Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ʋatoŋgi 21

21
Ʋana ʋaBenjamini ʋanotȿakirwa ɀe ʋakadzi.
1Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋapika paMizpa, ʋaciti: Hakunomumŋe weɗu ucapa muBenjamini mukunda wake, kuti aʋe mukadzi wake. 2Ʋanhu ʋakaȿika paBeti‐eri, ʋakagara’po pamberi paMŋari kuȿikira maɗekwana; ʋakacema kwaɀo. 3Ʋakati: Jehova, Mŋari waIsraeri, cinhu ici cakaitirweiko pakati paIsraeri, kuti nhasi rumŋe rudzi rushaikwe pakati paIsraeri? 4Ɀino fume maŋgwana ʋanhu ʋakamuka maŋgwanani, ʋakaʋaka’po artari, ʋakaʋuya neɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa. 5Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakati: Ndianiko pakati pamarudzi ose aIsraeri ʋasinakukwira kuʋuŋgano yaJehova? Nokuti ʋakaŋga ʋapika nokupika kukuru pamsoro pomunhu usina‐kukwira kunaJehova paMizpa, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, unofanira kuʋurawa. 6Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaɀiɗemba pamsoro paʋaBenjamini, hama dzaʋo, ʋakati: Nhasi rumŋe rudzi rwagurwa pakati paʋaIsraeri. 7Ticaɗiniko kuti tiwanire ʋakasara ʋakadzi, ɀatakapika naJehova, kuti hatiŋgaʋapi ʋakunda ʋeɗu ʋaʋe ʋakadzi ʋaʋo? 8Ʋakati: Ndianiko pamarudzi aIsraeri usina‐kukwira kunaJehova paMizpa? Ʋonei, kwakaŋga kusinomunhu wakabva Jabeshi‐gireadi wakakwira kumisasa kuʋuŋgano. 9Nokuti ʋanhu ʋakati ʋaciʋereŋgwa, ʋonei kwakaŋga kusinomunhu waʋagere Jabeshi‐gireadi ipapo. 10Ɀino ʋuŋgano ikatumira’ko ʋarume ʋoʋumhare kwaɀo ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri, ʋakaʋaraira ʋaciti: Endai mundoʋuraya ʋagere Jabeshi‐gireadi neminondo inopinza, pamŋe cete naʋakadzi naʋana. 11Munofanira kuita ʋo cinhu ici: Munofanira kuparadza cose ʋarume ʋose, nomukadzi mumŋe nomumŋe wakamboʋata nomurume. 12Ɀino ʋakandowana kunaʋagere Jabeshi‐gireadi mhandara dzinamazana manna, ʋasina‐kumboʋata nomurume; ʋakaʋuya naʋo kumisasa paShiro munyika yeKanani.
13Ɀino ʋuŋgano yose yakatuma nhume kundotaurirana naʋana ʋaBenjamini ʋakaŋga ʋari paɗombo reRimoni, ʋakaʋaparidzira rugare. 14Neŋguʋa iyo ʋaBenjamini ʋakadzoka; ʋakaʋapa ʋakadzi ʋaʋakaŋga ʋaceŋgeta ʋari ʋapenyu paʋakadzi ʋeJabeshi‐gireadi; asi haʋana‐kuʋariŋgana. 15Ʋanhu ʋakaɀiɗemba pamsoro paʋaBenjamini, nokuti Jehova wakaŋga aparadza ʋamŋe pakati pamarudzi aʋaIsraeri.
16Ipapo ʋakuru ʋeʋuŋgano ʋakati: Ticaɗiniko kuti tiwanire ʋakasara ʋakadzi, ʋakadzi ɀaʋaparadzwa pakati paʋaBenjamini? 17Ʋakati: ƲaBenjamini ʋakapukunyuka ʋanofanira kuʋa nenhaka yaʋo, kuti rudzi rumŋe rurege kuroʋa pakati paʋaIsraeri. 18Asi hatiŋgaʋapi ʋakunda ʋeɗu, ʋaʋe ʋakadzi ʋaʋo; nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋapika, ʋaciti: Munhu unopa ʋaBenjamini mukadzi ŋgaatukwe. 19Ʋakati: Gore rimŋe nerimŋe kunomutambo waJehova paShiro, kurutiʋi rwokumsoro kweBeti‐eri, kumabvazuʋa enzira huru inobva Beti‐eri icikwira Shekemi, nezasi kweRebona. 20Ʋakaraira ʋana ʋaBenjamini, ʋaciti: Endai, mundoʋandira muminda yemizambiriŋga; 21mutarire, muʋone kana ʋakunda ʋeShiro ʋaciɓuɗa kuzotamba; ɀino muɓuɗe paminda yenyu yemizambiriŋga, murume mumŋe nomumŋe agoɀitorera mukadzi pakati paʋakunda ʋeShiro, muende kunyika yaʋaBenjamini. 22Ɀino kana madziɓaɓa aʋo kana hama dzaʋo ʋaciʋuya kuzoʋakwirira kwatiri, isu ticati kwaʋari: Citipai henyu iʋaʋo ɀakanaka, nokuti hatina‐kuʋatapira ʋose ʋakadzi pakurwa; nemi ʋo hamunakuʋapa iʋo, muŋgaɗai munemhoȿa. 23Ʋana ʋaBenjamini ʋakaita saiɀoɀo, ʋakaɀitorera ʋakadzi kunaʋakaŋga ʋacitamba, ʋakaʋariŋgana; ʋakaenda naʋo; ʋakabva ndokudzokera kunhaka yaʋo, ʋakaʋaka maguta, ndokugara mukati mawo. 24Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakabva’po neŋguʋa iyo, murume mumŋe nomumŋe kurudzi rwake nokumhuri yake; ʋakaɓuɗa’po murume mumŋe nomumŋe akaenda kunhaka yake. 25Namazuʋa iwayo kwakaŋga kusinamambo pakati paIsraeri; murume mumŋe nomumŋe waiita seɀaakafuŋga kuti ndiɀo ɀakanaka.

Zvasarudzwa nguva ino

Ʋatoŋgi 21: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda