Hosea 4
4
Jehova unocema kutsauka kwaIsraeri.
1Inzwai shoko raJehova, imi ʋana ʋaIsraeri, nokuti Jehova unegakaʋa naʋanhu ʋagere munyika ino, nokuti hakuneɀokwaɗi, kana ʋunyoro, kana kuziʋa Mŋari munyika ino. 2Hakuneɀimŋe asi kupika, nokunyeŋgera, nokuʋuraya, nokuɓa, nokuita ʋupombge; ʋanopaza dzimba, kuteʋura ropa kunoramba kuciteʋera kuteʋura ropa. 3Saka nyika icacema, mumŋe nomumŋe ugere’mo ucapera simba, pamŋe cete nemhuka dzesaŋgo neshiri dzokuɗeŋga; naidzo hoʋe dzeguŋgwa dzicabviswa. 4Ŋgakurege kuʋa nomunhu unokakaʋara kana munhu unotuka; nokuti ʋanhu ʋako ʋakaita saʋanokakaʋara nomuprista. 5Iwe ucagumburwa masikati, nomuprofita ucagumburwa ʋo pamŋe cete newe ʋusiku; ndicaparadza mai ʋako. 6Ʋanhu ʋaŋgu ʋaparadzwa nokushaiwa ziʋo; ɀawaramba ziʋo, neni ndicakuramba ʋo, kuti urege kuʋa muprista waŋgu; ɀawakaŋganwa murairo waMŋari wako, neni ʋo ndicakaŋganwa ʋana ʋako. 7Ʋakati ʋaciwanda, kunditadzira kwaʋo kukawanda ʋo, ndicashandura kukudzwa kwaʋo ndikuite kunyadziswa. 8Ʋakaguta neɀinobva paɀiʋi ɀaʋanhu ʋaŋgu, ʋanopaŋga nemŋoyo yaʋo ɀakaipa ɀaʋo. 9Saka ɀakaita ʋanhu, ndiɀo ɀicaita muprista ʋo; ndicaʋaroʋa pamsoro penzira dzaʋo, ndicaʋaripidzira ɀaʋanoɓata. 10Ʋacadya, asi haʋaŋgaguti; ʋacapata, asi haʋaŋgawandi, nokuti ʋakarega kuʋa nehanya naJehova. 11Kufeʋa newaini newaini itȿa ɀinobvisa njere. 12Ʋanhu ʋaŋgu ʋanobvunza mano paɗanda raʋo, ʋanoziʋiswa netȿimbo yaʋo; nokuti mŋeya wokufeʋa wakaʋatadzisa, ʋakapata, ndokurasha Mŋari waʋo. 13Ʋanoɓayira pamsoro pamakomo, ʋanopisira ɀinonhuwira paɀikomo, napasi pemiouki, nemipoprari, nemiterebini, nokuti mimvuri yayo yakanaka; naiɀoɀo ʋakunda ʋenyu ʋanopata, mŋeŋga yenyu inofeʋa. 14Handiŋgaroʋi ʋakunda ʋenyu kana ʋacipata, nemŋeŋga yenyu kana icifeʋa; nokuti ʋarume ʋanoenda ʋari ʋoga neɀifeʋe, ʋanoɓayira naʋakadzi ʋanofeʋa; ʋanhu ʋasiŋganzwisisi ʋacaparadzwa. 15Kunyaŋge imi, Israeri, mucipata, Juda ŋgaʋarege kupara mhaka; musaȿika Girgari, musakwira Beti‐aveni, ʋuye musapika, muciti: NaJehova mupenyu! 16Nokuti Israeri ʋanokoma, setsiru rinokoma; ɀino Jehova ucaʋafudza segwaiana panɀimbo mhamhi. 17Efraimi unonamatirana neɀifananidzo, muregei. 18Ɀaʋanonwa ɀinoʋaʋa; ʋanoramba ʋacipata; ʋaɓati ʋaʋo ʋanofarira ɀikuru ɀinonyadzisa. 19Mhepo yakaʋaputira namapapiro ayo; ʋacanyadziswa nokuɗa kweɀiɓayiro ɀaʋo.
Zvasarudzwa nguva ino
Hosea 4: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018