Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobo 33

33
Erihu unotuka Jobo. Mŋari haazi muʋeŋgi waʋanhu, asi unoʋadzidzisa nemitoʋo mizhinji.
1Asi Jobo, ciɗonzwai henyu kutaura kwaŋgu,
Tererai mashoko aŋgu ose.
2Tarirai ɀino, ndashamisa muromo waŋgu,
Rurimi rwaŋgu rwataura mumuromo waŋgu,
3Mashoko aŋgu acaɗudzira kururama kwomŋoyo waŋgu;
Miromo yaŋgu icataura iɀo ɀainoziʋa neɀokwaɗi.
4Mŋeya waMŋari wakandiita,
Kufuridzira kwoWamasimba‐ose kunondipa ʋupenyu.
5Kana mukagona, cindipindurai henyu;
Gadzirai mashoko enyu pamberi paŋgu, simukai henyu.
6Tarirai, ini ndakafanana nemi pamberi paMŋari;
Neni ʋo ndakaʋumbga nevu.
7Tarirai, kutyisa kwaŋgu hakuŋgakutyisiyi imi,
Ʋuye handiŋgakuremedziyi.
8Ɀirokwaɀo, makataura ini ndiciɀinzwa,
Ndakanzwa inzwi ramashoko enyu, riciti:
9Ndakanaka, handina‐kuɗarika;
Handinemhoȿa, hapaneɀakaipa mukati maŋgu;
10Tarirai, iye unowana mhoȿa kuti arwe neni,
Unonditi muʋeŋgi wake.
11Unomana makumbo aŋgu mumatanda,
Unocerekedza nzira dzaŋgu dzose.
12Tarirai, ndicakupindurai, pacinhu ici hamuna‐kururama,
Nokuti Mŋari mukuru kupfuʋura munhu.
13Munorwireiko naye?
Nokuti haaɀiɗaʋiriri pamashoko ake ose.
14Nokuti Mŋari unotaura kamŋe cete,
Kana kaʋiri, asi munhu haanehanya naɀo.
15Pakurota, kana pane‐ɀinoʋonekwa ʋusiku,
Kana munhu aɓatwa nehope kwaɀo,
Kana aʋete panhoʋo;
16Ipapo unodziʋura nzeʋe dzaʋanhu,
Nokusimbisa kurairwa kwaʋo,
17Kuti adzore munhu pakuʋaʋarira ɀakaipa,
Nokuʋanzira munhu kuɀikudza;
18Kuti adzore mŋeya wake pagomba,
Ʋupenyu bgake ʋurege kuparadzwa nomunondo.
19Unoraŋgwa ʋo acirwadziwa panhoʋo yake,
Nokutambudzika ŋguʋa dzose mumafupa ake;
20Naiɀoɀo ʋupenyu bgake ʋunosema ɀokudya,
Nomŋoyo wake ɀokudya ɀinonaka.
21Nyama yake inopedzwa, haicaʋonekwi,
Mafupa ake, akaŋga asiŋgaʋonekwi, anoɓuɗira kunze.
22Ɀirokwaɀo mŋeya wake unosweɗera kugomba,
Noʋupenyu bgake kuʋaparadzi.
23Kana mutumŋa akaȿika kwaari,
Ari mushanduri, mumŋe pakati paʋaneɀuru ɀamazana,
Kuti aratidze munhu nzira yakarurama;
24 Mŋari akamunzwira tsitsi, akati:
Murwirei arege kuɓurukira kugomba,
Ndawana dzikinuro.
25Nyama yake icaʋa itȿa kupfuʋura yomŋana;
Ucadzokera kumazuʋa oʋuɗuku bgake.
26Unonyeŋgetera kunaMŋari, iye acimufarira;
Naiɀoɀo unotarira ciso cake nomufaro;
Akadzosera munhu kururama kwake.
27Ucaimba pamberi paʋanhu, aciti;
Ndatadza, ndakaŋganisa ɀakarurama,
Asi haɀina‐kundiɓatsira;
28Iye wakarwira mŋeya waŋgu urege kuɓurukira kugomba,
Ʋupenyu bgaŋgu ʋucaʋona ciedza.
29Tarirai, Mŋari unoita ɀinhu iɀi ɀose,
Kaʋiri kana katatu nomunhu,
30Kuti adzose mŋeya wake pagomba,
Kuti avenekerwe neciedza caʋapenyu.
31Cerekedzai ɀakanaka, Jobo, mundinzwei;
Nyararai, ini nditaure.
32Kana muneshoko rokureʋa, ndipindurei;
Taurai, nokuti ndinoɗa kukururamisirai.
33Kana musiŋgaɗi, nditererei;
Nyararai, ini ndikudzidzisei ʋucenjeri.

Zvasarudzwa nguva ino

Jobo 33: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda