Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 39

39
Josefa nomukadzi waPotifari.
1Josefa wakaŋga aɓurusirwa Egipita; Potifari, gota raFarao, mukuru waʋarindi, muEgipita, akamuteŋga pamaʋoko aʋaIshmaeri, ʋakaŋga ʋamuɓurusira Egipita. 2Jehova ɀino wakaŋga anaJosefa, akaramba acikwirira; akagara mumba matenzi wake, muEgipita. 3Tenzi wake akaʋona kuti Jehova unaye, ʋuye kuti Jehova wakafambisa ɀakanaka ɀose ɀaaiita namaʋoko ake. 4Josefa akawana nyasha kwaari, akamuɓatira; iye akamuita mutariri weimba yake; ɀose ɀaakaŋga anaɀo akaɀiisa pamaʋoko ake. 5Ɀino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowaɀose ɀaakaŋga anaɀo, Jehova akaropafadza imba yomuEgipita nokuɗa kwaJosefa; kuropafadza kwaJehova kwakaŋga kuri pamsoro peɀose ɀaakaŋga anaɀo mumba nokumunda. 6Waisiya ɀose ɀaakaŋga anaɀo pamaʋoko aJosefa; iye anaye, haazairaŋgarira cinhu, asi ɀokudya ɀake ɀoga ɀaaidya. Ɀino Josefa wakaŋga anomuʋiri wakanaka, akanaka ʋo paciso. 7Ɀino shure kwaiɀoɀo mukadzi watenzi wake wakatarira Josefa, akati: Ʋata neni. 8Asi iye wakaramba, akati kumukadzi watenzi wake: Tarirai, nokuɗa kwaŋgu tenzi waŋgu haaraŋgariri ɀiri mumba, asi wakaisa ɀose ɀaanaɀo pamaʋoko aŋgu; 9hakunomukuru kwandiri paimba ino; haana‐kundidziʋisa cinhu, asi imi moga; nokuti muri mukadzi wake; ɀino ndiŋgaita seiko cinhu ici cakaipa ɀikuru nditadzire Mŋari? 10Ɀino wakati ataura naJosefa mazuʋa ose, iye asiŋgamutereri kuti aʋate naye, kana kuʋa naye, 11neŋguʋa iyo akapinda mumba kuti aɓate‐ɓasa rake; makaŋga musinaʋamŋe ʋarume ʋeimba imomo. 12Ipapo akamuɓata ŋguʋo yake, akati: Ʋata neni; iye akasiya ŋguʋo yake muruʋoko rwake, akatiza, akaɓuɗa panze. 13Ɀino wakati aciʋona kuti wasiya ŋguʋo yake muruʋoko rwake, atiza, aenda, 14akaɗana ʋarume ʋeimba yake, akataura naʋo, akati: Tarirai, iye wakaʋuyisa muHeberu pakati peɗu kuti atiɗaɗire; wakapinda kwandiri, kuti aʋate neni, ndikaridza mhere nenzwi guru. 15Ɀino wakati acinzwa kuti ndinoɗanidzirisa ndiciridza mhere, akasiya ŋguʋo yake neni, akatiza, akaɓuɗa panze. 16Akaceŋgeta ŋguʋo yake kuȿikira tenzi wake acipinda mumba. 17Akataura kwaari mashoko iwayo akati: Muranda muHeberu wawakaisa pakati peɗu, wakaʋuya kwandiri kuti andiɗaɗire. 18Ndikaɗanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya ŋguʋo yake neni, akatizira panze. 19Tenzi wake wakati acinzwa mashoko aakaʋudzwa nomukadzi wake, aciti: Ndiɀo ɀandakaitirwa nomuranda wako, hasha dzake dzikamuka. 20Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutoroŋgo, paisuŋgwa ʋasuŋgwa ʋamambo; akaʋa mutoroŋgo. 21Asi Jehova wakaʋa naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ŋgoni nomutariri wetoroŋgo. 22Mutariri wetoroŋgo akapa mumaʋoko aJosefa ʋasuŋgwa ʋose ʋakaŋga ʋari mutoroŋgo; iye wakaŋga ari muiti weɀose ɀaiitwa’mo. 23Mutariri wetoroŋgo wakaŋga asinehanya necinhu cakaŋga ciri pamaʋoko ake, nokuti Jehova wakaŋga anaye; ɀose ɀaaiita, Jehova wakaɀiruramisa.

Zvasarudzwa nguva ino

Genesi 39: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda