Jobo 21
21
Jobo unoti, ʋakaipa ʋaneŋge ʋanofara haʋo ʋasiŋgatambudzwi naMŋari, asi ʋacatoŋgwa paŋguʋa inoʋuya.
1Ipapo Jobo wakapindura, akati:
2Inzwai ɀakanaka kutaura kwaŋgu;
Munyaradzwe naɀo.
3Ndiregei, nditaure ʋo;
Kana ndapedza kutaura, muŋgandiseka henyu.
4Kana ndirini, ndinocema kuʋanhu here?
Ndiŋgaregereiko kupera mŋoyo?
5Nditarirei, mushamiswe,
Muise ruʋoko rwenyu pamuromo.
6Kunyaŋge ndoɀiraŋgarira ndinotambudzika,
Kutya kukuru kunoɓata nyama yaŋgu.
7Ʋakaipa ʋanoraramireiko,
Ʋacikwegura nokuwedzerwa simba here?
8Ʋana ʋaʋo ʋanosimbiswa pamŋe cete naʋo pamberi paʋo,
Naʋazukuru ʋaʋo ʋaciɀiʋona nameso aʋo.
9Dzimba dzaʋo dzinorugare, hadzityiswi,
Ʋuye shamhu yaMŋari haigari iciʋaroʋa.
10Hando yaʋo inoɓerekesa, isiŋgakoni,
Mhou yaʋo inoɓereka, isiŋgaȿodzi.
11Ʋanoɓuɗisa pxere dzaʋo seɓoka ramakwai;
Ʋana ʋaʋo ʋanotamba.
12Ʋanoimba ʋaciridzirwa ŋgoma nembira,
Ʋanofara ʋaciridzirwa nyere.
13Ʋanopedza mazuʋa aʋo ʋacifara,
Ʋanoɓurukira kuSheori kamŋe‐kamŋe.
14Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanoti kunaMŋari: Ibvai kwatiri;
Nokuti hatiɗi kuziʋa nzira dzenyu.
15Iye Wamasimba ose ndianiko, kuti timushumire?
Ticaɓatsirwa neiko kana tikanyeŋgetera kwaari?
16Tarirai, kufara kwaʋo hakuzi mumaʋoko aʋo;
Mano aʋakaipa ari kure neni.
17Ko mŋenje waʋakaipa unodzimŋa kaŋgani?
Njodzi yaʋo inoʋaʋiŋga kaŋganiko?
Mŋari unoʋapavurira kutambudzika pakutsamŋa kwake kaŋganiko?
18Ʋanotoŋgofanana namakoto anodziŋgwa nemhepo here?
Nehundi inotorwa neɗutu remhepo?
19 Imi munoti: Mŋari unoceŋgetera ʋana ʋake ɀakaipa.
Ŋgaamutsiʋe iye amene, aɀiziʋe.
20Meso ake amene ŋgaaʋone kuparadzwa kwake,
Iye ŋgaanwe kutsamŋa kwoWamasimba ose.
21Nokuti ucaʋa nehanya yeiko neimba yake kana aenda,
Kana kuwanda kwemŋedzi yake kwatapudzwa.
22Ndianiko uŋgadzidzisa Mŋari kuziʋa,
Ɀaari iye unotoŋga ʋari kumsoro?
23Mumŋe unofa acinesimba rake rose,
Akafara cose anorugare.
24Hwedza dzake dzizere nomukaka,
Mŋoŋgo wamafupa ake wakanyoroʋa.
25Mumŋe unofa aneshuŋgu dzomŋoyo,
Asina‐kutoŋgoraʋira ɀakanaka.
26Ʋanoʋata pasi pamŋe cete paguruʋa,
Honye dzinoʋafukidza ʋose.
27Tarirai ndinoziʋa kufuŋga kwenyu,
Namano akaipa amunondifuŋgira.
28Nokuti munoti: Imba yomucinda iripiko?
Tente raigarwa nowakaipa riripiko?
29Hamuna‐kubvunza here ʋanofamba nenzira?
Hamuziʋi ɀiratidzo ɀaʋo here?
30Kuti munhu wakaipa unoɗarikwa pazuʋa renjodzi here?
Kuti ʋanobviswa pazuʋa rokutsamŋa here?
31Ndianiko uŋgamuziʋisa mufambire wake pacena?
Ndiani ucamutsiʋa ɀaakaita here?
32Ɀino unotakurirwa kubgiro,
Ʋanorinda rinda rake.
33Maviŋga omupata acamunakira,
Ʋanhu ʋose ʋacamuteʋera,
Seɀaakatuŋgamirirwa naʋasiŋgaʋereŋgwi.
34Ɀino munondinyaradza sei neɀisinamaturo,
Ɀamasarirwa nenhema dzoga pakupindura kwenyu?
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 21: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018