Genesisi 7:1-24
Genesisi 7:1-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Tenzi akataurira Nowa achiti, “Pinda mungarava, iwe nemhuri yako yose. Ndazviona kuti pachizvarwa ichi ndiwe wakarurama. Pamhando yoga yoga yemhuka dzisina kun'ora tora mikono minomwe nehadzi dzacho nomwe. Pamhando yoga yoga yemhuka dzakan'ora utorewo mbiri mbiri hono nehadzi yacho. Torawo machongwe manomwe nesheshe nomwe pamhando yoga yoga yeshiri dzedenga kuti mhando yadzo isatsakatike panyika. Shure kwamazuva manomwe ini ndichanayisa mvura panyika siku nesikati, kwamazuva makumi mana. Ndichatsakatisa zvinhu zvose zvipenyu panyika.” Nowa akaita zvose zvaakaudzwa naTenzi. Nowa akanga ava namazana matanhatu amakore panguva yakauya mafashamo emvura. Nowa akapinda mungarava pamwechete nomudzimai navanakomana vake navaroora vake kuti vapunyuke mafashamo emvura. Mhando dzose dzemhuka dzakan'ora nedzisina kun'ora dzakapinda mungarava naNowa, dziri mbiri mbiri, hono nehadzi, pamwechete nemhando dzose dzeshiri nezvinokambaira nokuzvova napasi sokutaurirwa kwakaitwa Nowa naMwari. Kuzoti kwapera mazuva manomwe, mafashamo emvura akabva auya panyika. Nowa paakanga ava namazana matanhatu amakore mumwedzi wechipiri pazuva regumi nechinomwe romwedzi iwoyo, ndiro zuva rakatubuka zvisipiti zvemvura zhinji yepasipasi penyika zvikapfachuka, mahwindo okudenga akazarurwa, mvura zhinji ikanaya panyika siku nesikati, kwamazuva makumi mana. Pazuva iroro Nowa nomudzimai wake navanakomana vake vanaShemu naHamu naJafeti navaroora vake vatatu vakapinda mungarava pamwechete nemhando dzose dzemhuka, nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi, nemhando dzose dzeshiri. Zvinhu zvose zvipenyu zvino mweya wokufema zvakapinda mungarava naNowa zviri zviviri zviviri, chikono nechikadzi sezvakaudzwa Nowa naMwari. Tenzi ndokumupfigiramo. Mvura zhinji yakaramba ichinaya pasi pose kwamazuva makumi mana. Yakawanda zvokuti yakasumudza ngarava ikayangarara pamusoro pemvura. Mvura yakaita mafashafasha, ikatutumuka kuzara pasi pose, ngarava ikayangarara pamusoro pemvura. Mvura yakazara ikanyudza makomo marefu ose epasi pose. Mvura yakazara ikafukidza makomo ikaapfuurira namamita manomwe. Zvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika zvakafa, zvaiti: shiri nezvipfuwo nemhuka nezvinokambaira navanhu vose. Zvinhu zvose zvipenyu zvino mweya wokufema zvisingagare mumvura zvakapera kufa. Zvinhu zvipenyu zvose zvakatsakatiswa pasi pose zvaiti, vanhu nemhuka nezvinokambaira nokuzvova napasi neshiri dzedenga, zvakatsakatiswa pasi pose. Asi kwakangosara Nowa chete navaaiva navo mungarava. Mvura ndokuramba yakati fasha panyika kwamazuva zana namakumi mashanu.
Genesisi 7:1-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akati kuna Noa, “Pindai muareka iwe nemhuri yako yose nokuti ndakuona iwe kuti wakarurama murudzi urwu. Utore mhando dzemhuka dzose dzakanaka nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo uye mbiri mbiri pamhando dzose dzemhuka dzisina kunaka, mukono nehadzi yayo, uyewo nomwe nomwe pamhando dzose dzeshiri, mukono nehadzi, kuti uraramise marudzi azvo akasiyana-siyana munyika yose. Mazuva manomwe kubva zvino ndichanayisa mvura panyika kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana, uye ndichabvisa pamusoro penyika zvisikwa zvipenyu zvose zvandakaita.” Uye Noa akaita zvose zvaakarayirwa naJehovha. Noa akanga ava namakore mazana matanhatu okuberekwa panguva yakanaya mvura yamafashamu panyika. Uye Noa navanakomana vake nomukadzi wake navakadzi vavanakomana vake vakapinda muareka kuti vapunyuke pamvura yamafashamu. Zviviri zviviri zvemhuka dzakanaka nedzisina kunaka, zviviri zviviri zveshiri nezvezvisikwa zvose zvinokambaira panyika, mukono nehadzi, zvakauya kuna Noa ndokupinda muareka, sezvakanga zvarayirwa naMwari kuna Noa. Uye shure kwamazuva manomwe mvura yamafashamu yakasvika panyika. Mugore ramazana matanhatu roupenyu hwaNoa, pazuva regumi namanomwe romwedzi wechipiri, pazuva iro zvitubu zvose zvapakadzika zvakatubuka, uye masuo amafashamu okudenga akazarurwa. Uye mvura yakanaya panyika kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana. Pazuva racho iroro, Noa navanakomana vake, Shemu, Hamu naJafeti, pamwe chete nomukadzi wake navakadzi vavanakomana vake vatatu, vakapinda muareka. Vakanga vane mhuka dzose dzesango namarudzi adzo, nezvipfuwo zvose namarudzi azvo neshiri dzose namarudzi adzo, nezvose zvina mapapiro. Zviviri zviviri pazvisikwa zvose zvino upenyu mazviri zvakauya kuna Noa zvikapinda muareka. Mhuka dzaipinda dzaiva mukono nehadzi pazvipenyu zvose, sezvakanga zvarayirwa Noa naMwari. Ipapo Jehovha akamupfigira mukati. Mafashamu akaramba achingouya panyika kwamazuva makumi mana, uye mvura sezvayakaramba ichiwanda yakasimudza areka pamusoro-soro penyika. Mvura zhinji yakasimuka uye ikawanda zvikuru panyika, uye areka ikayangarara pamusoro pemvura. Yakakwira kwazvo pamusoro penyika, uye makomo ose marefu ari pasi pedenga akafukidzwa. Mvura zhinji yakasimuka ikafukidza makomo kusvikira pamakubhiti gumi namashanu kudzika kubva pamusoro pawo. Zvipenyu zvose zvinokambaira panyika zvakaparara, shiri, zvipfuwo, mhuka dzesango, zvisikwa zvose zvakafararira pamusoro penyika, namarudzi ose avanhu. Zvinhu zvose zvakanga zvino kufema kwoupenyu mumhino dzazvo panyika zvakafa. Zvinhu zvose zvipenyu zvaiva pamusoro penyika zvakaparadzwa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira panyika neshiri dzedenga zvakaparadzwa kubva panyika. Noa bedzi ndiye akasiyiwa navaya vaiva naye muareka. Mvura zhinji yakafukidza nyika kwamazuva makumi mashanu.
Genesisi 7:1-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha wakati kuna Noa, “Pindai muareka, iwe nemhuri yako yose; nokuti ndakuona iwe kuti wakarurama pamberi pangu parudzi urwu. Pamhuka dzose dzakanaka utore nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo; napamhuka dzose dzisina kunaka utore mbiri mbiri, mukono nehadzi yayo; napashiri dzedenga utore nomwe nomwe, jongwe nemhambo, kuti uraramise marudzi ose ari panyika. Nokuti kwasara mazuva manomwe, ipapo ndichanaisa mvura panyika mazuva ana makumi mana nousiku hunamakumi mana; zvipenyu zvose zvandakaita ndichazviparadza panyika.” Noa akaita zvose sezvaakarairwa naJehovha. Noa wakanga ava namakore ana mazana matanhatu panguva yokuuya kwemvura zhinji panyika. Ipapo Noa wakapinda muareka, navanakomana vake, nomukadzi wake, navakadzi vavanakomana vake, nokuda kwemvura zhinji. Pamhuka dzakanaka, napamhuka dzisina kunaka, neshiri, nezvose zvinokambaira panyika, zvakapinda kuna Noa muareka zviviri zviviri, mukono nehadzi, Mwari sezvaakaraira Noa. Mazuva manomwe akati apfuura, mvura zhinji ikavapo panyika. Pagore ramazana matanhatu roupenyu hwaNoa, nomwedzi wechipiri, nezuva regumi namanomwe romwedzi, nezuva iroro matsime ose apakadzikadzika akadziurwa, namawindo edenga akazarurwa; mvura zhinji ikanaya panyika mazuva ana makumi mana nousiku hunamakumi mana. Nomusi iwoyo Noa wakapinda muareka, naShemu, naHamu, naJafeti, vanakomana vaNoa, nomukadzi waNoa, navakadzi vatatu vavanakomana vake pamwechete naye; ivo, nemhuka dzose namarudzi adzo, nezvipfuwo zvose namarudzi azvo, nezvinokambaira zvose zvinokambaira panyika namarudzi azvo, nezvinobhururuka zvose namarudzi azvo, neshiri dzose dzamarudzi ose. Zvakapinda kuna Noa muareka, zviviri zviviri zvezvipenyu zvose zvinomweya woupenyu. Zvose, zvakapinda, zvakapinda zvichiita mukono nehadzi, zvose zvipenyu, sezvaakarairwa naMwari, Jehovha akamuzaririra mukati. Mvura zhinji ikavapo panyika mazuva ana makumi mana; mvura ikawanda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamusoro penyika. Mvura ikakwirira, ikawanda kwazvo panyika, areka ikafamba pamusoro pemvura. Mvura ikakwirira kwazvo kwazvo panyika, makomo marefu ose pasi pedenga rose akafukidzwa. Mvura ikakwirira kusvikira pamakubhiti ane gumi namashanu pamusoro pawo; makomo akafukidzwa. Zvipenyu zvose zvaifamba panyika zvikafa, zvaiti, shiri, nezvipfuwo, nemhuka, nezvinokambaira, zvose zvaikambaira panyika, navanhu vose; zvinhu zvose zvakanga zviine kufema kwomweya woupenyu mumhino dzazvo, zvose zvakanga zviri pakaoma pasi, zvikafa. Zvipenyu zvose, zvakanga zviri pasi pose, zvikaparadzwa, zvaiti, vanhu, nezvipfuwo, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; zvikaparadzwa panyika; Noa oga akasara, nezvakanga zviri muareka naye. Mvura ikaramba yakakwirira panyika mazuva ane zana namakumi mashanu.
Genesisi 7:1-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Nowa achiti, “Pinda mungarava, iwe nemhuri yako yose. Ndazviona kuti pachizvarwa ichi ndiwe wakarurama. Pamhando yoga yoga yemhuka dzisina kun'ora tora mikono minomwe nehadzi dzacho nomwe. Pamhando yoga yoga yemhuka dzakan'ora utorewo mbiri mbiri hono nehadzi yacho. Torawo machongwe manomwe nesheshe nomwe pamhando yoga yoga yeshiri dzedenga kuti mhando yadzo isatsakatike panyika. Shure kwamazuva manomwe ini ndichanayisa mvura panyika siku nesikati, kwamazuva makumi mana. Ndichatsakatisa zvinhu zvose zvipenyu panyika.” Nowa akaita zvose zvaakaudzwa naTenzi. Nowa akanga ava namazana matanhatu amakore panguva yakauya mafashamo emvura. Nowa akapinda mungarava pamwechete nomudzimai navanakomana vake navaroora vake kuti vapunyuke mafashamo emvura. Mhando dzose dzemhuka dzakan'ora nedzisina kun'ora dzakapinda mungarava naNowa, dziri mbiri mbiri, hono nehadzi, pamwechete nemhando dzose dzeshiri nezvinokambaira nokuzvova napasi sokutaurirwa kwakaitwa Nowa naMwari. Kuzoti kwapera mazuva manomwe, mafashamo emvura akabva auya panyika. Nowa paakanga ava namazana matanhatu amakore mumwedzi wechipiri pazuva regumi nechinomwe romwedzi iwoyo, ndiro zuva rakatubuka zvisipiti zvemvura zhinji yepasipasi penyika zvikapfachuka, mahwindo okudenga akazarurwa, mvura zhinji ikanaya panyika siku nesikati, kwamazuva makumi mana. Pazuva iroro Nowa nomudzimai wake navanakomana vake vanaShemu naHamu naJafeti navaroora vake vatatu vakapinda mungarava pamwechete nemhando dzose dzemhuka, nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi, nemhando dzose dzeshiri. Zvinhu zvose zvipenyu zvino mweya wokufema zvakapinda mungarava naNowa zviri zviviri zviviri, chikono nechikadzi sezvakaudzwa Nowa naMwari. Tenzi ndokumupfigiramo. Mvura zhinji yakaramba ichinaya pasi pose kwamazuva makumi mana. Yakawanda zvokuti yakasumudza ngarava ikayangarara pamusoro pemvura. Mvura yakaita mafashafasha, ikatutumuka kuzara pasi pose, ngarava ikayangarara pamusoro pemvura. Mvura yakazara ikanyudza makomo marefu ose epasi pose. Mvura yakazara ikafukidza makomo ikaapfuurira namamita manomwe. Zvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika zvakafa, zvaiti: shiri nezvipfuwo nemhuka nezvinokambaira navanhu vose. Zvinhu zvose zvipenyu zvino mweya wokufema zvisingagare mumvura zvakapera kufa. Zvinhu zvipenyu zvose zvakatsakatiswa pasi pose zvaiti, vanhu nemhuka nezvinokambaira nokuzvova napasi neshiri dzedenga, zvakatsakatiswa pasi pose. Asi kwakangosara Nowa chete navaaiva navo mungarava. Mvura ndokuramba yakati fasha panyika kwamazuva zana namakumi mashanu.
Genesisi 7:1-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakati kunaNoa: Pindai muareka, iwe nemhuri yako yose; nokuti ndakuʋona iwe kuti wakarurama pamberi paŋgu parudzi urwu. Pamhuka dzose dzakanaka utore nomŋe‐nomŋe, mukono nehadzi yayo; napamhuka dzose dzisakanaka utore mbiri‐mbiri, mukono nehadzi yayo; napashiri dzeɗeŋga utore nomŋe‐nomŋe, joŋgwe nemhambo, kuti uraramise marudzi ose ari panyika. Nokuti kwasara mazuʋa manomŋe, ipapo ndicanisa mvura panyika mazuʋa anamakumi manna noʋusiku ʋunamakumi manna; ɀipenyu ɀose ɀandakaita ndicaɀiparadza panyika; Noa akaita ɀose seɀaakarairwa naJehova. Noa wakaŋga aʋa namakore anamazana matanhatu paŋguʋa yokuʋuya kwemvura zhinji panyika. Ipapo Noa wakapinda muareka, naʋanakomana ʋake, nomukadzi wake, naʋakadzi ʋaʋanakomana ʋake, nokuɗa kwemvura zhinji. Pamhuka dzakanaka, napamhuka dzisakanaka, neshiri, neɀose ɀinokambaira panyika, ɀakapinda kunaNoa muareka ɀiʋiri‐ɀiʋiri, mukono nehadzi, Mŋari seɀaakaraira Noa. Mazuʋa manomŋe akati apfuʋura, mvura zhinji ikaʋa’po panyika. Pagore ramazana matanhatu roʋupenyu bgaNoa, nomŋedzi wecipiri, nezuʋa regumi namanomŋe romŋedzi, nezuʋa irero matsime ose apakadzika‐dzika akadziʋurwa, namawindi eɗeŋga akazarurwa; mvura zhinji ikanaya panyika mazuʋa anamakumi manna noʋusiku ʋunamakumi manna. Nomusi iwoyo Noa wakapinda muareka, naShemi, naHami, naJafeti, ʋanakomana ʋaNoa, nomukadzi waNoa, naʋakadzi ʋatatu ʋaʋanakomana ʋake pamŋe cete naye; iʋo, nemhuka dzose namarudzi adzo, neɀipfuwo ɀose namarudzi aɀo, neɀinokambaira ɀose ɀinokambaira panyika namarudzi aɀo, neɀinobururuka ɀose namarudzi aɀo, neshiri dzose dzamarudzi ose. Ɀakapinda kunaNoa muareka, ɀiʋiri‐ɀiʋiri ɀeɀipenyu ɀose ɀinomŋeya woʋupenyu. Ɀose, ɀakapinda, ɀakapinda ɀiciita mukono nehadzi, ɀose ɀipenyu, seɀaakarairwa naMŋari, Jehova akamuzaririra mukati. Mvura zhinji ikaʋa’po panyika mazuʋa anamakumi manna; mvura ikawanda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamsoro penyika. Mvura ikakwirira, ikawanda kwaɀo panyika, areka ikafamba pamsoro pemvura. Mvura ikakwirira kwaɀo‐kwaɀo panyika, makomo marefu ose pasi peɗeŋga rose akafukidzwa. Mvura ikakwirira kuȿikira pamakubiti anegumi namashanu pamsoro pawo; makomo akafukidzwa. Ɀipenyu ɀose ɀaifamba panyika ɀikafa, ɀaiti, shiri, neɀipfuwo, nemhuka, neɀinokambaira, ɀose ɀaikambaira panyika, naʋanhu ʋose; ɀinhu ɀose, ɀakaŋga ɀinokufema kwomŋeya woʋupenyu mumhino dzaɀo, ɀose ɀakaŋga ɀiri pakawoma pasi, ɀikafa. Ɀipenyu ɀose, ɀakaŋga ɀiri pasi pose, ɀikaparadzwa, ɀaiti, ʋanhu, neɀipfuwo, neɀinokambaira, neshiri dzeɗeŋga; ɀikaparadzwa panyika; Noa oga akasara, neɀakaŋga ɀiri muareka naye. Mvura ikaramba yakakwirira panyika mazuʋa anezana namakumi mashanu.