Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 18:19-40

Johani 18:19-40 SCLB

Mupristi mukuru akabvunza Jesu nezvavadzidzi vake uye nezvedzidziso cyake. Jesu akamupindura achiti, “Inga ndaitaura pachena kupasi pose, ndaidzidzisa mumasinagogu nomuTemberi munounganwa navaJudha vose. Hapana chandakataura pachivande. Ko munobvunzirei ini. Dai matobvunza zvenyu vakandinzwa ndichitaura kwavari. Ivo vanoziva zvandaireva kwavari.” Paakataura izvi mumwe mupurisa akanga amire padyo, akarova Jesu nembama achiti, “Ndiko kupindura kwaungaite mupristi mukuru ikoko?” Jesu akamupindura achiti, “Kana pane chandatadza mukutaura kwandaita tiudze chandakanganisa. Ko kana ndataura zvakanaka wagondirovereiko?” Anasi akamuendesa akasungwa kuna Kaifasi mupristi mukuru. Zvino Simoni Pita akanga akamira achidziya moto. Vakamuti, “Hausi mumwe wavadzidzi vake here iwe?” Akaramba achiti, “Handisiri.” Mumwe wavaranda vomupristi mukuru, hama yomurume uya akachekwa nzeve naPita akamubvunzawo achiti, “Handina kukuona here iwe uinaye kubindu kuya?” Pita akarambazve; ipapo jongwe ndokubva rakukuridza. Vakazobvisa Jesu kumba kwaKaifasi vachienda naye kumuzinda womutongi wenyika. Aya aiva mangwananingwanani ivo pachavo havana kupinda mumuzinda imomo kuti varege kun'oreswa vachiitira kuti vawane madyiro ePasika. Naizvozvo Pirato akaenda kwavari akati, “Imhosvaiko yamunoti yakaparwa nomunhu uyu?” Vakamupindura vachiti, “Dai munhu uyu anga asina mhosva, tingadai tisina kumuturira kwamuri.” Pirato akavati, “Chimutoraika iyemi mundomutonga maererano nomutemo wenyu.” VaJudha vakati kwaari, “Isu hatibvumirwi kuuraya munhu.” Izvi zvaiva zvokuzadzisa zvakanga zvambotaurwa naJesu zvokuti aizofa norufu rwakaita sei? Pirato akapindazve mumuzinda akadaidza Jesu akati kwaari, “Iwe uri mambo wavaJudha here iwe?” Jesu akapindura achiti, “Izvi zviri kubva mupfungwa dzenyu here kana kuti matotaurirwa navamwe nezvangu?” Pirato akapindura achiti, “Ko ini ndiri muJudha here'ni? Rudzi rwako navaPristi vakuru ndivo vakuturira kwandiri. Chii chawakaita iwe?” Jesu akapindura achiti, “Umambo hwangu hausiri hwapasi pano. Dai umambo hwangu huri hwapasi pano, varanda vangu vangadai varwisa kuti ndirege kuiswa mumaoko avaJudha. Zvino umambo hwangu hausi hwapasi pano.” Pirato akati kwaari, “Heya uri mambo nhai?” Jesu akapindura achiti, “Inga matozvidudza wani kuti ndiri mambo ndizvo zvandakazvarirwa uye ndizvo zvandakavinga pasi pano kuti ndizopupurira chokwadi. Munhu wose ari pachokwadi anonzwa izwi rangu.” Pirato akabva amuti, “Chokwadi chii?” Paakapedza kutaura izvi akaendazve kuvaJudha akavataurira kuti, “Ini handioni mhosva yaanayo asi imi munetsika yokuti ndinofanira kukusunungurirai munhu mumwechete paPasika. Munoda here kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha?” Vakadaidzirazve vachiti, “Kwete munhu uyu asi Bharabhasi,” zvino Bharabhasi akanga ari gororo.

Verenga chikamu Johani 18