Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 18:1-18

Johani 18:1-18 SCLBD

Jesu paakapedza kutaura izvi akabuda navadzidzi vake akayambukira kumhiri kwekakova Kedhironi kwaiva nebindu raakapinda navadzidzi vake. NaJudhasi, uya akazomumupandukira aizivawo nzvimbo iyoyo, nokuti Jesu aipota achiungana navadzidzi vake ikoko. Ipapo Judhasi akapiwa boka ramasoja namapurisa avaPristi vakuru navaFarisei. Akaenda nemwenje namazhenje nezvombo zvokurwa. Sezvo Jesu aiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari akauya kwavari akavati, “Ndiani wamuri kutsvaka?” Vakamupindura vachiti, “Jesu weNazareti.” Jesu ndokuti kwavari, “Ndini, Judhasi, uya akamupandukira akanga amire pamwechete navo.” Paakati kwavari, “Ndini” vakabva vadzokera neshure vakawira pasi. Jesu akavabvunzazve akati, “Ndiani wamuri kutsvaka?” Ivo vakati, “Jesu weNazareti.” Jesu akavapindura achiti, “Inga wani ndakutaurirai kuti Ndini. Kana muri kutsvaka ini chiregai ava vaende zvavo.” Izvi zvaizadzisa zvaakanga ataura achiti, “Pane vamakandipa hapana wandakarasikirwa naye.” Zvino Simoni Pita akanga aine bakatwa akabva ariti wee muhara maraiva ndokutema nzeve yorudyi yomuranda womupristi mukuru akaidimura. Zita romuranda wacho rainzi Marikosi. Jesu akati kuna Pita, “Dzorera bakatwa rako muhara maro. Handifaniri here ini kunwa mukombe wenhamo wandakapiwa naBaba vangu?” Chikwata chamasoja chiya nomutungamiri wacho namapurisa avaJudha chakabata Jesu chikamusunga. Vakatanga vaenda naye kuna Anasi nokuti aiva tezvara waKaifasi akanga ari Mupristi mukuru gore iroro. Kaifasi ndiye uya akanga ambopa zano kuvaJudha rokuti zviri nani kuti munhu mumwechete afire vanhu. Simoni Pita akatevera Jesu nomumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu zvaaizivikanwa nomupristi mukuru akapinda muruvanze rwomupristi mukuru pamwechete naJesu. Izvozvo Pita akamira kunze pasuo guru. Naizvozvo mumwe mudzidzi uya aizivikanwa nomuPristi mukuru akabuda akandotaura nomusikana webasa aichengeta pasuo guru akapinza Pita mukati. Musikana uya webasa aichengetedza pasuo guru akati kuna Pita, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here?” Pita akati, “Handisiri.” Ipapo varanda namapurisa vakanga vabatidza moto wamazimbe nokuti kwaitonhora. Ivo vakanga vamire vachidziya moto. Pitawo akanga anavo vakamira achidziya moto.

Verenga chikamu Johani 18