Jobo 29
29
Jobo unoraŋgarira mazuʋa okufara kwake.
1Ɀino Jobo akapfuʋura ɀe namashoko ake, akati:
2Haiwa, ɗai ndaiita haŋgu sapamŋedzi yakare,
Sapamazuʋa andairindwa naMŋari;
3Paŋguʋa iyo mŋenje wake waivenekera pamusoro waŋgu,
Ndaifamba ndicivenekerwa parima neciedza cake;
4Seɀandakaŋga ndakaita pamazuʋa okusimba kwaŋgu,
Paŋguʋa iyo ʋushamŋari bgaMŋari ʋuciri patente raŋgu;
5Paŋguʋa iyo Wamasimba‐ose aciri neni,
Naʋana ʋaŋgu ʋacakandipoteredza;
6Paŋguʋa iyo pandaitsika paisukwa nomukaka wakafa,
Ʋuye ɗombo raindiɗururira nzizi dzamafuta!
7Paŋguʋa yandaiɓuɗa kusuʋo reguta,
Paŋguʋa yandaigadzira cigaro caŋgu paɗare,
8Majaya akati acindiʋona aiʋanda,
Naʋatana ʋaisimuka ʋakaramba ʋamire;
9Macinda ainyarara pakutaura kwawo,
Aifumbira miromo yawo;
10Manzwi aʋakuru ainyarara,
Ndimi dzaʋo dzainamatira mumikanwa yaʋo.
11Nokuti nzeʋe yakati icindinzwa, ndokundiropafadza;
Ziso rakati ricindiʋona, ndokundipupurira ɀakanaka.
12Nokuti ndairwira ʋarombo ʋaicema,
Nenherera ʋo, nowaishaiwa muɓatsiri.
13Waikaro‐fa waindiropafadza;
Ndaiimbisa mŋoyo wecirikadzi nomufaro.
14Ini ndaifuka kururama, naiko kwaindifukidza;
Kururama kwaŋgu kwaiʋa seŋguʋo nekorona.
15Ndaiʋa meso amapofu,
Netsoka dzaʋanokamhina.
16Ndaiʋa ɓaɓa ʋaʋaishaiwa;
Ndainɀera mhaka yowandakaŋga ndisiŋgaziʋi.
17Ndaivuna meno aʋasina‐kururama,
Nokubvuta caakaŋga aʋuraya mumeno ake.
18Paŋguʋa iyo ndakati: Ndicafira muɗendere raŋgu,
Ndicawanza mazuʋa aŋgu aite sejeca,
19Mudzi waŋgu wakatandaʋarira kuȿikira kumvura,
Ƌoʋa rinoʋata ʋusiku bgose paɗaʋi raŋgu.
20Kukudzwa kwaŋgu kunoramba kuri kutȿa,
Ʋuta bgaŋgu ʋunoramba ʋuciʋandudzwa muruʋoko rwaŋgu.
21Ʋanhu ʋainditerera nokundimirira,
Ʋainyarara kana ndiciʋaraira.
22Haʋazaitaura ɀe kana ini ndareʋa mashoko aŋgu;
Kutaura kwaŋgu kwakaɗonhera pamsoro paʋo.
23Ʋaindimirira somunhu unomirira mvura;
Ʋaishamisa miromo yaʋo sounoshamira mvura yokupedzisira.
24Ndaiʋasekerera kana ʋasiŋgatsuŋgi;
Haʋana‐kudzima ciedza ceciso caŋgu.
25Ndaiʋasanaŋgurira nzira yaʋo, ndikagara sashe waʋo,
Ndaigara samambo pahondo,
Somunhu unonyaradza ʋanocema.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 29: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018