Isaya 37
37
1Ɀino mambo Hezekia wakati aciɀinzwa, akabvarura ŋguʋo dzake, akafuka makudza, akapinda mumba maJehova. 2Akatuma Eriakimi waiceŋgeta imba, naShebna munyori, naʋakuru ʋaʋaprista, ʋakafuka makudza, kumuprofita Isaya mŋanakomana waAmozi. 3Ʋakati kwaari: Ɀanzi naHezekia: Nhasi izuʋa rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuɀidzwa; nokuti ʋana ʋakaȿika pakuɀarwa, asi hakunesimba rokuɀara naro. 4Ɀimŋe Mŋari wenyu ucanzwa mashoko ose omukuru waʋatariri, wakatumŋa namambo weAsiria tenzi wake, kuɀidza Mŋari mupenyu, agoʋatuka pamsoro pamashoko aakanzwa iye Jehova Mŋari wenyu; naiɀoɀo nyeŋgetererai ʋakasara. 5Naiɀoɀo ʋaranda ʋamambo Hezekia ʋakaȿika kunaIsaya. 6Isaya akati kwaʋari: Ʋudzai tenzi wenyu, muti: Ɀanzi naJehova: Usatya hako mashoko awanzwa, andakamhurwa nawo naʋaranda ʋamambo weAsiria. 7Tarira, ndicaisa mŋeya wokutya mukati make, ucanzwa guhu, ndokudzokera kunyika yake; ndicamuʋurayisa nomunondo munyika yake.
8Naiɀoɀo mukuru waʋatariri akadzoka, akawana mambo weAsiria acirwa neRibna, nokuti wakaŋga anzwa kuti wabva Rakishi. 9Ɀino wakanzwa pamsoro paTirhaka mambo weEtiopia, ɀicinzi: Waʋuya kuzorwa newe. Ɀino wakati aɀinzwa, akatuma nhume kunaHezekia, aciti: 10Endai mundoʋudza Hezekia mambo waJuda, muti: Mŋari wako, waunoʋimba naye, ŋgaarege kukunyeŋgera, aciti: Jerusarema hariŋgapiwi muruʋoko rwamambo weAsiria. 11Tarira, wakanzwa ɀakaitirwa nyika dzose namadzimambo eAsiria, kuti ʋakadziparadza cose; ɀino iwe ucarwirwa here? 12Ko ʋamŋari ʋamamŋe marudzi ʋakaʋarwira here, iwo akaparadzwa namadziɓaɓa aŋgu, ʋanoti, Gozani, naHarani, naRezefi, naʋana ʋaEdeni, ʋaiʋa paTerasari? 13Mambo weHamati uripiko, namambo weArpadi, namambo weguta reSefarvaimi, neHena, neIva? 14Hezekia akagamucira ŋwadi pamaʋoko enhume, akairaʋa; Hezekia akakwira kumba kwaJehova, akaipetenura pamberi paJehova. 15Ipapo Hezekia akanyeŋgetera kunaJehova, aciti: 16Haiwa Jehova wehondo, Mŋari waIsraeri, iye ugere pamsoro pamakerubimi! Ndimi Mŋari, imi moga, woʋushe bgose bgenyika, ndimi makaita kuɗeŋga napasi. 17Rerekerai nzeʋe yenyu, Jehova, munzwe; ȿinudzai meso enyu, Jehova, muʋone; inzwai mashoko ose aSanheribi, wakatuma nhume kuzoɀidza Mŋari mupenyu. 18Ɀirokwaɀo, Jehova, madzimambo eAsiria akaparadza marudzi ose nenyika dzawo, 19akakandira ʋamŋari ʋaʋo mumŋoto; nokuti ʋakaŋga ʋasi ʋamŋari, asi rakaŋga riri ɓasa ramaʋoko aʋanhu, ari matanda namabge; naiɀoɀo akaʋaparadza. 20Naiɀoɀo ɀino, Jehova, Mŋari weɗu, tiponesei paruʋoko rwake, kuti ʋushe bgose bgenyika ʋuziʋe kuti ndimi Jehova, iyemi moga.
