Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 6

6
Kupindura kwaIsraeri.
1Ʋuyai, tidzokere kunaJehova; nokuti wakabvambura, asi ucatipodza ɀe; wakaroʋa, asi ucatisuŋga ɀe patakakuʋara. 2Kana mazuʋa maʋiri apera ucatiraramisa, nezuʋa recitatu ucatimutsa ɀe, tirarame pamberi pake. 3Ŋgatimuziʋe, ŋgatishiŋgaire kuziʋa Jehova; kuɓuɗa kwake kwakatemŋa sokwamaŋgwanani; ucaʋuya kwatiri semvura, semvura yokuteʋerera inoɗiridza nyika.
Efraimi naJuda ʋanotukwa.
4Haiwa, Efraimi, ndicakuitei? Haiwa, Juda ndicakuitei? Nokuti kunaka kwenyu kwakaita semhute yamaŋgwanani, ʋuye seɗoʋa rinokurumidza kuenda. 5Naiɀoɀo ndakaʋatema naʋaprofita; ndakaʋaʋuraya namashoko omuromo waŋgu, ɀandakatoŋga ɀakaita seciedza cinoɓuɗa. 6Nokuti ndinoɗa ruɗo, handiɗi ɀiɓayiro, ʋuye kuziʋa Mŋari kupfuʋura ɀipiriso ɀinopiswa. 7Asi ʋakaɗarika suŋgano saAdama, ndipapo paʋakandinyeŋgera. 8Gireadi iguta raʋanoita ɀakaipa, rinamakwapa eropa. 9Seɀakaita makororo anoʋandira munhu, saiɀoɀo ɓoka raʋaprista rinoʋuraya panzira inoenda Shekemi; ɀirokwaɀo, ʋakaita ɀinonyadzisa. 10Paimba yaIsraeri ndakaʋona cinhu cinonyaŋgadza kwaɀo: Pakati paEfraimi panoʋufeʋe, Israeri ʋakaȿiɓiswa. 11Newe ʋo, Juda, wakagadzirirwa kukohwa, neŋguʋa yandinodzosa kutapxa kwaʋanhu ʋaŋgu.

Zvasarudzwa nguva ino

Hosea 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda