Isaya 21
21
Cireʋo pamsoro peBabironi.
1Cireʋo pamsoro perenje reguŋgwa.
Ɀinobva kurenje, kunyika inotyisa, seɀampupuri ɀinopfuʋura kurutiʋi rweZasi. 2Ndaratidzwa ciratidzo cinocemedza; munyeŋgeri unoita nokunyeŋgera, nomuparadzi unoparadza. Simuka iwe Erami, komba, iwe Media; ndagumisa kugomera kwaʋo kwose. 3Saka ɀiʋuno ɀaŋgu ɀizere nokurwadziwa; ndaɓatwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosurumuka; ndakotamiswa, saka handigoni kunzwa; ndavunduswa, saka handigoni kuʋona. 4Mŋoyo waŋgu unedzuŋgu, ndavunduswa neɀinotyisa; rubvunza‐ʋaeni rwandaiɗa rwashanduka cinhu cinondiɗeɗeresa. 5Ʋanogadzira tafura, ʋanoisa ʋarindi, ʋanodya, ʋanonwa. Simukai, imi macinda, muzodze nhoʋo. 6Nokuti heɀi ɀandaʋudzwa naShe; Enda, undoisa murindi; ŋgaareʋe ɀaanoʋona; 7ɀino kana aciʋona ɓoka, naʋataȿi ʋamabiza ʋakaita ʋaʋiri‐ʋaʋiri, neɓoka remboŋgoro, neɓoka ramakamera, ŋgaaterere ɀakanaka‐naka. 8Iye akaɗanidzira seshumba, aciti: Ishe, ndimire ŋguʋa dzose masikati pashoŋgwe yokurinda, noʋusiku bgose ndimire panɀimbo yaŋgu; 9ɀino tarirai, kwoʋuya ɓoka raʋanhu, ʋataȿi ʋamabiza ʋakaita ʋaʋiri‐ʋaʋiri. Akapindura, akati: Babironi rawa, rawa; mifananidzo yake yose yakaʋezwa yaʋamŋari ʋaʋo yaputsikirwa pasi. 10Haiwa, ʋanhu ʋaŋgu ʋakapurwa, ɀiyo ɀeɓuriro raŋgu, ɀandakanzwa kunaJehova wehondo, Mŋari waIsraeri, ndiɀo ɀandakakuziʋisai.
Cireʋo pamsoro peDuma.
11Cireʋo pamsoro peDuma.
Mumŋe unondiɗana, ari paSeiri, aciti: Nhai, murindi, iŋguʋa ipi yoʋusiku? Nhai, murindi, iŋguʋa ipi yoʋusiku? 12Murindi ndokuti: Mambakwedza oȿika, noʋusiku ʋo. Kana muciɗa kubvunza, bvunzai; dzokai, ʋuyai.
Cireʋo pamsoro peArabia.
13Cireʋo pamsoro peArabia.
Musaŋgo reArabia ndi’mo mamucaʋata, imi mapoka aʋafambi ʋeDedani. 14Ʋigirai unenyota mvura! Ʋagere panyika yeTema ʋakaciŋgamidza ʋatizi neciŋgwa caʋo. 15Nokuti ʋakaŋga ʋacitiza minondo, minondo yakavomorwa, noʋuta bgakakuŋgwa, nokumanikidzwa kwokurwa. 16Nokuti heɀi ɀandakaʋudzwa naJehova: Gore risati rapera, samakore omunhu unoɓatira muɓairo, mbiri yose yaKedari icapera; 17ʋakasara ʋeɓoka raʋanofura noʋuta, iʋo ʋanhu ʋanesimba ʋaʋana ʋaKedari, ʋacaʋa ʋashoma; nokuti Jehova, Mŋari waIsraeri, wakaɀitaura.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 21: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: