Vamwewo vaviri vaiva vapari vedzimhosva vakaendwawo navo kundouraiwa pamwechete naye. Pavakasvika panzvimbo inonzi yeDehenya ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navapari vedzimhosva vaya vaviri mumwe ari kurudyi mumwe ari kuruboshwe. Jesu akati, “Baba varegererei nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakakanda mijenya kuti vagovane hanzu dzake. Vanhu vakanga vakamira pedyo vachitarisa. Asi vatongi vakamusveeredza vachiti, “Akaponesa vamwe ko ngaazviponesewoka kana ari iye Mesia waMwari musarudzwi wake.” Masoja akamutsvinyirawo, vachiuya vachimupa waini inovava vachiti, “Kana uriwe Mambo wavaJudha zviponese.” Nechapamusoro pake pakanga pane chikwangwani chakanyorwa kuti, “UYU NDIYE MAMBO WAVAJUDHA.” Mumwe mupari wedzimosva akanga akarembedzwa akamushonha achiti, “Hausiwe Mesia here? Zviponeseka utiponesewo.” Asi mumwe uya akamutsiura achiti, “Hautyi Mwari here? Inga une chirango chimwechetecho naye. Kwatiri isu zvakakodzera nokuti tiri kuwana zvakakodzerana nezvatakaita. Asi uyu haana zvaakatadza.” Ndokubva ati, “Jesu mundiyeukewo kana masvika muumambo hwenyu.” Jesu akati kwaari, “Zvechokwadi ndinoti kwauri, uchava neni muparadhiso iye nhasi uno.”
Verenga chikamu Ruka 23
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 23:32-43
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo