Mariro aJeremia 2
2
Kutoŋga kwaJehova pamsoro peJerusarema.
1Ishe wakafukidza sei mukunda weZioni negore rokutsamŋa kwake!
Wakabvisa kunaka kwaIsraeri akaɀikandira pasi,
Akasaraŋgarira citsiko cake nezuʋa rokutsamŋa kwake.
2Ishe wakamedza ʋugaro bgose bgaJakobo, akasanzwira tsitsi;
Pakutsamŋa kwake wakawisira pasi nhare dzomukunda waJuda;
Wakadziwisira pasi; wakamhura ʋushe namacinda abgo.
3Nokutsamŋa kukuru wakagura nyaŋga dzose dzaIsraeri;
Wakadzosa ruʋoko rwake rworudyi pamberi pomuʋeŋgi,
Akapisa munaJakobo somuraɀo womŋoto unopedza ɀose kumatiʋi ose.
4Wakawembura ʋuta bgake somuʋeŋgi, wakamira noruʋoko rwake somudziʋisi,
Akaʋuraya ʋose ʋaifadza meso;
Wakaɗurura kutsamŋa kwake somŋoto patente romukunda weZioni.
5Ishe waʋa somuʋeŋgi, wakamedza Israeri;
Wakamedza dzimba dzaʋo dzose dzoʋushe, wakaparadza nhare dzaʋo;
Akawanzira mukunda waJuda kucema nokurira.
6Wakabvisa ruzhowa rwake nesimba sorwomunda; wakaparadza nɀimbo yake yokuʋuŋgana;
Jehova wakakaŋganwisa paZioni ʋuŋgano yakatarwa nesaɓata,
Akashoʋora madzimambo naʋaprista neshuŋgu dzokutsamŋa kwake.
7Jehova wakarasha artari yake, wakasema nɀimbo yake tȿene,
Wakaisa maȿiŋgo edzimba dzaʋo dzoʋushe mumaʋoko omuʋeŋgi;
Ʋakaita ɓope mumba maJehova, sapazuʋa reʋuŋgano yakatarwa.
8Jehova wakafuŋga kuparadza ruȿiŋgo rwomukunda weZioni;
Wakatatanura rwonzi rwokuyera, haana‐kudzosa ruʋoko rwake pakuparadza;
Wakacemedza nhare noruȿiŋgo, ɀinopera simba pamŋe cete.
9Masuʋo aro akanyura pasi, wakaparadza nokuvuna ɀipfigiso ɀaro;
Mambo waro namacinda aro ʋari pakati pamarudzi asinomurairo.
Ɀirokwaɀo ʋaprofita ʋaro haʋana‐ɀaʋanoratidzwa naJehova.
10Ʋakuru ʋomukunda weZioni ʋagere pasi, ʋanoramba ʋanyerere;
Ʋakakushira guruʋa pamisoro yaʋo, ʋakaɀisuŋga ɀiʋuno namasaga;
Mhandara dzeJerusarema dzakakotamisa misoro yadzo pasi.
11Meso aŋgu apera nemisodzi, mŋoyo waŋgu unotambudzika;
Ciropa caŋgu caɗururirwa pasi, nemhaka yokuparadzwa kwomukunda waʋanhu ʋaŋgu,
Nokuti ʋanana naʋanomna ʋanoziya munzira dzomuguta.
12Ʋanoti kunamadzimai aʋo: Ɀiyo newaini ɀiripiko?
Ʋaciŋgoziya munzira dzomuguta saʋakakuʋadzwa,
Mŋeya yaʋo iciɗururirwa mucifuʋa camadzimai aʋo.
13Ndicakupupureiko? Ndicakufananidza nei, iwe mukunda weJerusarema?
Ndicakuenzanisa nei, kuti ndikunyaradze, iwe mhandara mukunda weZioni?
Nokuti pawakaparadzwa pakakura seguŋgwa, ndiani ucakuporesa?
14Ʋaprofita ʋako ʋakakuʋonera ɀiratidzo ɀenhema neɀoʋupenzi;
Haʋana‐kuɓuɗisa ɀakaipa ɀako, kuti ʋadzose kutapxa kwako,
Asi ʋakakuʋonera ɀireʋo ɀenhema neɀinokutapisa.
15Ʋose ʋanopfuʋura ʋacaita nondo pamsoro pako;
Ʋanoridza muridzo nokudzuŋgudzira mukunda weJerusarema misoro yaʋo, ʋaciti:
Ko ndiro guta rainzi naʋanhu: Rakanaka‐naka kwaɀo, mufaro wenyika yose?
16Ʋaʋeŋgi ʋako ʋose ʋakakushamisira miromo yaʋo;
Ʋanoridza muridzo nokugeɗa‐geɗa meno, ʋanoti: Tarimedza;
Ɀirokwaɀo ndiro zuʋa ratakaŋga takatarira; tariwana, tariʋona.
17Jehova wakaita iɀo ɀaakafuŋga, wakapedzisa shoko rake raakaraira pamazuʋa akare;
Wakawisira pasi, akasaʋa netsitsi;
Wakafadza muʋeŋgi pamsoro pako, wakasimudza runyaŋga rwaʋadziʋisi ʋako.
18Mŋoyo yaʋo yakaɗana kunaShe.
Iwe ruȿiŋgo rwomukunda weZioni, misodzi ŋgaiyerere sorwizi masikati noʋusiku,
Usazorora, mboni yeziso rako isarega kucema.
19Muka, ɗanidzira ʋusiku, pakutaŋga kweŋguʋa dzose;
Ƌurura mŋoyo wako semvura pamberi paJehova;
Simudzira maʋoko ako kwaari nokuɗa kwoʋupenyu bgaʋanana ʋako, ʋanoziya nenzara pakuʋamba kwenzira imŋe neimŋe yomuguta.
20Tarirai, Jehova, muʋone ʋamakaitira ɀakaɗai!
Ko ʋakadzi ʋaŋgadya ɀiɓereko ɀaʋo, iʋo ʋana ʋari pamaʋoko here?
Ko ʋaprista naʋaprofita ʋaŋgaʋurawa panɀimbo tȿene yaShe here?
21Majaya naʋatana ʋaʋete pasi munzira dzomuguta;
Mhandara dzaŋgu namajaya aŋgu ʋaʋurawa nomunondo;
Makaʋaʋuraya nezuʋa rokutsamŋa kwenyu, makaɓaya, hamuna‐kunzwira tsitsi.
22Makaɗana ɀinondityisa pamatiʋi ose, sapazuʋa reʋuŋgano yakatarwa;
Hakuna‐wakapukunyuka kana wakasara pazuʋa rokutsamŋa kwaJehova;
Ʋandakaɓata mumaʋoko naʋandakarera ʋakapedzwa nomuʋeŋgi waŋgu.
Zvasarudzwa nguva ino
Mariro aJeremia 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: