Jobo 22
22
Erifazi unoraira Jobo kuti adzokere kunaMŋari, akaŋganwirwe ɀiʋi ɀake ɀaakamukira Mŋari naɀo.
1Ipapo Erifazi muTemani wakapindura, akati:
2Ko munhu uŋgaɓatsira Mŋari here?
Ɀirokwaɀo, munhu, wakaŋgwara, unoɀiɓatsira hake amene.
3Wamasimba ose unehanya nokururama kwako here?
Iye uŋgaɓatsirwa naɀo kana iwe ukakwanisa nzira dzako here?
4Iye unokuraira ɀaunomutya here?
Kuti akutoŋge here?
5Ɀakaipa ɀako haɀizakakura here?
Ɀisina‐kururama ɀako haɀiperi.
6Nokuti wakatora ruɓatso kuhama yako pasina,
Wakakunuŋgura ŋguʋo dzaʋakaŋga ʋasina‐kufuka.
7Hauna‐kupa ʋanenyota mvura kuti ʋanwe,
Wakanyima ʋanenzara ɀokudya.
8Asi munhu unesimba, nyika ndeyake;
Munhu unokudzwa, ndiye wakagara mairi.
9Wakadziŋga cirikadzi dzisinecinhu,
Maʋoko enherera akavuniwa.
10Saka iwe wakapotedzwa nemisuŋgo,
Unovunduswa pakarepo nokutya,
11Nerima, kuti urege kuʋona,
Ʋuye mvura zhinji inokufukidza.
12Ko Mŋari haazi kuɗeŋga kumsoro‐soro here?
Tarira kukwirira kwenyeredzi, dzakakwirira sei!
13Iwe unoti: Mŋari unoziʋeiko?
Uŋgagona kutoŋga pakati perima guru here?
14Makore matema akamufukidza, haagoni kuʋona;
Unofamba pakutenderera kweɗeŋga.
15Iwe unoɗa kuramba ucifamba nenzira yekare
Yakatsikwa naʋanhu ʋakaipa here?
16Iʋo ʋakabvutwa ŋguʋa yaʋo isati yaȿika;
Nheyo dzaʋo dzakaɗururwa sorukoʋa rwemvura.
17Iʋo ʋakati kunaMŋari: Ibvai kwatiri;
Ʋuye: Wamasimba‐ose uŋgatiiteiko?
18Kunyaŋge ɀakaɗaro wakazadza dzimba dzaʋo neɀakanaka;
Asi mano aʋakaipa ari kure neni.
19Ʋakarurama ʋanoɀiʋona, ʋakafara;
Ʋasinemhoȿa ʋanoʋaseka,
20 Ʋaciti: Ɀirokwaɀo ʋakatimukira ʋakaparadzwa;
Ɀakasara ɀaʋo ɀakapedzwa nomŋoto.
21Shamŋaridzana naye ɀino, uʋe norugare;
Ipapo ucaitirwa ɀakanaka.
22Gamucira hako murairo womuromo wake,
Uceŋgete mashoko ake mumŋoyo mako.
23Kana ukadzokera kuno‐Wamasimba‐ose, ucaʋakwa;
Kana ukabvisa ɀisakarurama kure namatente ako.
24Isa fuma yako paguruʋa,
Nendarama yeOfiri pakati pamabge ehoʋa;
25Ipapo Wamasimba‐ose ucaʋa fuma yako,
Nesirveri inokosha kwaɀo kwauri.
26Nokuti ipapo ucafarira Wamasimba‐ose,
Ucasimudzira ciso cako kunaMŋari.
27Ucanyeŋgetera kwaari, iye ucakunzwa;
Ʋuye ucaripa mhiko dzako.
28Ucatema ʋo cireʋo, cikasimbiswa kwauri;
Ʋuye ciedza cicavenekera nzira dzako.
29Kana ʋakakusundira pasi, ucati: Ndicasimudzwa;
Iye ucaponesa munhu unoɀininipisa.
30Iye ucarwira nyaŋgwe nomunhu unemhaka,
Ɀirokwaɀo ucarwirwa iye nokucena kwamaʋoko ako.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 22: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018