Johani 18:1-18
Johani 18:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati apedza kunyengetera, Jesu akabva navadzidzi vake akayambuka Mupata weKidhironi. Parutivi penzvimbo iyi paiva nebindu remiorivhi, uye iye navadzidzi vake vakapindamo. Zvino Judhasi uyo akamupandukira, aiziva nzvimbo yacho, nokuti Jesu aichimbosanganamo navadzidzi vake. Saka Judhasi akasvika kubindu, achitungamirira boka ravarwi navamwe vatariri vaibva kuvaprista vakuru nokuvaFarisi. Vakanga vane mwenje namarambi uye nezvombo. Jesu, achiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari, akabuda akaenda kwavari akati, “Munotsvaka ani?” Vakapindura vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akati, “Ndini iye.” (Uye Judhasi mupanduki uya akanga amire navo ipapo.) Jesu paakati, “Ndini iye,” vakasudurukira shure vakawira pasi. Akapamhazve kuvabvunza achiti, “Ndianiko wamunoda?” Uye ivo vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akapindura akati, “Ndakuudzai kuti ndini iye. Kana muchitsvaka ini, zvino chiregai varume ava vaende.” Izvi zvakaitika kuti mashoko aakanga ataura azadziswe, okuti: “Handina kurasikirwa nomumwe weava vamakandipa.” Ipapo Simoni, uyo akanga ano munondo, akauvhomora akacheka muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi. (Zita romuranda uyo rainzi Marikusi.) Jesu akarayira Petro achiti, “Isa munondo wako mumuhara! Ko, ndicharega kunwa mukombe wandapiwa naBaba here?” Ipapo boka ravarwi navatariri vavaJudha vakabata Jesu vakamusunga. Uye vakatanga kuenda naye kuna Anasi, uyo akanga ari tezvara waKayafasi, iye aiva muprista mukuru gore iroro. Kayafasi uyu ndiye uya akapa vaJudha zano rokuti zvainge zvakanaka kuti munhu mumwe chete afire vanhu. Simoni Petro nomumwe mudzidzi vainge vachitevera Jesu. Nemhaka yokuti mudzidzi uyu aizivikanwa nomuprista mukuru uyu, akapinda naJesu mudare redzimhosva romuprista mukuru, asi Petro akasara kunze ari pamukova. Mumwe mudzidzi, aizivikanwa nomuprista mukuru, akadzoka akandotaura nomusikana aichengeta pamusuo ndokupinza Petro mukati. Musikana akanga ari pamukova akabvunza Petro akati, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?” Iye akapindura akati, “Handisi.” Kwaitonhora, saka varanda nevatariri vakamira vakadziya moto wavakanga vavesa kuti vadziyirwe. Petro akanga amirewo navo, achidziyawo moto.
Johani 18:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati areva izvozvi, akabuda navadzidzi vake, akaenda mhiri kworukova runonzi Kedhironi, paiva nomunda, akapinda mauri, iye navadzidzi vake. Zvino Judhasi, akamupandukira, akanga achizivawo nzvimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waiunganapo navadzidzi vake. Naizvozvo Judhasi akatora boka ravarwi, navatariri, vaibva kuvapristi vakuru navaFarisi, akaendapo nemwenje namazhenje, nezvokurwa nazvo. Zvino Jesu, zvaakanga achiziva zvose zvaifanira kumuwira, akabuda, akati kwavari, “Munotsvaka aniko?” Vakamupindura, vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akati kwavari, “Ndini.” NaJudhasi, akamupandukira, akanga amirewo navo. Zvino akati areva kwavari, achiti, “Ndini,” vakasudurukira shure vakawira pasi. Zvino akavabvunzazve, achiti, “Munotsvaka aniko?” Vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akapindura, akati, “Ndakuudzai, kuti ndini. Kana muchinditsvaka ini, regai ava vaende;” kuti shoko, raakareva, riitike, rokuti, “Handina kurasikirwa nomumwe kuna ivavo vamakandipa.” Zvino Simoni Petirosi, akanga ano munondo, akauvhomora, akatema muranda womupristi mukuru, akamugura nzeve yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Marikosi. Zvino Jesu akati kuna Petirosi, “Dzorera munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa nababa, handingaunwi here?” Zvino boka ravarwi, nomukuru wechiuru chezana, navatariri vavaJudha vakabata Jesu, vakamusunga vakatanga kumuisa kuna Anasi; nokuti akanga ari tezvara waKaifasi, aiva mupristi mukuru gore iro. Zvino Kaifasi ndiye akanga apa vaJudha zano, kuti zviri nani kuti munhu mumwe afire vanhu vose. Zvino Simoni Petirosi akanga achitevera Jesu, nomumwe mudzidziwo. Mudzidzi uyu aizikanwa nomupristi mukuru, akapinda naJesu muruvazhe rwomupristi mukuru. Asi Petirosi akanga amire panze pamusuo. Zvino uya mumwe mudzidzi, aizikanwa nomupristi mukuru, akabuda, akataura nomurindi womusuo, akapinza Petirosi. Zvino musikana, wairinda musuo, akati kuna Petirosi, “Newewo uri mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here?” Akati, “Handisati.” Zvino varanda navatariri vakanga vamirepo, vambovesa moto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; vakadziya moto. NaPetirosi akamirawo navo achidziya moto.
