Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 20

20
ƲaAsiria ʋacakunda Egipita neEtiopia.
1Negore rokuȿika kwaTartani paAshdodi, atumŋa naSargoni mambo weAsiria, akarwa neAshdodi nokurikunda; 2neŋguʋa iyo Jehova wakataura naIsaya mŋanakomana waAmozi, aciti: Enda, undosunuŋgura gudza riri paɀiʋuno ɀako, ubvise shaŋgu yako parutsoka rwako. Iye akaita saiɀoɀo, akafamba asineŋguʋo, asineshaŋgu. 3Ɀino Jehova akati: Muranda waŋgu Isaya seɀaakafamba asineŋguʋo asineshaŋgu makore matatu akaʋa ciratidzo necishamiso pamsoro peEgipita neEtiopia; 4saiɀoɀo mambo weAsiria ucaenda naʋatapxa ʋeEgipita naʋakadziŋgwa ʋeEtiopia, ʋaɗuku naʋakuru, ʋasineŋguʋo ʋasineshaŋgu, ʋakafukurwa ɀiʋuno, ciʋe cinyadzo ceEgipita. 5Ʋacavunduswa nokunyadziswa pamsoro peEtiopia, ciʋimbo caʋo, neEgipita rumbidzo yaʋo. 6Ʋagere panyika iyi iri pamhenderekedzo yeguŋgwa ʋacati nezuʋa iro: Tarirai, ndiɀo ɀaita ciʋimbo ceɗu, kwataitizira ticitȿaka kurwirwa kunamambo weAsiria; ko isu ɀino ticapukunyuka sei?

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 20: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda