Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 18:1-18

Johane 18:1-18 SUB1949

Jesu wakati areʋa iɀoɀo, akaɓuɗa naʋadzidzi ʋake, akaenda mhiri kworukoʋa runonzi Kedroni, paiʋa nomunda, akapinda mauri, iye naʋadzidzi ʋake. Ɀino Judasi, wakamupandukira, wakaŋga aciziʋa ʋo nɀimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waiʋuŋgana’po naʋadzidzi ʋake. Naiɀoɀo Judasi akatora ɓoka raʋarwi, naʋatariri, ʋaibva kuʋaprista ʋakuru naʋaFarise, akaenda’po nemŋenje namazhenje, neɀokurwa naɀo. Ɀino Jesu, ɀaakaŋga aciziʋa ɀose ɀaifanira kumuwira, akaɓuɗa, akati kwaʋari: Munotȿaka aniko? Ʋakamupindura, ʋakati: Jesu weNazareta. Jesu akati kwaʋari: Ndini. NaJudasi, wakamupandukira, wakaŋga amire ʋo naʋo. Ɀino wakati areʋa kwaʋari, aciti: Ndini, ʋakasuɗurukira shure, ʋakawira pasi. Ɀino akaʋabvunza ɀe, aciti: Munotȿaka aniko? Ʋakati: Jesu weNazareta. Jesu akapindura, akati: Ndakuʋudzai, kuti ndini. Kana mucinditȿaka ini, regai aʋa ʋaende; kuti shoko, raakareʋa, riitike, rokuti: Handina‐kurashikirwa nomumŋe kunaiʋaʋo ʋamakandipa. Ɀino Simoni Petro, wakaŋga anomunondo, akauvomora, akatema muranda womuprista mukuru, akamugura nzeʋe yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Markosi. Ɀino Jesu akati kunaPetro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa naƂaɓa, handiŋgaunwi here? Ɀino ɓoka raʋarwi, nomukuru wecuru cezana, naʋatariri ʋaʋaJuda ʋakaɓata Jesu, ʋakamusuŋga, ʋakataŋga kumuisa kunaAnasi; nokuti wakaŋga ari mukarabga waKayafasi, waiʋa muprista mukuru gore iro. Ɀino Kayafasi ndiye wakaŋga apa ʋaJuda zano, kuti ɀirinani kuti munhu mumŋe afire ʋanhu. Ɀino Simoni Petro wakaŋga aciteʋera Jesu, nomumŋe mudzidzi ʋo. Mudzidzi uyu waizikanwa nomuprista mukuru, akapinda naJesu muruʋazhe rwomuprista mukuru. Asi Petro wakaŋga amire panze pamukoʋa. Ɀino uya mumŋe mudzidzi, waizikanwa nomuprista mukuru, akaɓuɗa, akataura nomurindi womukoʋa, akapinza Petro. Ɀino musikana, wairinda mukoʋa, akati kunaPetro: Newe ʋo uri mumŋe waʋadzidzi ʋomunhu uyu here? Akati: Handizati. Ɀino ʋaranda naʋatariri ʋakaŋga ʋamire’po, ʋamboʋesa mŋoto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; ʋakadziya mŋoto. NaPetro akamira ʋo naʋo acidziya mŋoto.

Verenga chikamu Johane 18