Genesi 40
40
Josefa mutoroŋgo.
1Shure kwaiɀoɀo muɗiri wamambo weEgipita nomuɓiki wake ʋakatadzira tenzi waʋo, mambo weEgipita. 2Farao akatsamŋira kwaɀo ʋaranda ʋake ʋaʋiri, iʋo mukuru waʋaɗiri nomukuru waʋaɓiki. 3Akaʋasuŋga kuti ʋaceŋgetwe mumba momukuru waʋarindi, mutoroŋgo, pakaŋga pakasuŋgwa Josefa. 4Mukuru waʋarindi akaraira Josefa kuʋaceŋgeta; iye akaʋaɓatira, ʋakaita ŋguʋa ʋaciceŋgetwa. 5Ɀino ʋose ʋaʋiri ʋakarota hope ʋusiku ʋumŋe, mumŋe nomumŋe kurota kwake, kurota kumŋe nokumŋe kuneɗudziro yako, iʋo muɗiri nomuɓiki ʋamambo weEgipita, ʋakaŋga ʋakasuŋgwa mutoroŋgo. 6Ɀino fume maŋgwana Josefa akapinda kwaʋari, Akaʋatarira, akaʋona kuti haʋafari. 7Akabvunza ʋaranda ʋaFarao ʋakaŋga ʋaceŋgetwa pamŋe cete naye mumba matenzi wake, akati: Nhasi makashuwa neiko? 8Ʋakati kwaari: Tarota hope, asi hakunomunhu unogona kudziɗudzira. Josefa akati kwaʋari: Kuɗudzira hakuzi kwaMŋari here — Ƌondirondedzerai henyu. 9Ɀino mukuru waʋaɗiri akarondedzera kurota kwake kunaJosefa, akati kwaari: Pakurota kwaŋgu ndakaʋona muzambiriŋga pamberi paŋgu; pamuzambiriŋga pakaŋga panamataʋi matatu; 10ukaita sokutumbuka, ukaɓuɗisa maruʋa; masumbu awo akaɓereka mazambiriŋga akaibva; 11mukombe waFarao wakaŋga uri muruʋoko rwaŋgu; ɀino ndikatora mazambiriŋga, ndikaaȿinira mumukombe waFarao, ndikaisa mukombe muruʋoko rwaFarao. 12Josefa akati kwaari: Kuɗudzirwa kwadzo ndiko: Mataʋi matatu mazuʋa matatu; 13mazuʋa matatu agere kupera Farao ucasimudza musoro wako, nokukudzosera kuɓasa rako; ipapo ucaisa mukombe waFarao muruʋoko rwake ɀe, seɀawaiita kare uciri muɗiri wake. 14Asi undiraŋgarire hako kana woitirwa ɀakanaka; undiitire ŋgoni, undireʋerere kunaFarao, kuti ndiɓuɗiswe paimba ino; 15nokuti ɀirokwaɀo, ndakaɓiwa kunyika yaʋaHeberu; napano handina‐kuita cinhu cakafanira kuti ʋandiise mugomba iri. 16Ɀino mukuru waʋaɓiki wakati aʋona kuti ɗudziro yakanaka, akati kunaJosefa: Neni ʋo ndakaŋga ndiri pakurota kwaŋgu, ndikaʋona tswanda nhatu dzeciŋgwa cicena dzakaŋga dziri pamusoro waŋgu; 17mutswanda yapamsoro makaŋga muneɀokudya ɀamarudzi ose ɀakaɓikwa ɀaFarao; shiri dzikaɀidya mutswanda yaiʋa pamusoro waŋgu. 18Ipapo Josefa akapindura, akati. Kuɗudzirwa kwadzo ndiko: Tswanda nhatu mazuʋa matatu; 19mazuʋa matatu agere kupera, Farao ucasimudza musoro wako akaubvisa pamsoro pako, akusuŋgirire pamuti; shiri dzicadya nyama yako, dziciibvisa kwauri. 20Ɀino nomusi wetatu, musi wokuɀarwa kwaFarao, iye wakaitira ʋaranda ʋake ʋose mutambo. Akasimudza musoro womukuru waʋaɗiri, nomusoro womukuru waʋaɓiki pakati paʋaranda ʋake, 21akadzosera mukuru waʋaɗiri kuɓasa rake rokuɗira kwake, akapa mukombe waFarao muruʋoko rwaFarao; 22asi wakasuŋgirira mukuru waʋaɓiki, seɀaʋakaŋga ʋaɗudzirwa naJosefa. 23Asi mukuru waʋaɗiri haana‐kuraŋgarira Josefa, asi wakamukaŋganwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Genesi 40: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018