka kucema.
16Korona yawa pamisoro yeɗu;
Tinenhamo! nokuti takatadza.
17Nemhaka iyi mŋoyo yeɗu yapera simba;
Nemhaka yeɀinhu iɀi meso eɗu haacaʋoni ɀakanaka;
18Nokuɗa kwegomo reZioni, raʋa ɗoŋgo;
Makaʋa anofamba’po.
19Imi Jehova muri’po nokusiŋgaperi;
Cigaro cenyu coʋushe ciri’po kuȿikira kumarudzi namarudzi.
20Munotikaŋganwireiko nokusiŋgaperi,
Munotirashireiko ŋguʋa huru yakaɗai?
21Tidzoserei kwamuri, Jehova, ipapo ticadzoka;
Ʋandudzai mazuʋa eɗu aʋe sakare.
22Asi makatirasha cose here?
Makatitsamŋira ɀikuru here?
Zvasarudzwa nguva ino
:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018