Jobo 32
32
Mashoko aErihu.
1Ɀino ʋarume aʋa ʋatatu ʋakarega kupindura Jobo, nokuti wakati ndakarurama haŋgu. 2Ipapo Erihu mŋanakomana waBarakeri muBuzi, weimba yaRami, wakatsamŋa kwaɀo; wakatsamŋira Jobo kwaɀo, nokuti wakaŋga aɀiruramisa kupfuʋura Mŋari. 3Akatsamŋira ʋo kwaɀo shamŋari dzake nhatu, nokuti ʋakaŋga ʋashaiwa mhinduro, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaŋga ʋapa haʋo Jobo mhoȿa. 4Ɀino Erihu wakaŋga amirira kutaura naJobo, nokuti iʋo ʋaiʋa ʋakuru kwaari pazero. 5Ɀino Erihu wakati aciʋona kuti hapenemhinduro pamiromo yaʋanhu aʋa ʋatatu, iye akatsamŋa kwaɀo.
Makore mazhinji haaʋuyisi ʋucenjeri, asi Mŋeya waMŋari.
6Ɀino Erihu mŋanakomana waBarakeri muBuzi wakapindura, akati:
Ini ndiri muɗuku, asi imi maʋa ʋakuru kwaɀo;
Saka ndakaɀidzora haŋgu, ndikatya kukuziʋisai kufuŋga kwaŋgu.
7Ndakati: Ʋanamazuʋa mazhinji ŋgaʋataure haʋo,
Ʋanamakore mazhinji ŋgaʋadzidzise ʋamŋe ʋucenjeri.
8Asi mŋeya uri’po pamunhu,
Kufuridzira kwoWamasimba‐ose kunoʋapa kunzwisisa.
9Haʋazi ʋakuru ʋakacenjera,
Kana ʋatana ʋanonzwisisa kururamisira.
10Saka ndakati: Cindinzwai;
Neni ʋo ndicakuziʋisai kufuŋga kwaŋgu.
11Tarirai, ndakambomirira mashoko enyu,
Ndakaterera kuti ndinzwe nharo dzenyu,
Ŋguʋa yamakatȿaka ɀamuŋgataura.
12Ɀirokwaɀo, ndakakucerekedzai,
Asi tarirai, hakunomunhu wakapxisa Jobo,
Kana wakapindura mashoko ake pakati penyu.
13Cenjerai, murege kuti: Takawana ʋucenjeri;
Mŋari ndiye uŋgamukunda, asi munhu kwete;
14Nokuti haana‐kutaura mashoko ake kwandiri;
Neni handiŋgamupinduri iye nokutaura kwenyu.
15Ʋashamiswa, haʋacapinduri;
Haʋacineshoko raʋaŋgataura.
16Ko ini ndiŋgamirira, ɀaʋasiŋgatauri iʋo,
Ɀaʋanoramba ʋamire, ʋasina‐caʋaŋgapindura here?
17Neni ʋo ndicapindura padzoro raŋgu,
Neni ʋo ndicaziʋisa kufuŋga kwaŋgu.
18Nokuti ndizere namashoko;
Mŋeya, uri mukati maŋgu, unondimanikidza.
19Tarirai, mukati maŋgu makafanana newaini isina‐pokuɓuɗa napo;
Ɀakafanana nehomboɗo itȿa dzinokaro‐paruka.
20Ndicataura, kuti ndiremudzwe,
Ndicashamisa miromo yaŋgu ndipindure.
21Ndirege haŋgu kutsaura munhu upi noupi;
Ʋuye handiŋgatumidzi ani nani mazita anoɓata kumeso.
22Nokuti handiziʋi kutumidza mazita anoɓata kumeso;
Ɀimŋe Muiti waŋgu uŋgakurumidza kundibvisa.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 32: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018