Mariro aJeremia 3
3
Muprofita uri pakutambudzika kukuru asi unoʋimba naJehova.
1Ndini munhu wakaʋona kutambudzika neshamhu yokutsamŋa kwake.
2Wakandituŋgamirira akandifambisa murima ndisineciedza.
3Ɀirokwaɀo unogara aciŋgondiramba zuʋa rose noruʋoko rwake.
4Wakasakadza nyama yaŋgu neganda raŋgu, wakavuna mafupa aŋgu.
5Wakandiʋakira ruȿiŋgo kuzorwa neni, wakandikomberedza nenduru nokurwadziwa.
6Wakandigarisa panɀimbo dzinerima, saʋanhu ʋakaŋguʋa ʋafa.
7Wakandikomberedza noruȿiŋgo, kuti ndirege kugona kuɓuɗa; wakaremesa maketani aŋgu.
8Ɀirokwaɀo, kana ndiciɗana nokuridza mhere, unodziʋisa munyeŋgetero waŋgu.
9Wakadziʋira nzira dzaŋgu noruȿiŋgo rwamabge akaʋezwa, wakakaŋganisa nzira dzaŋgu.
10Kwandiri wakaita seɓere rinoʋandira, seshumba iri panɀimbo dzisiŋgazikanwi.
11Wakatsausa nzira dzaŋgu, akandibvarura‐bvarura, wakandiita renje.
12Wakawembura ʋuta bgake, akandiita cinhu cokuposhera nomuseʋe.
13Wakapinza miseʋe yegoɓa rake mutȿo dzaŋgu.
14Ndaʋa cinhu cinosekwa naʋanhu ʋaŋgu ʋose, neciimbo caʋo zuʋa rose.
15Wakandigutisa neɀinoʋaʋa, wakandinwisa gaʋakaʋa.
16Wakapedza meno aŋgu norubge, wakandifukidza namaɗota.
17Makarashira mŋeya waŋgu kure norugare, ndakakaŋganwa kuti ɀakanaka ɀakaɗini.
18Ini ndikati: Simba raŋgu rapera, neɀandakaŋga ndakatarira kunaJehova.
19Raŋgarirai kutambudzika kwaŋgu nenhamo yaŋgu, iro gaʋakaʋa nenduru.
20Mŋeya waŋgu ucaŋgoɀiraŋgarira naɀino, wakakotama mukati maŋgu.
21Ndinoɀifuŋga iɀo, naiɀoɀo ndinetariro.
22Nokuɗa kwoʋunyoro bgaJehova tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi.
23Maŋgwanani ose ɀaʋa ɀitȿa; kutendeka kwenyu kukuru.
24Jehova ndiwo mugoʋe waŋgu — ndiɀo ɀinotaura mŋeya waŋgu; naiɀoɀo ndicaʋimba naye.
25Jehova unoitira ɀakanaka ʋanomumirira, naiwo mŋeya unomutȿaka.
26Ɀakanaka kuti munhu aʋimbe naJehova, amirire ruponeso rwaJehova anyerere,
27Ɀakanaka kuti munhu atakure joko rake aciri muɗuku.
28Ŋgaagare ari oga anyerere, nokuti ndiye wakariisa pamsoro pake.
29Ŋgaaise muromo wake muguruʋa; ɀimŋe tariro ici’po.
30Ŋgaarinzire ɗama rake kunounomuroʋa, ŋgaagutiswe nokushoʋorwa.
31Nokuti Ishe haaŋgadziŋgi nokusiŋgaperi.
32Nokuti kunyaŋge akacemedza, ucanzwira tsitsi nokuwanda kweŋgoni dzake.
33Nokuti haatambudzi nomŋoyo wake, haacemedzi ʋana ʋaʋanhu.
34Kuti ʋasuŋgwa ʋose ʋenyika ʋatsikwe pasi petsoka,
35Kuti ɀakarurama ɀomunhu ɀikaŋganiswe pamberi poWokumsoro‐soro,
36Kuti munhu arege kururamisirwa pamhaka yake, Ishe haafari naiɀoɀo.
37Ndianiko uŋgataura, ɀikaitika, kana Ishe asiŋgaɀirairi?
38Ko ɀakaipa neɀakanaka haɀiɓuɗi pamuromo woWokumsoro‐soro here?
39Ko munhu mupenyu unonyunyutirei, kana iye munhu acirobga pamsoro peɀiʋi ɀake?
40Ŋgatinɀere nokuidza nzira dzeɗu, titendeʋukire ɀe kunaJehova.
41Ŋgatisimudze mŋoyo yeɗu namaʋoko eɗu kunaMŋari uri kuɗeŋga.
42Takaɗarika nokumumukira simba; imi hamuna‐kutikaŋganwira.
43Makaɀifukidza nokutsamŋa, mukadziŋgana nesu; makaʋuraya, hamuna‐kunzwira tsitsi.
44Makaɀifukidza negore kuti kurege kuʋa nomunyeŋgetero uŋgapinda’po.
45Makatiita marara neɀinorashwa pakati pamarudzi aʋanhu.
46Ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋose ʋakatishamisira miromo yaʋo.
47Kutya nehuzha ɀaȿika kwatiri nokupedzwa nokuparadzwa.
48Ziso raŋgu rinoyerera nzizi dzemvura pamsoro pokuparadzwa kwomukunda waʋanhu ʋaŋgu.
49Ziso raŋgu rinoɗurura misodzi, hariregi, harigumi,
50Kuȿikira Jehova acitarira aciʋona ari kuɗeŋga.
51Ziso raŋgu rinorwadzisa mŋeya waŋgu nemhaka yaʋakunda ʋose ʋeguta raŋgu.
52Ʋakadziŋgana neni ɀikuru seshiri, iʋo, ʋanondiʋeŋga ndisinemhaka.
53Ʋakaparadza ʋupenyu bgaŋgu mugomba, ʋakakandira ibge pamsoro paŋgu.
54Mvura zhinji yakafukidza musoro waŋgu; ndakati: Ndapera.
55Ndakaɗana zita renyu, Jehova, ndiri mugomba rakadzika kwaɀo.
56Makanzwa inzwi raŋgu; regai kundiʋanzira nzeʋe yenyu pakufema kwaŋgu nokucema kwaŋgu.
57Makasweɗera nezuʋa randakaɗana kwamuri, makati: Usatya.
58Ishe, imi makandireʋerera mhaka dzomŋeya waŋgu, makadzikinura ʋupenyu bgaŋgu.
59Haiwa Jehova, makaʋona kusaruramisirwa kwaŋgu, nditoŋgerei mhaka yaŋgu.
60Makaʋona kutsiʋa kwaʋo kwose, namano aʋo ose pamsoro paŋgu.
61Makanzwa kushoʋora kwaʋo, Jehova, namano aʋo ose pamsoro paŋgu,
62Iyo miromo yaʋakandimukira neɀaʋakandifuŋgira zuʋa rose.
63Tarirai kugara kwaʋo pasi nokusimuka kwaʋo; ndiri ciimbo caʋo.
64Imi mucaʋatsiʋa, Jehova, ɀakafanira ɓasa ramaʋoko aʋo.
65Mucaʋapa kuwoma kwomŋoyo, ndiko kutuka kwenyu pamsoro paʋo.
66Mucadziŋgana naʋo makatsamŋa, nokuʋaparadza pasi peɗeŋga raJehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Mariro aJeremia 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: