Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobo 34

34
Mŋari haana‐kuitira Jobo ɀakaipa, nokuti Mŋari wakarurama cose; munhu unofanira kuɀininipisa pamberi pake.
1Ipapo Erihu wakapindura, akati:
2Inzwai mashoko aŋgu, imi ʋanhu ʋakacenjera;
Rerekerai nzeʋe dzenyu kwandiri, imi muneziʋo.
3Nokuti nzeʋe ndiyo inoidza mashoko,
Seɀinoraʋira mukanwa ɀokudya.
4Ŋgatiɀisanaŋgurire ɀakarurama;
Ŋgatiziʋe tose kuti ɀakanaka ndeɀipi.
5Nokuti Jobo wakati: Ndakarurama,
Asi Mŋari wakanditorera kururama kwaŋgu;
6Kunyaŋge ndakarurama haŋgu, ndinonzi ndinenhema;
Pandakakuʋadzwa hapaŋgapori, kunyaŋge ndisina‐kuɗarika.
7Ndianiko wakafanana naJobo,
Unonwa kushoʋorwa semvura?
8Unofambidzana naʋanoita ɀakaipa,
Unofamba naʋanhu ʋakashata.
9Nokuti iye wakati: Munhu haatoŋgoɓatsirwi,
Kana acifarira Mŋari.
10Saka cindinzwai, imi ʋarume ʋenjere:
Mŋari haaŋgatoŋgoiti ɀisakarurama;
Wamasimba‐ose haaŋgatoŋgoiti ɀakaipa.
11Nokuti ucaripira munhu seɀaakaɓata,
Ucapa mumŋe nomumŋe seɀaakafanirwa.
12Ɀirokwaɀo, Mŋari haaŋgaiti ɀakaipa,
Wamasimba‐ose haaŋgakaŋganisi pakutoŋga.
13Ndianiko wakamuita murairi wenyika?
Ndianiko wakamupa nyika yose?
14Kana akadzosera mŋoyo wake kwaari,
Kana akadzosera kwaari mŋeya wake nokufema kwake;
15Ipapo ʋanhu ʋose ʋacaparara pamŋe cete,
Munhu akadzokera ɀe kuguruʋa.
16Ɀino kana mukagona kunzwisisa, inzwai shoko iri:
Tererai inzwi ramashoko aŋgu.
17Ko munhu, unoʋeŋga ɀakarurama, uŋgaɓata ʋushe here?
Muŋgapa mhoȿa munhu wakarurama, unesimba here?
18Ko ɀakanaka kuti kunamambo: Makashata?
Kana kuʋakuru: Muriʋakaipa here?
19Ndoɗa kumunhu usiŋgakudzi macinda,
Usiŋgatsauri ʋafumi kupfuʋura ʋarombo.
Nokuti iʋo ʋose ndiro ɓasa ramaʋoko ake.
20Ʋanofa kamŋe‐kamŋe pakati poʋusiku;
Ʋanhu ʋanozozunuŋguswa ndokuparara haʋo,
Ʋanesimba ʋanobviswa ɀisiŋgaitwi noruʋoko.
21Nokuti meso ake anotarira nzira dzomunhu,
Unoʋona kufamba kwake kwose.
22Hapanerima kana mumvuri worufu,
Paŋgaʋanda ʋanoita ɀakaipa.
23Nokuti haacafaniri kuraŋgarira munhu,
Kuti atoŋgwe pamberi paMŋari.
24Unoparadza ʋanhu ʋanesimba asiŋganɀeri,
Ndokugadza ʋamŋe panɀimbo yaʋo.
25Saka unocerekedza maɓasa aʋo;
Unoʋaparadza ʋusiku, ʋakapxanyiwa.
26Unoʋaroʋa seɀinorobga ʋanhu ʋakaipa
Ʋamŋe ʋose ʋaciɀiʋona pacena;
27Nokuti ʋakatsauka pakumuteʋera,
Ʋakasaʋa nehanya nenzira dzake dzose;
28Naiɀoɀo ʋakaȿitsa kucema kwaʋarombo kwaari,
Akanzwa kucema kwaʋakatambudzwa.
29Kana iye akazorodza, ndianiko uŋgapa mhoȿa?
Kana akaʋanza ciso cake, ndianiko uŋgazomuʋona?
Kana ɀiciitirwa rudzi kana munhu mumŋe, ɀakafanana haɀo;
30Kuti munhu usakarurama arege kuɓata ʋushe,
Kuti kurege kuʋa nomunhu ucateya ʋanhu.
31Nokuti kunomunhu here wakati kunaMŋari:
Ndaraŋgwa haŋgu, kunyaŋge ndisina‐kutadza?
32Ndidzidzisei ɀandisiŋgaʋoni;
Kana ndiciŋge ndaita ɀakaipa, handiŋgaɀiiti ɀe?
33Ko iye ucatsiʋa seɀaunoɗa iwe, ɀaunoɀiramba here?
Nokuti ndiwe unofanira kusanaŋgura, handizi’ni;
Saka citaura ɀaunoziʋa.
34Ʋanhu ʋanenjere ʋacati kwandiri,
Ʋuye ʋose ʋakacenjera, ʋanondinzwa, ʋacati:
35Jobo unotaura ɀaasiŋgaziʋi,
Mashoko ake haanoʋucenjeri.
36Ƌayi Jobo aiidzwa kuȿikira pakupedzisira,
Ɀaakapindura saʋanhu ʋakaipa.
37Nokuti unowedzera kumukira Mŋari paɀiʋi ɀake,
Unoroʋanya maʋoko ake pakati peɗu,
Aciwanza mashoko ake anorwa naMŋari.

Zvasarudzwa nguva ino

Jobo 34: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda