Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 23:32-43

Ruka 23:32-43 SUB1949

Kwakaŋga kunaʋamŋe ʋatadzi ʋaʋiri ʋo, ʋaʋakaenda naʋo pamŋe cete naye kundoʋurawa. Ɀino ʋakati ʋaȿika panɀimbo inonzi Ƌehenya, ʋakamuroʋera’po naʋatadzi, mumŋe kurudyi mumŋe kuruɓoshwe. Ipapo Jesu akati: Ƃaɓa, muʋakaŋganwire, nokuti haʋaziʋi caʋanoita. Ʋakagoʋana ŋguʋo dzake, ʋacikanda mijenya pamsoro padzo. Ʋanhu ʋakamira, ʋacitarira; naʋaɓati ʋakamuseka ʋo, ʋaciti: Wakaponesa ʋamŋe; ŋgaaɀiponese, kana ari Kristu waMŋari, Musanaŋgurwa wake. Naʋarwi ʋo ʋakamuseka, ʋakaʋuya kwaari, ʋakamupa vinega, ʋaciti: Kana uri Mambo waʋaJuda, uɀiponese. Ɀino kwakaŋga kunorunyoro ʋo pamsoro pake, rwaiti: UYU NDIMAMBO WAƲAJUDA. Mumŋe waʋatadzi ʋakaŋga ʋakaturikwa, wakamutuka, aciti: Hauzi Kristu here? Uɀiponese, nesu ʋo. Mumŋe akapindura, akamuraira, aciti: Hautyi kunyaŋge naMŋari kanhi, ɀauri pakutoŋgwa kumŋe naye? Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa ɀakafanira maɓasa eɗu; asi uyu haana‐kuita cinhu cisakafanira. Ipapo akati: Jesu mundiraŋgarire, kana moȿika muʋushe bgenyu! Iye akati kwaari: Ɀirokwaɀo, nhasi ucaʋa neni muParadiso.

Verenga chikamu Ruka 23