21Ipapo Isaya mŋanakomana waAmozi, akatuma shoko kunaHezekia, akati: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ɀawanyeŋgetera kwandiri pamsoro paSanheribi mambo weAsiria, 22heri shoko rakataurwa naJehova pamsoro pake: Mhandara, mukunda weZioni, wakakushoʋora nokukuseka; mukunda weJerusarema wakakudzuŋgudzira musoro wake. 23Ndianiko wawakatuka nokuɀidza? Wakaɀikudza kunaniko nenzwi rako, meso ako akatarira aniko kuɗeŋga? NdiMutȿene waIsraeri! 24Watuka Jehova naʋaranda ʋako, ukati: Ndakwira kumakomo marefu neŋgoro dzaŋgu zhinji, kunɀimbo dzomukati dzeRebanoni; ndicatema misidari mirefu iri’po, nemisipresi yakatsaurwa iri’po, ndicapinda kuȿikira kumsoro‐soro kwaro, kuɗondo raro rinoɓereka ɀakanaka; 25ndakacera ndikanwa mvura, ndicapxisa nzizi dzose dzeEgipita nokutsika kwetsoka dzaŋgu. 26Hauna‐kunzwa here kuti ndakaɀiita kare, kuti ndakaɀiraira neŋguʋa dzokutaŋga‐taŋga? Ɀino ndakaraira ɀiitike, kuti iwe uʋe muparadzi wamaguta akakombga namaȿiŋgo, aʋe matoŋgo. 27Naiɀoɀo ʋakaŋga ʋagere’mo ʋakaŋga ʋanesimba ɗuku, ʋakavunduswa nokunyadzwa; ʋakafanana noʋuswa bgeɓundo, nomuriʋo mutema, noʋuswa ʋuri pamsoro peimba, nomunda weɀiyo ɀigere kukura. 28Asi ndinoziʋa kugara kwako pasi, nokuɓuɗa kwako, nokupinda kwako, ʋuye hasha dzako kwandiri. 29Nokuɗa kwehasha dzako kwandiri, ʋuye nokuti ndakanzwa, kuɀikudza kwako, ndicaisa rwauro rwaŋgu mumhino dzako, netomu raŋgu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakaʋuya nayo. 30Ici ndico cicaʋa ciratidzo kwauri: Nhaka mucadya ɀinoŋgomera ɀoga, negore recipiri mucadya ɀinomera ɀe kwaɀiri; asi negore recitatu munofanira kudɀara, nokuceka, nokusima minda yemizambiriŋga, mudye micero yayo. 31Ɀino ʋakasara ʋakapukunyuka ʋeimba yaJuda, ʋacaita ɀe midzi pasi, nokuɓereka micero kumsoro. 32Nokuti ʋakasara ʋacaɓuɗa Jerusarema, naʋakapukunyuka pagomo reZioni; kushiŋgaira kwaJehova kucaɀiita. 33Naiɀoɀo ɀanzi naJehova pamsoro pamambo weAsiria: Haaŋgapindi muguta rino, kana kuposhera museʋe imomo, kana kuȿika pamberi paro nenhoʋo, kana kututira gomo revu kwariri. 34Ɀanzi naJehova: Nenzira yaakaʋuya nayo, ucadzokera ɀe nayo; haaŋgapindi muguta rino. 35Nokuti ndicadzitira guta rino, ndiriponese nokuɗa kwaŋgu ini, ʋuye nokuɗa kwomuranda waŋgu Davidi.
36Ɀino mutumŋa waJehova akaɓuɗa, akaʋuraya ʋanhu ʋaneɀuru ɀinezana namakumi masere neɀishanu pamisasa yaʋaAsiria; ɀino ʋanhu ʋakati ʋacimuka maŋgwanani, ʋakawana ɀaʋa ɀitunha ɀose. 37Naiɀoɀo Sanheribi mambo weAsiria akabva, akaenda, akadzokera kwakare, akandogara Nineve. 38Ɀino wakati acinamata mumba maNisroki, mŋari wake, Adramereki naSharezeri ʋanakomana ʋake, ʋakamuʋuraya nomunondo, iʋo ʋakatizira kunyika yeArarati. Esari‐hadoni akamuteʋera paʋushe.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 37: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: