Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 18:19-40

Johane 18:19-40 SUB1949

Ɀino muprista mukuru akabvunza Jesu ɀaʋadzidzi ʋake, neɀokudzidzisa kwake. Jesu akamupindura, akati: Ndaitaura pacena kunyika; ndaidzidzisa ŋguʋa dzose mumasinagoge nomutembere, panoʋuŋgana ʋaJuda ʋose; handina‐kureʋa cinhu pakaʋanda. Munondibvunzireiko ini? bvunzai aʋa ʋainzwa ɀandaitaura kwaʋari; tarirai, aʋa ʋanoziʋa ɀandaireʋa. Wakati areʋa iɀoɀo, mumŋe waʋatariri, wakaŋga amire’po, akaroʋa Jesu noruʋoko, aciti: Unopindura muprista mukuru uciɗaro nhai? Jesu akamupindura, akati: Kana ndareʋa ɀakaipa, pupura kuti ɀakaipa ndeɀipi; kana ndareʋa ɀakanaka, wagondiroʋereiko? Ɀino Anasi akamutumira akasuŋgwa kunaKayafasi, muprista mukuru. Ɀino Simoni Petro wakaŋga amire’po, acidziya mŋoto. Ʋakati kwaari: Newe ʋo uri mumŋe waʋadzidzi ʋake here? Akaramba, akati: Handizati. Mumŋe muranda womuprista mukuru, hama yowakaŋga agurwa nzeʋe naPetro, akati: Ini handina‐kukuʋona unaye mumunda here? Petro akaramba ɀe. Pakarepo joŋgwe rikarira. Ɀino ʋakabva kunaKayafasi, ʋakaenda naJesu kuimba yomuɓati; aiʋa maŋgwanani. Asi iʋo haʋana‐kupinda mumba momuɓati, kuti ʋarege kuȿiɓiswa, kuti ʋagodya paseka. Ipapo Pirato akaɓuɗira kwaʋari, akati: Munoti, munhu uyu unemhoȿa yeiko? Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ƌai munhu uyu asaiʋa mutadzi, tiŋgaɗai tisina‐kumuisa kwamuri. Ɀino Pirato akati kwaʋari: Cimutorai imi, mumutoŋge nomurairo wenyu. ƲaJuda ʋakati kwaari: Hatina‐kutenderwa isu kuti tiʋuraye munhu; kuti shoko raJesu raakareʋa riitike, aciɗudzira kufa kwaaifanira kufa nako. Ɀino Pirato akapinda ɀe mumba momuɓati, akaɗana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo waʋaJuda here? Jesu akapindura, akati: Unoɀireʋa iɀi pacako here, kana waɀiʋudzwa naʋamŋe pamsoro paŋgu? Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJuda su? Rudzi rwako naʋaprista ʋakuru ʋakakuisa kwandiri; waiteiko? Jesu akapindura, akati: Ʋushe bgaŋgu habguzi bgenyika ino; ɗai ʋushe bgaŋgu bgaiʋa bgenyika ino, ʋaranda ʋaŋgu ʋaŋgaɗai ʋairwa, kuti ndirege kuiswa kuʋaJuda; asi ɀino ʋushe bgaŋgu habguzi bgapano. Ipapo Pirato akati kwaari: Iwe uri mambo su? Jesu akapindura, akati: Unoreʋa iwe kuti ndiri mambo. Ndakaɓerekerwa iɀo, ndakaʋuyira iɀoɀo panyika, kuti ndipupure ɀokwaɗi. Mumŋe nomumŋe weɀokwaɗi unonzwa inzwi raŋgu. Pirato akati kwaari: Ɀokwaɗi cinyiko? Akati areʋa iɀoɀo, akaɓuɗira ɀe kuʋaJuda, akati kwaʋari: Ini handiwani mhoȿa kwaari. Asi imi munetsika kuti ndikusunuŋgurirei mumŋe nepaseka; ɀino munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei mambo waʋaJuda here? Ipapo ʋakaɗanidzira ʋose, ʋaciti: Munhu uyu kwete, asi Barabasi! Ɀino Barabasi wakaŋga ari gororo.

Verenga chikamu Johane 18