Isaya 56
56
Ʋanoceŋgeta saɓata ʋacaropafadzwa.
1Ɀanzi naJehova: Ceŋgetai kururamisa, muite ɀakarurama; nokuti ruponeso rwaŋgu rwoɗokuȿika, kururama kwaŋgu kworatidzwa. 2Wakaropafadzwa munhu unoita iɀoɀi, nomŋanakomana womunhu unoɀiɓatisisa, unoceŋgeta saɓata kuti arege kurimhura, nokudzora ruʋoko rwake kuti arege kuita cinhu cakaipa. 3Mutorwa wakanamatira Jehova, ŋgaarege kutaura aciti: Ɀirokwaɀo Jehova ucandiparadzanisa naʋanhu ʋake; nowakacekwa ŋgaarege kuti: Tarirai, ndiri muti wakawoma. 4Nokuti ɀanzi naJehova pamsoro paʋakacekwa, ʋanoceŋgeta masaɓata aŋgu, nokusanaŋgura ɀinhu ɀinondifadza, ʋaciɓatisisa suŋgano yaŋgu: 5Ndicaʋapa mumba maŋgu nomukati mamaȿiŋgo aŋgu ciyeʋudzo nezita rinopfuʋura raʋanakomana naʋanasikana; ndicaʋapa zita risiŋgaperi, risiŋgazoparadzwi. 6Naʋatorwa ʋo ʋanonamatira Jehova, kuti ʋamushumire, nokuɗa zita raJehova, nokuʋa ʋaranda ʋake, mumŋe nomumŋe unoceŋgeta saɓata kuti arege kurimhura, nokuɓatisisa suŋgano yaŋgu; 7iʋaʋo ndicaʋaʋuyisa kugomo raŋgu dɀene, nokuʋafadza muimba yaŋgu yokunyeŋgetera; ɀipiriso ɀaʋo ɀinopiswa neɀiɓayiro ɀaʋo ɀicagamucirwa paartari raŋgu; nokuti imba yaŋgu icanzi imba yokunyeŋgetera yaʋanhu ʋose. 8Ishe Jehova, unoʋuŋganidza ʋakadziŋgwa ʋaIsraeri, unoti: Ndicaʋuŋganidza ɀe ʋamŋe kwaari, pamŋe cete naʋake ʋakaʋuŋganidzwa.
Ɀiʋi ɀaIsraeri neɀaʋatuŋgamiriri ʋaʋo.
9Imi ɀikara ɀose ɀokusaŋgo, ʋuyai mudye, imi ɀikara ɀose ɀokuɗondo. 10Nharirire dzake mapofu, ʋose haʋaneziʋo; dzose imbga dzisiŋgagoni kutaura, dzisiŋgagoni kuʋukura, dzinorota, dzinoʋata pasi, dzinofarira kuʋata. 11Ɀirokwaɀo, imbga dzinokara, dzisiŋgatoŋgoguti; aʋa ʋafudzi, ʋasiŋgagoni kunzwisisa, mumŋe nomumŋe wakatsaukira kunzira yake, mumŋe nomumŋe kufuma yake, ʋose‐ʋose. 12Ʋanoti: Ʋuyai, ndicaʋuya newaini, ticaguta neɀinoɓata, maŋgwana acaita sezuʋa ranhasi, zuʋa guru‐guru kwaɀo.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 56: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: