Genesisi 1:1-31
Genesisi 1:1-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakutanga Mwari akasika denga nenyika. Nyika yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu; rima rakanga riripo pamusoro pemvura yakadzika; Mweya waMwari wakanga uchigarira pamusoro pemvura. Mwari akati: Chiedza ngachivepo, chiedza chikavapo. Mwari akaona chiedza, kuti chakanaka; Mwari akaparadzanisa chiedza nerima. Mwari akatumidza chiedza, akati Masikati, nerima akaritumidza akati Usiku. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rimwe. Mwari akati: Nzvimbo ngaivepo pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura nemvura. Mwari akaita nzvimbo, akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo, nemvura yakanga iri pamusoro penzvimbo; zvikaita saizvozvo. Mwari akatumidza nzvimbo, akati Denga. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva repiri. Mwari akati: Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete, kuti pasi pakaoma paonekwe; zvikaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma, akati Nyika; nemvura yakaungana akaitumidza, akati Makungwa; Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akati: Nyika ngaimerese uswa nemiriwo inobereka mbeu, nemiti inobereka michero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; zvikaita saizvozvo. Nyika ikameresa uswa, nemiriwo inobereka mbeu dzina marudzi adzo, nemiti inobereka michero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mwari akaona kuti zvakanaka. Madeko akavapo namangwanani akavapo zuva retatu. Mwari akati: Zviedza ngazvivepo panzvimbo yedenga, kuti zviparadzanise masikati nousiku; kuti zvive zviratidzo, nenguva, namazuva, namakore; ngazvive zviedza panzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika; zvikaita saizvozvo. Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri; chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati, nechiedza chiduku, kuti chibate ushe usiku, nenyeredziwo. Mwari akazviisa pasi penzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika, zvibate ushe masikati nousiku, nokuparadzanisa chiedza nerima; Mwari akaona kuti zvakanaka. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina. Mwari akati: Mvura ngaizare nezvipenyu zvizhinji, neshiri dzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga. Mwari akasika mhuka huru dzegungwa, nezvipenyu zvose zvinokambaira, izvo mvura yakanga izere nazvo, zvina marudzi azvo, neshiri dzose dzina mapapiro, dzina marudzi adzo; Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akazviropafadza, akati: Berekai, muwande, muzadze mvura iri mumakungwa; neshiri ngadziwande panyika. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva reshanu. Mwari akati: Nyika ngaibereke zvipenyu zvina marudzi azvo, nezvipfuwo, nezvinokambaira, nemhuka dzenyika, zvina marudzi azvo; zvikaita saizvozvo. Mwari akaita mhuka dzenyika dzina marudzi adzo, nezvipfuwo zvina marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinokambaira panyika zvina marudzi azvo; Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akati: Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika. Mwari akasika munhu nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi. Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika. Mwari akati: Tarirai, ndakakupai miriwo yose inobereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu, kuti zvive zvokudya zvenyu. Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, nezvipenyu zvose zvinokambaira panyika, zvinemweya woupenyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo; zvikaita saizvozvo. Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva retanhatu.
Genesisi 1:1-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika. Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura. Uye Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo. Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye akaparadzanisa chiedza nerima. Mwari akatumidza chiedza kuti “masikati,” uye rima akaritumidza kuti “usiku.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rokutanga. Uye Mwari akati, “Ngapave nenzvimbo pakati pemvura kuti iparadzanise mvura nemvura.” Saka Mwari akaita nzvimbo uye akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo iyi kubva pamvura yakanga iri pamusoro payo. Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akatumidza nzvimbo iyi kuti “denga.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechipiri. Uye Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane panzvimbo imwe chete, uye pasi pakaoma ngapaonekwe.” Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti, “nyika,” uye mvura yakaungana akaiti “makungwa.” Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Ipapo Mwari akati, “Nyika ngaimerese uswa: miriwo inobereka mbeu nemiti panyika inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo dzakasiyana-siyana.” Uye zvakaita saizvozvo. Nyika yakameresa uswa: miriwo inobereka mbeu maererano nemhando dzayo nemiti inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitatu. Uye Mwari akati, “Ngakuve nezviedza munzvimbo yedenga kuti zviparadzanise masikati kubva pausiku, uye ngazvishande sezviratidzo zvokucherechedza mwaka namazuva namakore, uye ngazvive zviedza munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika.” Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri, chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati uye chiedza chiduku kuti chibate ushe usiku. Akaitawo nyeredzi. Mwari akazviisa munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika, kuti zvibate ushe masikati nousiku, uye kuti zviparadzanise chiedza kubva parima. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina. Uye Mwari akati, “Mvura ngaive nezvisikwa zvipenyu, uye shiri ngadzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga.” Saka Mwari akasika zvisikwa zvikuru zvegungwa nezvipenyu zvose zvinokambaira zvinogara mumvura, maererano namarudzi azvo, uye neshiri dzina mapapiro, maererano namarudzi adzo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Mwari akazviropafadza akati, “Berekanai muwande muzadze mvura iri mumakungwa, uye shiri ngadziwande panyika.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechishanu. Uye Mwari akati, “Nyika ngaibereke zvisikwa zvipenyu maererano namarudzi azvo: zvipfuwo, zvisikwa zvinokambaira panyika, nezvikara zvesango, chimwe nechimwe nemhando yacho.” Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akaita mhuka dzesango maererano namarudzi adzo, zvipfuwo namarudzi azvo, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika maererano namarudzi azvo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Ipapo Mwari akati, “Ngatiitei munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu, uye ngavave nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pemombe, napamusoro penyika yose, uye napamusoro pezvisikwa zvose zvinokambaira panyika.” Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika mumufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi. Mwari akavaropafadza akati kwavari, “Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika.” Ipapo Mwari akati, “Ndinokupai miriwo yose inobereka iri pamusoro penyika yose nemiti yose ine michero, ine mhodzi mukati mayo. Zvichava zvokudya zvenyu. Uye kumhuka dzose dzapanyika neshiri dzose dzedenga nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvose zvinofema, ndinozvipa miriwo minyoro kuti zvive zvokudya zvazvo.” Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akaona zvose zvaakanga aita, kuti zvakanga zvakanaka kwazvo. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitanhatu.
Genesisi 1:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakutanga Mwari akasika denga napasi. Pasi pakanga pasati panyatsoumbwa, pasina chinhu. Rima rakanga rakaputira zigungwa, Mweya waMwari achidzengerera pamusoro pemvura. Mwari akati, Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo. Mwari akaona kuti chiedza chakanaka. Mwari akaparadzanisa chiedza nerima. Mwari akatumidza chiedza kuti masikati, rima akariti usiku. Kwakasviba kukaedza. Iri rakava zuva rokutanga. Mwari akati, “Pakati pemvura ngapave neziendanakuenda rinokamuranisa mvura.” Mwari akabva aita ziendanakuenda riya ndokukamuranisa mvura yakanga iri pasi peziendanakuenda iroro neyaiva nechapamusoro paro, zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatumidza ziendanakuenda riya kuti denga. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechipiri. Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete kuti pasi pakaoma pabude pachena,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti nyika. Mvura iya yakanga yaungana akaitumidza kuti makungwa. Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akati, “Nyika ngaimere zvinomera zvorudzi norudzi, zvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi panyika,” zvikabva zvaita saizvozvo. Nyika yakamera zvinomera zvorudzi norudzi, nezvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi. Zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akaona kuti zvakanaka. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechitatu. Mwari akati, “Muziendanakuenda romudenga ngamuve namavheneko okusiyanisa masikati nousiku ave okuratidza mwaka namazuva namakore. Ngaave mavheneko omuziendanakuenda romudenga kuti avhenekere nyika,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akaita mazivheneko maviri kunoti, zivheneko guru rokutonga masikati, kozoti zivheneko duku rokutonga usiku, akaitawo nyenyedzi. Mwari akazviisa muziendanakuenda romudenga kuti zvivhenekere nyika, zvichitonga masikati nousiku nokusiyanisa chiedza nerima. Mwari akaona kuti zvakanaka. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechina. Mwari akati, “Mumvura ngamuite bvakapfaka rezvinhu zvipenyu zvinoshambira. Shiriwo ngadzibhururuke pamusoro penyika nomudenga muziendanakuenda.” Mwari akasika mhando nemhando dzamazigaranyanya omumvura nedzezvinhu zvose zvazvo zvipenyu zvinofamba, zvinoita bvakapfaka mumvura, namarudzi ose eshiri dzine mapapiro. Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akazvikomborera achiti, “Berekanai muwande muzadze mvura yomumakungwa. Shiri ngadziwandewo panyika.” Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechishanu. Mwari akati, “Nyika ngaiburitse mhando nemhando dzezvinhu zvipenyu, mhando nemhando dzezvipfuwo, nedzezvinokambaira nokuzvova napasi, nedzemhuka dzesango,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akasika mhando nemhando dzemhuka dziri panyika, nemhando dzose dzezvipfuwo nedzezvinokambaira nokuzvova napasi. Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akati, “Ngatiitei munhu akafanana nesu, akatodzana nesu. Ngavave noutongi hwenyika yose nohwehove dzomugungwa neshiri dzedenga nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi.” Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake, akavasika vari munhurume nomunhukadzi. Mwari akavakomborera achiti, “Berekanai muwande, muzadze nyika, muitonge. Ivai noutongi pamusoro pehove dzomugungwa, neshiri dzedenga, nezvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika.” Mwari akati, “Chionai, ndakupai zvinomera zvose zvine mhodzi dzazvo zviri panyika, nemiti inobereka michero ine mhodzi kuti zvive chokudya chenyu. Asi ndapa zvinomera zvinyoro kumhuka dzesango neshiri dzose dzedenga, nezvinokambaira nokuzvova napasi, nezvinhu zvipenyu zvose zvinofema kuti chive chokudya chazvo,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatarisa zvose zvaakanga aita, onei zvakanaka kwazvo. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechitanhatu.
Genesisi 1:1-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakutaŋga Mŋari wakasika ɗeŋga nenyika. Nyika yakaŋga isina-kugadzirwa, isinecinhu; rima rakaŋga riri’po pamsoro pemvura yakadzika; Mŋeya waMŋari wakaŋga acigarira pamsoro pemvura. Mŋari akati: Ciedza ŋgaciʋe’po, ciedza cikaʋa’po. Mŋari akaʋona ciedza, kuti cakanaka; Mŋari akaparadzanisa ciedza nerima. Mŋari akatumidza ciedza, akati Masikati, nerima akaritumidza, akati Ʋusiku. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa rimŋe. Mŋari akati: Nɀimbo ŋgaiʋe’po pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura nemvura. Mŋari akaita nɀimbo; akaparadzanisa mvura yakaŋga iri pasi penɀimbo, nemvura yakaŋga iri pamsoro penɀimbo; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akatumidza nɀimbo, akati Ƌeŋga. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa repiri. Mŋari akati: Mvura iri pasi peɗeŋga ŋgaiʋuŋgane pamŋe cete, kuti pasi pakawoma paʋonekwe; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akatumidza pasi pakawoma, akati Nyika; nemvura yakaʋuŋgana akaitumidza, akati Makuŋgwa; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Mŋari akati: Nyika ŋgaimerese ʋuswa nemiriʋo inoɓereka mbeu, nemiti inoɓereka micero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; ɀikaita saiɀoɀo. Nyika ikameresa ʋuswa, nemiriʋo inoɓereka mbeu dzinamarudzi adzo, nemiti inoɓereka micero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa retatu. Mŋari akati: Ɀiedza ŋgaɀiʋe’po panɀimbo yeɗeŋga, kuti ɀiparadzanise masikati noʋusiku; kuti ɀiʋe ɀiratidzo, nenguʋa, namazuʋa, namakore; ŋgaɀiʋe ɀiedza panɀimbo yeɗeŋga, kuti ɀivenekere panyika; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akaita ɀiedza ɀikuru ɀiʋiri; ciedza cikuru kuti ciɓate ʋushe masikati, neciedza ciɗuku, kuti ciɓate ʋushe ʋusiku, nenyeredzi ʋo. Mŋari akaɀiisa pasi penɀimbo yeɗeŋga, kuti ɀivenekere panyika, ɀiɓate ʋushe masikati noʋusiku, nokuparadzanisa ciedza nerima; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa recinna. Mŋari akati: Mvura ŋgaizare neɀipenyu ɀizhinji, neshiri dzibururuke pamsoro penyika munɀimbo yeɗeŋga. Mŋari akasika mhuka huru dzeguŋgwa, neɀipenyu ɀose ɀinokambaira, iɀo mvura yakaŋga izere naɀo, ɀinamarudzi aɀo, neshiri dzose dzinamapapiro, dzinamarudzi adzo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Mŋari akaɀiropafadza, akati: Ƃerekai, muwande, muzadze mvura iri mumakuŋgwa; neshiri ŋgadziwande panyika. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa reshanu. Mŋari akati: Nyika ŋgaiɓereke ɀipenyu ɀinamarudzi aɀo, neɀipfuwo, neɀinokambaira, nemhuka dzenyika, ɀinamarudzi aɀo; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akaita mhuka dzenyika dzinamarudzi adzo, neɀipfuwo ɀinamarudzi aɀo, neɀinhu ɀose ɀinokambaira panyika ɀinamarudzi aɀo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Mŋari akati: Ŋgatiite munhu nomufananidzo weɗu, akafanana nesu; ŋgaaʋe nesimba pamsoro pehoʋe dzeguŋgwa, napamsoro peshiri dzeɗeŋga, napamsoro peɀipfuwo, napamsoro penyika yose, napamsoro peɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika. Mŋari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMŋari; akaʋasika murume nomukadzi. Mŋari akaʋaropafadza, Mŋari akati kwaʋari: Ƃerekai, muwande, muzadze nyika, muɓate ʋushe pairi; muʋe nesimba pamsoro pehoʋe dzeguŋgwa, napamsoro peshiri dzeɗeŋga, napamsoro peɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika. Mŋari akati: Tarirai, ndakakupai miriʋo yose inoɓereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose inemicero yemiti inoɓereka mbeu, kuti ɀiʋe ɀokudya ɀenyu. Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzeɗeŋga, neɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika, ɀinomŋeya woʋupenyu, ndakaɀipa miriʋo yose minyoro, kuti ɀiʋe ɀokudya ɀaɀo; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akaʋona ɀose ɀaakaita, ʋonei ɀakanaka kwaɀo. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa retanhatu.
Genesisi 1:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)