Jeremia 33
33
Jehova unopamhidza ɀe kuti ucaropafadza ʋanhu ʋake.
1Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe rwecipiri kunaJeremia, acakapfigirwa muruʋazhe rwaʋarindi, riciti: 2Ɀanzi naJehova, iye unoɀiita, iye Jehova unoɀiʋumba nokuɀisimbisa, Jehova ndiro zita rake: 3Ƌanai kwandiri, ndicakupindurai, ndicakuratidzai ɀinhu ɀikuru ɀakaʋanzika, ɀamusiŋgaziʋi. 4Nokuti ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri pamsoro pedzimba dzeguta rino, napamsoro pedzimba dzamadzimambo aJuda, dzakakoromorwa kuzorwa nemirwi yokurwa neminondo: 5Ʋanoʋuya haʋo kurwa naʋaKardea, asi ʋanodzizadza neɀitunha ɀaʋanhu ʋandakaʋuraya nokutsamŋa kwaŋgu nehasha dzaŋgu, ndikaʋanzira guta rino ciso caŋgu nokuɗa kwokuipa kwaʋo kwose. 6Tarirai, ndicaʋaʋigira mufaro pamuʋiri nokupora, ini ndicaʋaporesa; ndicaʋaratidza rugare rwakawanda neɀokwaɗi yakawanda. 7Ndicadzosa kutapxa kwaJuda nokutapxa kwaIsraeri, ndicaʋaʋaka sapakutaŋga. 8Ndicaʋanatsa paɀakaipa ɀaʋo ɀose ɀaʋakanditadzira naɀo, ndicakaŋganwira ɀakaipa ɀaʋo ɀose ɀaʋakanditadzira naɀo, neɀaʋakandiɗarikira naɀo. 9Guta rino ricaʋa kwandiri mbiri yomufaro, nokurumbidzwa nokukudzwa, pamberi pamarudzi ose enyika, acanzwa ɀakanaka ɀose ɀandicaʋaitira; ʋacatya nokuɗeɗera pamsoro peɀakanaka ɀose norugare rwose ɀandicariʋigira. 10Ɀanzi naJehova: Panɀimbo ino yamunoti yakaparadzwa, hainaʋanhu kana ɀipfuwo, imo mumaguta aJuda, nomunzira dzomuJerusarema, maŋgoʋa neɗoŋgo, musinaʋanhu ʋagere’mo, kana ɀipfuwo, pacanzwika ɀe 11inzwi romufaro nokufarisisa, inzwi recikomba nenzwi romŋeŋga, nenzwi raʋanoti: Ʋoŋgai Jehova wehondo, nokuti Jehova wakanaka, nokuti ŋgoni dzake dziri’po nokusiŋgaperi; ʋuye neraʋanoʋuya neɀipiriso ɀokuʋoŋga mumba maJehova. Nokuti ndicadzosa kutapxa kwenyika ɀiʋe sapakutaŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 12Ɀanzi naJehova wehondo: Panɀimbo ino yakaparadzwa, isinaʋanhu kana ɀipfuwo, napamaguta ari’po, pacaʋa ɀe namafuro aʋafudzi, ʋanoʋatisa makwai aʋo pasi. 13Mumaguta enyika yamakomo, mumaguta amapani, mumaguta orutiʋi rwezasi, napanyika yaBenjamini, napanɀimbo dzakapoteredza Jerusarema, nomumaguta aJuda, makwai acapfuʋura ɀe pasi poruʋoko rwounoaʋereŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
14Tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — andicaita shoko iro rakanaka randakataura pamsoro peimba yaIsraeri napamsoro peimba yaJuda. 15Namazuʋa iwayo, neŋguʋa iyo, ndicamedzera Davidi ɗaʋi rokururama; iye ucaruramisira ʋanhu nokuita ɀakarurama panyika. 16Namazuʋa iwayo Juda ʋacaponeswa, Jerusarema ricagara rakaceŋgetwa; zita raricatumidzwa ndireri: Jehova ndiye kururama kweɗu. 17Nokuti ɀanzi naJehova: Davidi haaŋgatoŋgoshaiwi munhu unogara pacigaro coʋushe ceimba yaIsraeri; 18naʋaprista ʋaRevi haʋaŋgashaiwi munhu pamberi paŋgu uŋgapisa ɀipiriso ɀinopiswa nokupisa ɀipiriso ɀoʋupfu, nokugara aciɓayira. 19Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaJeremia, riciti: 20Ɀanzi naJehova: Kana muŋgagona kuputsa suŋgano yaŋgu yamasikati nesuŋgano yaŋgu yoʋusiku, kukarega kuʋa namasikati noʋusiku neŋguʋa yaɀo; 21ipapo suŋgano yaŋgu naDavidi muranda waŋgu iŋgaputswa ʋo, akasaʋa nomŋanakomana uŋgaɓata ʋushe pacigaro cake coʋushe; saiɀoɀo ʋo naʋaRevi, ʋaprista, ʋashumiri ʋaŋgu. 22Hondo yokuɗeŋga seɀaisiŋgabviri kuʋereŋgwa, kana jeca reguŋgwa kuyerwa, saiɀoɀo ndicawanza ʋana ʋaDavidi muranda waŋgu, naʋaRevi ʋanondishumira. 23Ipapo shoko raJehova rakaȿika kunaJeremia, riciti: 24Hauraŋgariri ɀakataurwa naʋanhu aʋa, ɀaʋakati: Marudzi maʋiri akatsaurwa naJehova, akarashwa naye? Saiɀoɀo ʋanoɀidza ʋanhu ʋaŋgu, ʋaciti haʋaci rudzi pamberi paʋo. 25Ɀanzi naJehova: Kana suŋgano yaŋgu yamasikati noʋusiku isi’po, kana ndisinakutemera ɗeŋga napasi mirairo; 26ipapo ndicarasha ʋo ʋana ʋaJakobo, naʋaDavidi muranda waŋgu, kuti ndirege kutora ʋamŋe ʋaʋana ʋake ʋaʋe ʋaɓati ʋaʋana ʋaAbrahama naIsaka naJakobo; nokuti ndicadzosa kutapxa kwaʋo nokuʋanzwira nyasha.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 33: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018