Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 27

27
ƲaIsraeri ʋacaraŋgwa asi ʋacadzoswa ɀe naJehova.
1Nezuʋa iro Jehova ucaroʋa nomunondo wake mukukutu, mukuru, nounesimba, reviatani, iyo nyoka inokurumidza, nereviatani, nyoka yakagonyana; ucaʋuraya cikara ciri muguŋgwa.
2Nezuʋa iro ʋacaimba ʋaciti: Munda wemizambiriŋga, ciuimbirai! 3Ini Jehova ndini muceŋgeti wawo; ndicauɗiridza ŋguʋa imŋe neimŋe; ndicauceŋgeta masikati noʋusiku, kuti urege kutadziwa nomunhu. 4Ini handinehasha; ɗai rukato neminzwa ɀairwa neni! Ndaiɀiʋamba, ndaiɀipisa pamŋe cete. 5Kana asiŋgaɗaro, ŋgaaɓate simba raŋgu, ayanane neni, ŋgaayanane neni. 6Namazuʋa anoʋuya Jakobo ucamera midzi; Israeri ucatuŋga maruʋa nokutumbuka; ʋacazadza nyika yose neɀiɓereko. 7Ko wakaʋaroʋa iye seɀaakaroʋa aʋo ʋakaʋaroʋa here? Ko ʋakaʋurawa nokuʋurawa kwaiʋo ʋakaʋurawa naʋo here? 8Pakuʋadziŋga kwenyu makarwa naʋo neciyero cakafanira; wakaʋabvisa nemhepo yake inesimba nezuʋa remhepo yokumabvazuʋa. 9Saka nenzira iyi ɀakaipa ɀaJakobo ɀicadzikinurwa; iɀi ndiɀo ɀiɓereko ɀose ɀokubviswa kweɀiʋi ɀake, kana aciita mabge ose eartari aʋe samabge omunyaka akaputswa‐putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuʋa ɀirege kuzomiswa. 10Nokuti guta, rakakombga noruȿiŋgo, rasiyiwa riri roga, bgaʋa ʋugaro bgasiyiwa riri ɗoŋgo, serenje; ndipo pacaʋa namafuro emhuru, ndipo paicaʋata pasi, icidya mashizha apo. 11Kana mataʋi apo awoma, acavunwa; ʋakadzi ʋacaʋuya ʋaciapisa; nokuti ʋanhu aʋa haʋanenjere; saka wakaʋaita haaŋgaʋi netsitsi naʋo, wakaʋaʋumba haaŋgaʋi noruɗo naʋo.
12Ɀino nezuʋa iro Jehova ucapura ɀiyo kubvira pamvura yoRwizi kuȿikira parukoʋa rweEgipita; imi mucaʋuŋganidzwa, muciita mumŋe‐mumŋe, imi ʋana ʋaIsraeri.
13Ɀino nezuʋa iro hwamanda huru icaridzwa; ʋakaŋga ʋoparara panyika yeAsiria, naʋakaŋga ʋadziŋgirwa kunyika yeEgipita, ʋacaʋuya; ʋacanamata Jehova pagomo dɀene paJerusarema.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 27: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda