Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ʋatoŋgi 8

8
Kumŋe kurwa kwaGideoni. Unoramba kuʋa mambo.
1Ɀino ʋarume ʋaEfraimi ʋakati kwaari: Watiitireiko, ɀausina‐kutiɗana ŋguʋa yawakandorwa naMidiani? Ʋakamupopotera kwaɀo. 2Akati kwaʋari: Ini ɀino ndaiteiko haŋgu, kana ndiciɀifananidza nemi? Handiti ɀakaʋuŋganidzwa naEfraimi ɀinopfuʋura kukohwa kwose kwaAbiezeri here? 3Mŋari wakaisa macinda maʋiri aMidiani, Orebi naZeebi, mumaʋoko enyu; ɀino ini ndaigona kuitei ʋo, kana ndiciɀifananidza nemi? Ipapo kutsamŋa kwaʋo kwakanyarara kwaari, aʋaʋudza iɀoɀo. 4Gideoni akaȿika paJoridani, akayambuka, iye naʋarume ʋanamazana matatu ʋaakaŋga anaʋo; ʋakaŋga ʋaneta, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaŋga ʋaciteʋerera haʋo. 5Akati kuʋarume ʋeSukoti: Ipai henyu ʋanhu aʋa ʋanonditeʋera mapundu eɀiŋgwa, nokuti ʋaneta; ndinoteʋerera Zeba naZarmuna, madzimambo aMidiani. 6Macinda eSukoti akati: Ko Zeba naZarmuna ʋatokundwa newe here, ɀowoti, tipe hondo yako ciŋgwa? 7Gideoni akati: Saka, kana Jehova akaisa Zeba naZarmuna muruʋoko rwaŋgu, ndicapura nyama yenyu neminzwa yomurenje norukato. 8Akabva’po, akakwira Penueri, akandotaura naʋo saiɀoɀo. Ʋarume ʋePenueri ʋakamupindura seɀakapindura ʋarume ʋeSukoti. 9Akataura ʋo naʋarume ʋePenueri, akati: Kana ndikadzoka norugare, ndicaputsa ruȿiŋgo urwu.
10Ɀino Zeba naZarmuna ʋakaŋga ʋari Karkori, ʋanehondo dzaʋo ʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi neɀishanu; ndiʋo ʋose ʋakaŋga ʋakasara pahondo yose yaʋana ʋamabvazuʋa; nokuti ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi matatu, ʋaigona kurwa nomunondo, ʋakaŋga ʋaʋurawa. 11Gideoni akakwira nenzira yaʋaigara pamatente, nokumabvazuʋa kweNoba neJogobeha, akakunda hondo; nokuti hondo yakaŋga yakafara. 12Ipapo Zeba naZarmuna ʋakatiza, iye akaʋateʋerera; akaɓata madzimambo maʋiri aMidiani, Zeba naZarmuna, akavundusa hondo yose. 13Gideoni, mŋanakomana waJoashi, akadzoka pakurwa pamukwidzwa weHeresi. 14Akaɓata jaya raʋarume ʋeSukoti, akamubvunzisisa; iye akamunyorera mazita amacinda eSukoti, naʋakuru ʋaro, ʋarume ʋanamakumi manomŋe naʋanomŋe. 15Akaȿika kuʋarume ʋeSukoti, akati: Tarirai, Zeba naZarmuna, ʋamakandiseka pamsoro paʋo, muciti: Ko Zeba naZarmuna ʋatokundwa newe here, ɀowoti, tipe ʋarume ʋako ʋaneta ciŋgwa? 16Ipapo akatora ʋakuru ʋeguta, neminzwa yomurenje norukato, akapura ʋarume ʋeSukoti naɀo. 17Akaputsa ruȿiŋgo rwePenueri, akaʋuraya ʋarume ʋeguta. 18Ipapo akati kunaZeba naZarmuna: Ʋarume ʋamakaʋuraya paTabori ʋakaŋga ʋakaɗiniko? Ʋakapindura, ʋakati: Seɀamakaita imi, ndiɀo ɀaʋakaŋga ʋakaita iʋo; mumŋe nomumŋe wakaŋga akafanana nomŋana wamambo. 19Akati: Ʋakaŋga ʋari ʋanuŋuna ʋaŋgu, ʋanakomana ʋamai ʋaŋgu; naJehova mupenyu, ɗai makaʋarega ʋari ʋapenyu, ndiŋgaɗai ndisinakukuʋurayai imi. 20Ɀino akati kunaJeteri, ɗaŋgwe rake: Simuka, uʋaʋuraye. Asi jaya harina‐kuvomora munondo waro, nokuti rakatya, ɀarakaŋga riciri mukomana. 21Ipapo Zeba naZarmuna ʋakati: Simukai imi, mutiʋuraye, nokuti seɀakaita murume, ndiɀo ɀakaita simba rake. Ipapo Gideoni akasimuka, akaʋuraya Zeba naZarmuna, akatora ɀishoŋgo ɀakaŋga ɀakafanana nomŋedzi, ɀakaŋga ɀiri pamitsipa yamakamera aʋo.
22Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakati kunaGideoni: Mutiɓate ʋushe imi nomŋanakomana wenyu, nomŋanakomana womŋanakomana wenyu ʋo, nokuti makatiponesa pamaʋoko aʋaMidiani. 23Gideoni akati kwaʋari: Ini handiŋgakuɓatiyi ʋushe, kunyaŋge mŋanakomana waŋgu haaŋgakuɓatiyi ʋushe; Jehova ndiye ucakuɓatai. 24Gideoni akati kwaʋari: Ndinoɗa kukumbira cinhu cimŋe kwamuri: Mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaandipe ɀindori ɀemhino ɀiri pakati peɀakapambga ɀake. (Nokuti ʋakaŋga ʋaneɀindori ɀemhino ɀendarama, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋaIshmaeri.) 25Ʋakapindura, ʋakati: Ticakupai iɀo nomŋoyo wose! Ipapo ʋakawarira ŋguʋo, mumŋe nomumŋe akakandira’po ɀindori ɀemhino, ɀakaŋga ɀiri pakati peɀakapambga ɀaʋo. 26Ɀindori iɀo ɀemhino ɀendarama, ɀaakakumbira kwaʋari, pakurema kwaɀo ɀikaȿika mashekeri#8:26 Kurema kwaɀo mapaundi aneŋge makumi manomŋe. anecuru cimŋe namazana manomŋe endarama; asi haʋana‐kuʋereŋga ɀishoŋgo ɀakaŋga ɀakafanana nomŋedzi, neɀindori ɀaishoŋgwa, neŋguʋo shaʋa dzaifukwa namadzimambo aMidiani; haʋana‐kuʋereŋga ʋo ʋuketani bgakaŋga bguri pamitsipa yamakamera aʋo. 27Gideoni akaita efodi naɀo, akaiisa muguta rake, ipo paOfra; ʋaIsraeri ʋose ʋakapata ʋaciiteʋera ipapo; ukaʋa musuŋgo kunaGideoni nokunaʋeimba yake. 28Saiɀoɀo ʋaMidiani ʋakakundwa pamberi paʋana ʋaIsraeri, haʋana‐kuzosimudza ɀe misoro yaʋo. Nyika ikazorora makore anamakumi manna pamazuʋa aGideoni.
29Ɀino Jerubaari, mŋanakomana waJoashi, akandogara mumba make. 30Gideoni wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi manomŋe ʋakaŋga ʋaɓerekwa naye, nokuti wakaŋga anaʋakadzi ʋazhinji; 31ʋuye nomuroŋgo wake, wakaŋga ari paShekemi, wakamuɓerekera mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Abimereki. 32Gideoni, mŋanakomana waJoashi, akafa akwegura, akaʋigwa mubgiro bgaJoashi ɓaɓa ʋake paOfra raʋaAbiezeri.
33Ɀino Gideoni wakati acaŋgofa, ʋana ʋaIsraeri ʋakadzokera shure, ʋakapata ʋaciteʋera ʋaBaari, ʋakaita Baari‐beriti mŋari waʋo. 34Ʋana ʋaIsraeri ʋakasaraŋgarira Jehova Mŋari waʋo, iye wakaŋga aʋarwira mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋose kunhiʋi dzose; 35ʋuye haʋana‐kuitira ʋeimba yaJerubaari, iye Gideoni, ɀakanaka pamsoro peɀose ɀakanaka ɀaakaŋga aitira ʋaIsraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

Ʋatoŋgi 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda