Jobo 38
38
Mŋari unopindura. Unoratidza Jobo simba rake risiŋganzwisiswi rinoʋonekwa pakusika kwake nokuraira kwake ɀose.
1Ipapo Jehova wakapindura Jobo, ari pacampupuri, akati:
2Ndianiko uya unodzima zano raŋgu aciriita rima
Namashoko asineziʋo here?
3Ciɀisuŋga ciʋuno cako ɀino somurume;
Nokuti ndicakubvunzisisa, iwe undiɗudzire.
4Iwe wakaŋga uripiko paŋguʋa yandakateya nheyo dzenyika?
Ciɗudzira, kana uneziʋo iwe.
5Ndianiko wakatara kukura kwayo, kana uciɀiziʋa?
Kana ndianiko wakaiyera norwonzi?
6Ko nheyo dzayo dzakateyiwa pamsoro pei?
Kana ndianiko wakateya ibge rayo rekona?
7Paŋguʋa yakaimba nyeredzi dzamambakwedza pamawa,
Ʋuye ʋanakomana ʋose ʋaMŋari ʋacipururudza nomufaro?
8Kana ndianiko wakadziʋira guŋgwa nemikoʋa,
Paŋguʋa yokudzutuka kwaro, riciɓuɗa paciɀaro;
9Paŋguʋa yandaita gore ŋguʋo yaro,
Ʋuye rima guru uʋe muceka wokuriputira nawo;
10Paŋguʋa yandakaritarira muganho waro,
Ndikariisira mazariro nemikoʋa,
11Ndikati: Uŋgaȿikira pano, asi hauŋgapfuʋuri;
Mafuŋgu ako, anoɀikudza, acadziʋirirwa pano?
12Iwe wakatoŋgoraira maŋgwanani kubva pakutaŋga kwamazuʋa ako here,
Ukaratidza mambakwedza nɀimbo yawo here?
13Kuti aɓate migumo yenyika,
Ʋakaipa ʋazuzwe ʋabve pairi here?
14Ɀinoshanduka sevu kana ricitsikwa necisimbiso,
Ɀinhu ɀose ɀiciʋonekwa sapaŋguʋo.
15Ʋakaipa ʋanodzitirirwa ciedza caʋo,
Ruʋoko, runoɀikudza, runovuniwa.
16Iwe wakatoŋgopinda pamatsime eguŋgwa here?
Kana wakatoŋgofamba pakadzikadzika pasi here?
17Masuʋo orufu akatoŋgokuzarurirwa here?
Kana wakatoŋgoʋona masuʋo omumvuri worufu here?
18Wakatoŋgonzwisisa ʋupamhi bgenyika here?
Ƌudzira, kana uciɀiziʋa ɀose.
19Nzira iripiko inoenda kunogara ciedza,
Kana riri rima, nɀimbo yaro iripiko?
20Kuti undoɀiisa kumiganho yaɀo,
Ʋuye kuti uziʋe nzira dzinoenda kumusha waɀo here?
21Uneŋge unoziʋa hako, nokuti wakaŋga wakaɀarwa paŋguʋa iyo!
Mazuʋa ako aneŋge akawanda kwaɀo!
22Wakatoŋgopinda panoʋigwa fuma yamazaya ecando here,
Kana wakatoŋgoʋona panoʋigwa fuma yecimvuramabge here?
23Iɀo ɀandakaceŋgetera ŋguʋa yenhamo,
Nezuʋa rokurwa nehondo here?
24Ciedza cinoparadzaniswa nomutoʋo upiko,
Ʋuye mhepo inobva mabvazuʋa inopararira seiko panyika?
25Ndianiko wakacerera ɓoporodzi remvura mugero,
Kana kuratidzira mheni yomutinhiro nzira yayo;
26Kuti mvura iniswe panyika isinaʋanhu,
Parenje pasinaʋanhu;
27Kuti ivu rakasiyiwa nerakaparadzwa rigutswe;
Ʋuye ɓumhudza rimereswe here?
28Ko mvura inonaya inaɓaɓa here?
Kana ndianiko wakaɀara maɗonhedza eɗoʋa?
29Mazaya ecando akaɓuɗa muciɀaro caniko?
Ʋuye cando cokuɗeŋga ndianiko wakaciɓereka?
30Mvura inogwamba sebge,
Guŋgwa rakadzika rinogwamba pamsoro paro.
31Ko iwe uŋgasuŋga sumbu reCinyamutanhatu,
Kana kusunuŋgura ɀisuŋgo ɀeOrioni here?
32Iwe uŋgaɓuɗisa Mazaroti paŋguʋa yawo here?
Kana uŋgagona kufambisa Arkturo naʋanakomana ʋayo here?
33Iwe unoziʋa mitemo yokuɗeŋga here?
Iwe uŋgagona kuraira ʋushe bgaɀo panyika here?
34Ko iwe uŋgaȿitsa inzwi rako kumakore,
Kuti ufukidzwe nemvura yakawanda here?
35Iwe uŋgagona kutuma mheni, kuti dzifambe,
Dziciti kwauri: Tiri pano, here?
36Ndianiko wakaisa ʋucenjeri mukati mamakore matema?
Kana ndianiko wakapa nyeredzi njere?
37Ndianiko uŋgagona kuʋereŋga makore noʋucenjeri bgake here?
Kana ndianiko uŋgagona kuɗurura homboɗo dzemvura dzokuɗeŋga?
38Kana guruʋa riciʋuŋgana pamŋe cete,
Namaviŋga acinamatirana here?
39Ko iwe uŋgavimira shumbakadzi,
Kana kugutsa ʋana ʋeshumba here?
40Kana idzo dzicitsiʋama panɀimba dzadzo,
Nokurambira pakaʋanda dziciʋandira here?
41Ndianiko unogadzirira guŋguʋu ɀokudya ɀaro,
Kana ʋana ʋaro ʋacicema kunaMŋari,
Ʋacidzuŋgaira pose‐pose ʋacishaiwa ɀokudya.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 38: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: