Jobo 19
19
Jobo unoramba kutenda kuti unorobga pamsoro pokusarurama kwake. Mŋari unomuraŋga hake asinemhaka, asi ucazomurwira.
1Ipapo Jobo wakapindura, akati:
2Mucatambudza mŋeya waŋgu kuȿikira riniko,
Nokundipxanya namashoko enyu here?
3Makandituka ɀino kagumi;
Hamunyari ɀamakanditsuŋgirira.
4Kana ndiciŋge ndatadza haŋgu,
Kutadza kwaŋgu kucagara neni.
5Kana imi muciɗa kwaɀo kuɀikudza pamsoro paŋgu,
Nokundipe‐mhoȿa muciti ndakatukwa;
6Ziʋai ɀino kuti ndiye Mŋari usinakundiruramisira,
Akandikomberedza nomumbure wake;
7Tarirai ndinocema ndiciti: Ndakaitirwa ɀakaipa! Asi handinzwiki;
Ndinocema kuti ndiɓatsirwe, asi handiruramisirwi.
8Wakadziʋira nzira yaŋgu, kuti ndirege kupfuʋura;
Akaisa rima panzira dzaŋgu.
9Wakandibvisira kurumbidzwa kwaŋgu,
Nokunditorera korona yaŋgu pamusoro waŋgu.
10Wakandiputsa kumatiʋi ose, ndakaparadzwa;
Wakadzura tariro yaŋgu somuti.
11Wakandimutsira ʋo kutsamŋa kwake,
Akati ndiri mumŋe waʋadziʋisi ʋake.
12Hondo dzake dzinondiʋuŋganira, dzinoɀigadzirira nzira kurwa neni.
Dzinokomberedza tente raŋgu nemisasa yadzo.
13Wakaisa hama dzaŋgu kure neni,
Ʋazikani ʋaŋgu ʋaʋa saʋatorwa cose kwandiri.
14Hama dzaŋgu dzandinyeŋgera,
Shamŋari dzaŋgu, dzaindiziʋa, dzakandikaŋganwa.
15Ʋanogara mumba maŋgu naʋarandakadzi ʋaŋgu ʋanoti ndiri mubvakure;
Ʋanondiʋona ʋaciti ndiri mŋeni.
16Ndinoɗana muranda waŋgu, asi haandipinduri,
Kunyaŋge ndicimunyeŋgetera nomuromo waŋgu.
17Kufema kwaŋgu kunosemesa mukadzi waŋgu,
Ndinonyaŋgadza ʋana ʋamai ʋaŋgu.
18Kunyaŋge naʋana ʋaɗuku ʋanondishoʋora ʋo;
Kana ndicisimuka, ʋanondipopotera.
19Shamŋari dzaŋgu dzose dzaindiziʋa, dzinondinɀeŋga,
Ʋose ʋandaiɗa ʋandifuratira.
20Fupa raŋgu rinonamatira ganda raŋgu nenyama yaŋgu,
Ndasiyirwa ganda rameno aŋgu.
21Ndinzwirei tsitsi, ndinzwirei tsitsi, imi shamŋari dzaŋgu;
Nokuti ruʋoko rwaMŋari rwandiɓata.
22Munonditambudzireiko saMŋari,
Musiŋgaguti nenyama yaŋgu?
23Haiwa, ɗayi mashoko aŋgu ainyorwa ɀino,
Haiwa, ɗayi ainyorwa pabuku.
24Ƌayi aitemŋa nepeni yeɗare nomutobvu
Aitemŋa paɗombo nokusiŋgaperi.
25Asi ndinoziʋa kuti Mudzikinuri waŋgu mupenyu,
Ʋuye kuti pakupedzisira ucasimuka panyika;
26Kunyaŋge ganda raŋgu riciŋge raparadzwa saiɀoɀo,
Kunyaŋge ɀakaɗaro ndicaʋona Mŋari ndisinenyama yaŋgu.
27Ndicamuʋona ari kurutiʋi rwaŋgu;
Meso aŋgu acaʋona, asati ari omutorwa;
Itȿo dzaŋgu dzapera mukati maŋgu.
28Kana muciti: Ticamutambudza sei!
Mudzi wemhoȿa ɀauri mukati maŋgu!
29Ityai munondo;
Nokuti kutsamŋa kucarobga nomunondo,
Kuti muziʋe kuti kutoŋga kuri’po.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 19: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018