Johani 18:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakapedza kutaura izvi akabuda navadzidzi vake akayambukira kumhiri kwekakova Kedhironi kwaiva nebindu raakapinda navadzidzi vake. NaJudhasi, uya akazomumupandukira aizivawo nzvimbo iyoyo, nokuti Jesu aipota achiungana navadzidzi vake ikoko. Ipapo Judhasi akapiwa boka ramasoja namapurisa avaPristi vakuru navaFarisei. Akaenda nemwenje namazhenje nezvombo zvokurwa. Sezvo Jesu aiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari akauya kwavari akavati, “Ndiani wamuri kutsvaka?” Vakamupindura vachiti, “Jesu weNazareti.” Jesu ndokuti kwavari, “Ndini, Judhasi, uya akamupandukira akanga amire pamwechete navo.” Paakati kwavari, “Ndini” vakabva vadzokera neshure vakawira pasi. Jesu akavabvunzazve akati, “Ndiani wamuri kutsvaka?” Ivo vakati, “Jesu weNazareti.” Jesu akavapindura achiti, “Inga wani ndakutaurirai kuti Ndini. Kana muri kutsvaka ini chiregai ava vaende zvavo.” Izvi zvaizadzisa zvaakanga ataura achiti, “Pane vamakandipa hapana wandakarasikirwa naye.” Zvino Simoni Pita akanga aine bakatwa akabva ariti wee muhara maraiva ndokutema nzeve yorudyi yomuranda womupristi mukuru akaidimura. Zita romuranda wacho rainzi Marikosi. Jesu akati kuna Pita, “Dzorera bakatwa rako muhara maro. Handifaniri here ini kunwa mukombe wenhamo wandakapiwa naBaba vangu?” Chikwata chamasoja chiya nomutungamiri wacho namapurisa avaJudha chakabata Jesu chikamusunga. Vakatanga vaenda naye kuna Anasi nokuti aiva tezvara waKaifasi akanga ari Mupristi mukuru gore iroro. Kaifasi ndiye uya akanga ambopa zano kuvaJudha rokuti zviri nani kuti munhu mumwechete afire vanhu. Simoni Pita akatevera Jesu nomumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu zvaaizivikanwa nomupristi mukuru akapinda muruvanze rwomupristi mukuru pamwechete naJesu. Izvozvo Pita akamira kunze pasuo guru. Naizvozvo mumwe mudzidzi uya aizivikanwa nomuPristi mukuru akabuda akandotaura nomusikana webasa aichengeta pasuo guru akapinza Pita mukati. Musikana uya webasa aichengetedza pasuo guru akati kuna Pita, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here?” Pita akati, “Handisiri.” Ipapo varanda namapurisa vakanga vabatidza moto wamazimbe nokuti kwaitonhora. Ivo vakanga vamire vachidziya moto. Pitawo akanga anavo vakamira achidziya moto.
Johani 18:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu wakati areʋa iɀoɀo, akaɓuɗa naʋadzidzi ʋake, akaenda mhiri kworukoʋa runonzi Kedroni, paiʋa nomunda, akapinda mauri, iye naʋadzidzi ʋake. Ɀino Judasi, wakamupandukira, wakaŋga aciziʋa ʋo nɀimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waiʋuŋgana’po naʋadzidzi ʋake. Naiɀoɀo Judasi akatora ɓoka raʋarwi, naʋatariri, ʋaibva kuʋaprista ʋakuru naʋaFarise, akaenda’po nemŋenje namazhenje, neɀokurwa naɀo. Ɀino Jesu, ɀaakaŋga aciziʋa ɀose ɀaifanira kumuwira, akaɓuɗa, akati kwaʋari: Munotȿaka aniko? Ʋakamupindura, ʋakati: Jesu weNazareta. Jesu akati kwaʋari: Ndini. NaJudasi, wakamupandukira, wakaŋga amire ʋo naʋo. Ɀino wakati areʋa kwaʋari, aciti: Ndini, ʋakasuɗurukira shure, ʋakawira pasi. Ɀino akaʋabvunza ɀe, aciti: Munotȿaka aniko? Ʋakati: Jesu weNazareta. Jesu akapindura, akati: Ndakuʋudzai, kuti ndini. Kana mucinditȿaka ini, regai aʋa ʋaende; kuti shoko, raakareʋa, riitike, rokuti: Handina‐kurashikirwa nomumŋe kunaiʋaʋo ʋamakandipa. Ɀino Simoni Petro, wakaŋga anomunondo, akauvomora, akatema muranda womuprista mukuru, akamugura nzeʋe yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Markosi. Ɀino Jesu akati kunaPetro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa naƂaɓa, handiŋgaunwi here? Ɀino ɓoka raʋarwi, nomukuru wecuru cezana, naʋatariri ʋaʋaJuda ʋakaɓata Jesu, ʋakamusuŋga, ʋakataŋga kumuisa kunaAnasi; nokuti wakaŋga ari mukarabga waKayafasi, waiʋa muprista mukuru gore iro. Ɀino Kayafasi ndiye wakaŋga apa ʋaJuda zano, kuti ɀirinani kuti munhu mumŋe afire ʋanhu. Ɀino Simoni Petro wakaŋga aciteʋera Jesu, nomumŋe mudzidzi ʋo. Mudzidzi uyu waizikanwa nomuprista mukuru, akapinda naJesu muruʋazhe rwomuprista mukuru. Asi Petro wakaŋga amire panze pamukoʋa. Ɀino uya mumŋe mudzidzi, waizikanwa nomuprista mukuru, akaɓuɗa, akataura nomurindi womukoʋa, akapinza Petro. Ɀino musikana, wairinda mukoʋa, akati kunaPetro: Newe ʋo uri mumŋe waʋadzidzi ʋomunhu uyu here? Akati: Handizati. Ɀino ʋaranda naʋatariri ʋakaŋga ʋamire’po, ʋamboʋesa mŋoto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; ʋakadziya mŋoto. NaPetro akamira ʋo naʋo acidziya mŋoto.
Johani 18:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)