Isaya 38
38
Kurwara kwaHezekia nokupora kwake ɀe.
1Ɀino namazuʋa iwayo Hezekia akarwara, akaȿikira pakufa. Muprofita Isaya mŋanakomana waAmozi akaȿika kwaari, akati kwaari: Ɀanzi naJehova: Ciraira nhaka yako, nokuti ucafa, hauŋgararami. 2Ipapo Hezekia akatendeʋukira kumadziro, akanyeŋgetera kunaJehova, 3akati: Ƌoraŋgarirai henyu, Jehova, kuti ndakafamba pamberi penyu neɀokwaɗi nomŋoyo wose, ndikaita ɀakanaka pamberi penyu. Hezekia akacema kwaɀo. 4Ipapo shoko raJehova rakaȿika kunaIsaya, riciti: 5Enda undoti kunaHezekia: Ɀanzi naJehova, Mŋari waɓaɓa ʋako Davidi: Ndanzwa kunyeŋgetera kwako, ndaʋona misodzi yako; tarira, ndicawedzera pamazuʋa ako makore anegumi namashanu. 6Ndicakurwira iwe neguta rino paruʋoko rwamambo weAsiria; ʋuye ndicadzitira guta rino. 7Heci ciratidzo caJehova kwauri, kuti Jehova ucaita cinhu ici caakataura: 8Tarira, ndicadzosa mumvuri pamitaro, wakaŋga wadzira nezuʋa pacikati caAhazi, udzoke mitaro inegumi. Naiɀoɀo zuʋa rakadzoka mitaro inegumi pacikati caAhazi, pawakaŋga wadzira.
Rwiyo rwokuʋoŋga rwaHezekia.
9 Horwu runyoro rwaHezekia mambo waJuda, paŋguʋa yaakaŋga arwara, akapora ɀe pakurwara kwake.
10Ndakati: Ndicapinda pamasuʋo eSheori aciri masikati pamazuʋa aŋgu;
Ndatorerwa makore aŋgu akaŋga asara.
11Ndakati: Handicazoʋoni Jehova, iye Jehova, panyika yaʋapenyu;
Handicazoʋoni ʋanhu pamŋe cete naʋagere panyika.
12Ʋugaro bgaŋgu bgaputswa, bgabviswa kwandiri setente romufudzi;
Ndapeta ʋupenyu bgaŋgu, somuruki; ucandigura pacirukiso;
Mucandigumisa kubvira maŋgwanani kuȿikira maɗekwana.
13Ndakaɀinyaradza kuȿikira kwaedza; unovuna mafupa aŋgu ose seshumba;

14Ndakarira senyeŋganyeŋga kana kondo;
Ndakacema senjiʋa; meso aŋgu akapera nokutarira kumsoro;
Haiwa Jehova, ndakamanikidzwa, iʋai mumiriri waŋgu imi.
15Ndiŋgatiyiko? Ndiye wakataura neni, ndiye wakaɀiita;
Ndicanatsa kufamba makore aŋgu ose, nokuɗa kwokurwadziwa kwomŋoyo waŋgu.
16Ishe, ʋanhu ʋanorarama neɀinhu iɀoɀi;
Ʋupenyu bgose bgomŋeya waŋgu ʋuri maɀiri;
Naiɀoɀo ndiporesei, mundiraramise.
17Tarirai, kutambudzika kwaŋgu kukuru kwakazondiʋigira rugare;
Asi makarwira mŋeya waŋgu noruɗo pagomba rokuparadzwa;
Nokuti makarashira ɀiʋi ɀaŋgu ɀose shure kwenyu.
18Nokuti Sheori harigoni kukuʋoŋgai, rufu harugoni kukurumbidzai;
Ʋanoɓurukira kugomba haʋaŋgagoni kutarira ɀokwaɗi yenyu.
19Mupenyu, mupenyu, ndiye ucakuʋoŋgai, seɀandinoita nhasi;
Ƃaɓa ʋacaziʋisa ʋana ʋaʋo ɀokwaɗi yenyu.
20Jehova wakaɀigadzira kundiponesa;
Naiɀoɀo ticaimba nziyo dzaŋgu nemiteŋgeranwa
Mazuʋa ose oʋupenyu bgeɗu mumba maJehova.
21Ɀino Isaya wakaŋga ati: Ŋgaʋatore ɓundu ramaʋonde ʋarinamire pamota, ipapo ucapora. 22Hezekia ʋo wakaŋga ati: Ciratidzo ndecipi kuti ndicakwira kuimba yaJehova?
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 38: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: