Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 11

11
Jehova unocema ʋanhu ʋake.
1Israeri aciri mŋana muɗuku, ndaimuɗa, ndikaɗana mŋanakomana waŋgu abve Egipita. 2Ʋaprofita ʋacinyanya kuʋaɗana, iʋo ʋakanyanya kuʋatiza; ʋakaɓayira ʋaBaari, nokupisira ɀifananidzo ɀakaʋezwa ɀinonhuwira. 3Kunyaŋge ɀakaɗaro ini ndakadzidzisa Efraimi kufamba; ndakaʋatakura mumaʋoko aŋgu, asi haʋana‐kuziʋa kuti ndini ndakaʋaporesa. 4Ndakaʋakakata namaɓote omunhu, neɀisuŋgo ɀoruɗo; ndakaʋa kwaʋari somunhu unobvisa joko pashaya dzaʋo, ndikagadza ɀokudya pamberi paʋo. 5Haʋaŋgadzokeri kunyika yeEgipita, asi muAsiria ndiye ucaʋa mambo waʋo, nokuti ʋakaramba kudzokera kwandiri. 6Munondo ucaʋa nehasha pakati pamaguta aʋo, ucapedza ɀipfigiso ɀaʋo nokuɀiparadza, nemhaka yamano aʋo. 7Ʋanhu ʋaŋgu ʋanoramba ʋaciɗa kudzokera shure ʋacindisiya; kunyaŋge ʋaciɗanwa kunoWokumsoro, haʋatoŋgosimuki. 8Ndiŋgakuregedza seiko, iwe Efraimi? Ndiŋgakurasha seiko, iwe Israeri? Ndiŋgakuita seiko seAdma? Ndiŋgakuenzanisa seiko neZeboimi? Mŋoyo waŋgu washandukurwa mukati maŋgu, tsitsi dzaŋgu dzamutswa pamŋe cete. 9Handiŋgaiti nokutsamŋa kwaŋgu kukuru, handiŋgadzoki ndiciti ndiparadze Efraimi; nokuti ndiri Mŋari, handizi munhu, ndini Mutȿene pakati penyu, handiŋgaʋuyi ndakatsamŋa. 10Ʋacateʋera Jehova, aciʋomba seshumba; nokuti ucaʋomba, ʋana ʋacaʋuya ʋaciɗeɗera ʋacibva maʋirazuʋa. 11Ʋacaʋuya ʋaciɗeɗera seshiri ʋacibva Egipita, senjiʋa ʋacibva panyika yeAsiria; ini ndicaʋagarisa mudzimba dzaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
12Efraimi ʋakandikombera nenhema, ʋuye imba yaIsraeri nokunyeŋgera; Juda ʋanoŋgoramba ʋacipeŋga pamberi paMŋari, pamberi paiye Mutȿene wakatendeka.

Zvasarudzwa nguva ino

Hosea 11: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda