Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 1

1
Mukadzi woʋufeʋe waHosea unofananidzira Israeri.
1Shoko raJehova, rakaȿika kunaHosea mŋanakomana waBeeri, namazuʋa aUzia naJotami naAhazi naHezekia, madzimambo aJuda, ʋuye namazuʋa aJeroboami mŋanakomana waJoashi, mambo waIsraeri.
2Pakutaŋga kwokutaura kwaJehova naHosea, Jehova wakati kunaHosea: Enda undoɀitorera mukadzi woʋufeʋe naʋana ʋoʋufeʋe; nokuti nyika inofeʋa ɀikuru, ɀaʋakasiyana naJehova. 3Naiɀoɀo wakaenda akatora Gomeri mukunda waDibraimi, iye akanaka pamuʋiri akamuɓerekera mŋanakomana. 4Jehova akati kwaari: Mutumidze zita rinonzi Jezreeri, nokuti kwasara ciŋguʋa ciɗuku, ipapo ndicatsiʋa ropa reJezreeri paimba yaJehu, nokugumisa ʋushe bgeimba yaIsraeri. 5Ɀino nezuʋa iro ndicavuna ʋuta bgaIsraeri mumupata weJezreeri. 6Akanaka ɀe pamuʋiri, ndokuɓereka mŋanasikana. Jehova akati kwaari: Mutumidze iye zita rinonzi Ro‐ruhama; nokuti handicazonzwiri imba yaIsraeri nyasha nditoŋgoʋakaŋganwire. 7Asi ndicanzwira imba yaJuda nyasha, ndicaʋaponesa naJehova Mŋari waʋo, handiŋgaʋaponesi noʋuta, kana nomunondo, kana nokurwa, kana namabiza, kana naʋataȿi ʋamabiza. 8Ɀino wakati arumura Ro‐ruhama, akanaka ɀe pamuʋiri, akaɓereka mŋanakomana. 9Jehova akati: Mutumidze zita rinonzi Ro‐ami; nokuti imi hamuzi ʋanhu ʋaŋgu, neni handiŋgaʋi Mŋari wenyu.
10Kunyaŋge ɀakaɗaro kuwanda kwaʋana ʋaIsraeri kucaita sejeca reguŋgwa, risiŋgabviri kuyerwa kana kuʋereŋgwa; ɀicaitika kuti paya pakaŋga panzi kwaʋari: Hamuzi ʋanhu ʋaŋgu, ndipapo paɀicanzi kwaʋari: Muri ʋanakomana ʋaMŋari mupenyu. 11Ʋana ʋaJuda naʋana ʋaIsraeri ʋacaʋuŋganidzwa pamŋe cete, ʋacaɀigadzira mukuru mumŋe, ndokubva panyika ino, nokuti zuʋa reJezreeri ricaʋa guru.

Zvasarudzwa nguva ino

Hosea 1: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda