Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 1:1-31

Genesi 1:1-31 SUB1949

Pakutaŋga Mŋari wakasika ɗeŋga nenyika. Nyika yakaŋga isina-kugadzirwa, isinecinhu; rima rakaŋga riri’po pamsoro pemvura yakadzika; Mŋeya waMŋari wakaŋga acigarira pamsoro pemvura. Mŋari akati: Ciedza ŋgaciʋe’po, ciedza cikaʋa’po. Mŋari akaʋona ciedza, kuti cakanaka; Mŋari akaparadzanisa ciedza nerima. Mŋari akatumidza ciedza, akati Masikati, nerima akaritumidza, akati Ʋusiku. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa rimŋe. Mŋari akati: Nɀimbo ŋgaiʋe’po pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura nemvura. Mŋari akaita nɀimbo; akaparadzanisa mvura yakaŋga iri pasi penɀimbo, nemvura yakaŋga iri pamsoro penɀimbo; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akatumidza nɀimbo, akati Ƌeŋga. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa repiri. Mŋari akati: Mvura iri pasi peɗeŋga ŋgaiʋuŋgane pamŋe cete, kuti pasi pakawoma paʋonekwe; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akatumidza pasi pakawoma, akati Nyika; nemvura yakaʋuŋgana akaitumidza, akati Makuŋgwa; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Mŋari akati: Nyika ŋgaimerese ʋuswa nemiriʋo inoɓereka mbeu, nemiti inoɓereka micero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; ɀikaita saiɀoɀo. Nyika ikameresa ʋuswa, nemiriʋo inoɓereka mbeu dzinamarudzi adzo, nemiti inoɓereka micero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa retatu. Mŋari akati: Ɀiedza ŋgaɀiʋe’po panɀimbo yeɗeŋga, kuti ɀiparadzanise masikati noʋusiku; kuti ɀiʋe ɀiratidzo, nenguʋa, namazuʋa, namakore; ŋgaɀiʋe ɀiedza panɀimbo yeɗeŋga, kuti ɀivenekere panyika; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akaita ɀiedza ɀikuru ɀiʋiri; ciedza cikuru kuti ciɓate ʋushe masikati, neciedza ciɗuku, kuti ciɓate ʋushe ʋusiku, nenyeredzi ʋo. Mŋari akaɀiisa pasi penɀimbo yeɗeŋga, kuti ɀivenekere panyika, ɀiɓate ʋushe masikati noʋusiku, nokuparadzanisa ciedza nerima; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa recinna. Mŋari akati: Mvura ŋgaizare neɀipenyu ɀizhinji, neshiri dzibururuke pamsoro penyika munɀimbo yeɗeŋga. Mŋari akasika mhuka huru dzeguŋgwa, neɀipenyu ɀose ɀinokambaira, iɀo mvura yakaŋga izere naɀo, ɀinamarudzi aɀo, neshiri dzose dzinamapapiro, dzinamarudzi adzo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Mŋari akaɀiropafadza, akati: Ƃerekai, muwande, muzadze mvura iri mumakuŋgwa; neshiri ŋgadziwande panyika. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa reshanu. Mŋari akati: Nyika ŋgaiɓereke ɀipenyu ɀinamarudzi aɀo, neɀipfuwo, neɀinokambaira, nemhuka dzenyika, ɀinamarudzi aɀo; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akaita mhuka dzenyika dzinamarudzi adzo, neɀipfuwo ɀinamarudzi aɀo, neɀinhu ɀose ɀinokambaira panyika ɀinamarudzi aɀo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Mŋari akati: Ŋgatiite munhu nomufananidzo weɗu, akafanana nesu; ŋgaaʋe nesimba pamsoro pehoʋe dzeguŋgwa, napamsoro peshiri dzeɗeŋga, napamsoro peɀipfuwo, napamsoro penyika yose, napamsoro peɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika. Mŋari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMŋari; akaʋasika murume nomukadzi. Mŋari akaʋaropafadza, Mŋari akati kwaʋari: Ƃerekai, muwande, muzadze nyika, muɓate ʋushe pairi; muʋe nesimba pamsoro pehoʋe dzeguŋgwa, napamsoro peshiri dzeɗeŋga, napamsoro peɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika. Mŋari akati: Tarirai, ndakakupai miriʋo yose inoɓereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose inemicero yemiti inoɓereka mbeu, kuti ɀiʋe ɀokudya ɀenyu. Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzeɗeŋga, neɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika, ɀinomŋeya woʋupenyu, ndakaɀipa miriʋo yose minyoro, kuti ɀiʋe ɀokudya ɀaɀo; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akaʋona ɀose ɀaakaita, ʋonei ɀakanaka kwaɀo. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa retanhatu.

Verenga chikamu Genesi 1