Isaya 55
55
Ʋuyai mutore ruponeso.
1Nhai, imi mose munenyota, ʋuyai kumvura zhinji, nousinemari, ʋuyai, muteŋge mudye; ɀirokwaɀo, ʋuyai muteŋge waini nomukaka, musinemari, pasinomuteŋgo. 2Munoparadzireiko mari muciteŋga ɀisati ɀiri ɀokudya, neɀamakaɓatira muciteŋga ɀisiŋgagutisi? Nditererei ɀakanaka, mudye iɀo ɀakanaka, mŋeya yenyu ifare neɀakakora. 3Rerekai nzeʋe yenyu, muʋuye kwandiri; inzwai, mŋeya yenyu igorarama; ndicaita nemi suŋgano isiŋgaperi, nyasha dzaɀokwaɗi dzakapikirwa Davidi. 4Tarirai, ndakamuita capupu kumarudzi aʋanhu, aʋe mutuŋgamiriri nomuɓati wamarudzi. 5Tarira, ucaɗana rudzi rwawakaŋga usiŋgaziʋi, norudzi rwakaŋga rusiŋgakuziʋi iwe rucamhanyira kwauri, nokuɗa kwaJehova Mŋari wako, nokwoMutȿene waIsraeri; nokuti iye wakakukudza.
6Tȿakai Jehova acawanikwa, ɗanai kwaari aciri pedyo. 7Wakaipa ŋgaasiye nzira yake, nomunhu usakarurama miraŋgariro yake; ŋgaadzokere kunaJehova, iye ucamunzwira nyasha, nokunaMŋari weɗu, nokuti ucakaŋganwira ɀikuru. 8Nokuti ndaŋgariro dzaŋgu hadzizi ndaŋgariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 9Nokuti ɗeŋga seɀarakakwirira kupfuʋura nyika, saiɀoɀo nzira dzaŋgu dzakakwirira kupfuʋura nzira dzenyu, nendaŋgariro dzaŋgu kupfuʋura ndaŋgariro dzenyu. 10Nokuti mvura necando seɀaɀinoɓuruka ɀicibva kuɗeŋga, ɀisiŋgazodzokeri’ko, asi ɀinoɗiridza nyika, ɀiciiɓerekesa nokuituŋgisa maruʋa, icipa mudɀari mbeu, nomudyi ɀokudya; 11ndiɀo ɀicaita shoko raŋgu rinoɓuɗa mumuromo maŋgu; hariŋgadzokeri kwandiri risina, asi ricaita ɀandinoɗa, riciendika paneɀandakaritumira. 12Nokuti mucaɓuɗa nomufaro, nokufambiswa norugare; makomo neɀikomo ɀicaimba nomufaro pamberi penyu; miti yose yokuɗondo icaʋucira. 13Panɀimbo yomuti womunzwa pacamera musipresi, panɀimbo yorukato pacamera mumirte; ɀicaʋa kunaJehova mukurumbira neciratidzo cisiŋgaperi, cisiŋgazoparadzwi.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 55: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: