Jobo 39
39
1Iwe unoziʋa ŋguʋa inoɓereka ŋgururu here?
Kana iwe uŋgaʋona kana nondo dziciɓereka here?
2Iwe uŋgagona kuʋereŋga mŋedzi yokutora kwadzo mazamu here?
Kana iwe unoziʋa ŋguʋa yadzinoɓereka nayo here?
3Dzinokotama, ndokuɓereka ʋana ʋadzo,
Dzinorasha ʋushuŋgu bgadzo.
4Ʋana ʋadzo ʋanosimba, ʋanokurira kusaŋgo;
Ʋanoenda ʋakasadzoka ɀe.
5Ndianiko wakaregedza mbizi isinakusuŋgwa?
Kana ndianiko wakasunuŋgura ɀisuŋgo ɀembizi?
6Ndakaita renje imba yayo,
Nenyika yeɓare ʋugaro bgayo.
7Inoɀidza ɓope romuguta,
Hainzwi kucaira kwomucairi.
8Nyika yamakomo ndiwo mafuro ayo,
Inotȿaka mashizha ose matema.
9Ko nyati iŋgatenda kukuɓatira here?
Kana iŋgaʋata pacidyiro ceŋombe dzako here?
10Ko iwe uŋgasuŋga nyati negashu rayo mumuhoroŋga,
Kana iŋgaputsa maviŋga icikuteʋera here?
11Uŋgaitenda, ɀainesimba guru here?
Kana kuiregera ɓasa rako here?
12Uŋgaʋimba nayo kuti iise ɀiyo ɀako kuguta,
Nokuɀiʋuŋganidzira paɓuriro rako here?
13Mhou inofara namapapiro ayo;
Ko mapapiro ayo neminheŋga yayo ɀinoʋunyoro here?
14Nokuti inosiya mazai ayo pasi pavu,
Inoadziyisa muguruʋa,
15Icikaŋganwa kuti aŋgapxanyiwa netsoka dzaʋanhu,
Kana kuti aŋgatsikwa neɀikara.
16Inoʋaŋgararira ʋana ʋayo saʋaneŋge ʋasati ʋari ʋayo;
Kunyaŋge yakatambudzikira pasina, hainehanya;
17Nokuti Mŋari wakaitorera ʋucenjeri,
Haana‐kuipa njere.
18Paŋguʋa yainosimuka kuti itize,
Inoshoʋora biza nomutaȿi waro.
19Iwe wakapa biza simba raro here?
Ndiwe wakashoŋgedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here?
20Iwe wakaricirikisa semhashu here?
Simba rokupfeza kwaro rinotyisa.
21Rinoteta pasi mumupata, ricifarira simba raro;
Rinoɓuɗa kundoshoŋgana naʋarume ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa nadzo.
22Rinoseka kutya, harivunduswi;
Haridzoki kana riciʋona munondo.
23Goɓa rinorira pamsoro paro,
Ʋuye pfumo neɓakatwa ɀinopenya.
24Rinopedza pasi nokutsamŋa nehasha;
Harimiri kana ricinzwa inzwi rehwamanda.
25Ŋguʋa ipi neipi kana hwamanda icirira, rinoti: Hekani!
Rinofembedza kurwa kana kuciri kure,
Nokutinhira kwamacinda, neɓope.
26Ko ruʋaŋgu runoeŋgerera noʋucenjeri bgako here,
Rucitambanudzira mapapiro arwo kurutiʋi rwezasi here?
27Ko gondo rinokwira nokuraira kwako,
Ricindoʋaka ɗendere raro pakakwirira here?
28Rinogara paɗombo, riciʋata’po,
Pashoŋgwe yeɗombo napanhare.
29Rinonaŋanidza ɀokudya ɀaro riri’po,
Meso aro anoɀiʋona ɀiri kure.
30Ʋana ʋaro ʋo ʋanoȿeta ropa;
Panecakaʋurawa ndipo pariri.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 39: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018