Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 7:1-24

Genesi 7:1-24 SUB1949

Ɀino Jehova wakati kunaNoa: Pindai muareka, iwe nemhuri yako yose; nokuti ndakuʋona iwe kuti wakarurama pamberi paŋgu parudzi urwu. Pamhuka dzose dzakanaka utore nomŋe‐nomŋe, mukono nehadzi yayo; napamhuka dzose dzisakanaka utore mbiri‐mbiri, mukono nehadzi yayo; napashiri dzeɗeŋga utore nomŋe‐nomŋe, joŋgwe nemhambo, kuti uraramise marudzi ose ari panyika. Nokuti kwasara mazuʋa manomŋe, ipapo ndicanisa mvura panyika mazuʋa anamakumi manna noʋusiku ʋunamakumi manna; ɀipenyu ɀose ɀandakaita ndicaɀiparadza panyika; Noa akaita ɀose seɀaakarairwa naJehova. Noa wakaŋga aʋa namakore anamazana matanhatu paŋguʋa yokuʋuya kwemvura zhinji panyika. Ipapo Noa wakapinda muareka, naʋanakomana ʋake, nomukadzi wake, naʋakadzi ʋaʋanakomana ʋake, nokuɗa kwemvura zhinji. Pamhuka dzakanaka, napamhuka dzisakanaka, neshiri, neɀose ɀinokambaira panyika, ɀakapinda kunaNoa muareka ɀiʋiri‐ɀiʋiri, mukono nehadzi, Mŋari seɀaakaraira Noa. Mazuʋa manomŋe akati apfuʋura, mvura zhinji ikaʋa’po panyika. Pagore ramazana matanhatu roʋupenyu bgaNoa, nomŋedzi wecipiri, nezuʋa regumi namanomŋe romŋedzi, nezuʋa irero matsime ose apakadzika‐dzika akadziʋurwa, namawindi eɗeŋga akazarurwa; mvura zhinji ikanaya panyika mazuʋa anamakumi manna noʋusiku ʋunamakumi manna. Nomusi iwoyo Noa wakapinda muareka, naShemi, naHami, naJafeti, ʋanakomana ʋaNoa, nomukadzi waNoa, naʋakadzi ʋatatu ʋaʋanakomana ʋake pamŋe cete naye; iʋo, nemhuka dzose namarudzi adzo, neɀipfuwo ɀose namarudzi aɀo, neɀinokambaira ɀose ɀinokambaira panyika namarudzi aɀo, neɀinobururuka ɀose namarudzi aɀo, neshiri dzose dzamarudzi ose. Ɀakapinda kunaNoa muareka, ɀiʋiri‐ɀiʋiri ɀeɀipenyu ɀose ɀinomŋeya woʋupenyu. Ɀose, ɀakapinda, ɀakapinda ɀiciita mukono nehadzi, ɀose ɀipenyu, seɀaakarairwa naMŋari, Jehova akamuzaririra mukati. Mvura zhinji ikaʋa’po panyika mazuʋa anamakumi manna; mvura ikawanda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamsoro penyika. Mvura ikakwirira, ikawanda kwaɀo panyika, areka ikafamba pamsoro pemvura. Mvura ikakwirira kwaɀo‐kwaɀo panyika, makomo marefu ose pasi peɗeŋga rose akafukidzwa. Mvura ikakwirira kuȿikira pamakubiti anegumi namashanu pamsoro pawo; makomo akafukidzwa. Ɀipenyu ɀose ɀaifamba panyika ɀikafa, ɀaiti, shiri, neɀipfuwo, nemhuka, neɀinokambaira, ɀose ɀaikambaira panyika, naʋanhu ʋose; ɀinhu ɀose, ɀakaŋga ɀinokufema kwomŋeya woʋupenyu mumhino dzaɀo, ɀose ɀakaŋga ɀiri pakawoma pasi, ɀikafa. Ɀipenyu ɀose, ɀakaŋga ɀiri pasi pose, ɀikaparadzwa, ɀaiti, ʋanhu, neɀipfuwo, neɀinokambaira, neshiri dzeɗeŋga; ɀikaparadzwa panyika; Noa oga akasara, neɀakaŋga ɀiri muareka naye. Mvura ikaramba yakakwirira panyika mazuʋa anezana namakumi mashanu.

Verenga chikamu Genesi 7