Mateo 10
10
Ʋanegumi naʋaʋiri ʋanotumŋa kuparidza nokuporesa.
(Mar 3:13–19; 6:7–13; Ruka 6:12–16; 9:1–6)
1Ɀino wakaɗanira kwaari ʋadzidzi ʋake ʋanegumi naʋaʋiri, akaʋapa simba pamsoro pemŋeya yetȿina, kuti ʋaiɓuɗise, nokuporesa kurwara kwose noʋukosha bgose.
2Mazita aʋaapostora ʋanegumi naʋaʋiri ndiwawa: Wokutaŋga Simoni, wainzi Petro, naAndrea, munuŋuna wake; Jakobo, mŋanakomana waZebedi, naJohane, munuŋuna wake; 3Firipo naBartoromeo; Tomasi naMateo, muteresi; Jakobo, mŋanakomana waArfeo, naTadeo; 4Simoni muKanani, naJudasi Iskarioti, uya wakamupandukira. 5Aʋa ʋanegumi naʋaʋiri Jesu wakaʋatuma, akaʋaraira, aciti:
Musaenda munzira yaʋahedeni, musapinda muguta raʋaSamaria; 6asi ɀirinani muende kumakwai akarashika eimba yaʋaIsraeri. 7Mufambe, muparidze, muciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgasweɗera. 8Poresai ʋanorwara, mutsai ʋakafa, natsai ʋanamaperembudzi, ɓuɗisai mŋeya yakaipa. Makaŋgopiwa henyu, ciŋgopai henyu. 9Musatora ndarama kana sirveri, kana ndarira muɀikwama ɀenyu; 10kana homboɗo yorwendo, kana ŋguʋo mbiri, kana shaŋgu, kana tȿimbo; nokuti muɓati wakafanirwa neɀokudya ɀake. 11Muguta kana musha pose pamunopinda, bvunzai kuti ndiani uri’mo wakafanira; mugare’po kuȿikira mucibva. 12Kana mucipinda mumba muikwazise. 13Kana imba yakafanira, rugare rwenyu ŋgaruʋuye pamsoro payo, asi kana isina‐kufanira, rugare rwenyu ŋgarudzokere kwamuri. 14Aninani usiŋgakugamuciriyi, kana kunzwa mashoko enyu, kana mucibva paimba iyo kana paguta iro, muzuze guruʋa riri patsoka dzenyu. 15Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, nyika dzeSodoma neGomora dzicarerukirwa nezuʋa rokutoŋgwa, kupfuʋura guta iro.
16Tarirai, ndinokutumai samakwai pakati pamapere; saka cenjerai senyoka, mururame senjiʋa. 17Asi cenjerai ʋanhu, nokuti ʋacakuisai kuʋuŋgano dzamakurukota, nokukuroʋai ɀikuru mumasinagoge aʋo. 18Mucaiswa ʋo pamberi paʋaɓati namadzimambo nokuɗa kwaŋgu, muʋe ɀapupu kwaʋari nokuʋahedeni. 19Asi kana ʋacikuisai, musafuŋganya muciti mucataura sei, kana inyiko, nokuti mucapiwa neŋguʋa iyo ɀamunofanira kutaura. 20Nokuti hamuzimi munotaura, asi Mŋeya waƂaɓa ʋenyu unotaura mukati menyu. 21Mukoma ucaisa munuŋuna parufu, naɓaɓa mŋana waʋo; ʋana ʋacamukira ʋaɓereki ʋaʋo nokuʋaʋuraya. 22Mucaʋeŋgwa naʋose nokuɗa kwezita raŋgu; asi unotsuŋgirira kuȿikira pakuguma, ucaponeswa. 23Asi kana ʋacikutambudzai muguta rimŋe, tizirai kunerimŋe; nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Hamuŋgapedzi maguta aʋaIsraeri, Mŋanakomana womunhu asati aȿika.
24Mudzidzi haakundi mudzidzisi wake, kana muranda ishe wake. 25Ɀakariŋganira mudzidzi kuti aʋe somudzidzisi wake, nomuranda aʋe sashe wake. Ɀaʋakaidza mŋene weimba Beerzeburi, ʋacaɗaro ɀikuru sei ʋeimba yake! 26Naiɀoɀo musaʋatya; nokuti hakunecinhu cakafukidzwa, cisiŋgazozarurwi; kana cakaʋanzika, cisiŋgazozikanwi. 27Ɀandinokuʋudzai murima, taurai pacena; ɀamunonzwa munzeʋe, paridzirai pamsoro pedzimba. 28Musatya ʋanoʋuraya muʋiri, asi ʋasiŋgagoni kuʋuraya mŋeya; ɀikuru mutye uyo unogona kuʋuraya mŋeya nomuʋiri ɀose muGehena. 29Ko shiri ɗuku mbiri hadziteŋgeswi nehafu yepeni here? Asi imŋe yaɀo haiŋgawiri pasi kunze kwaƂaɓa ʋenyu. 30Kana muri’mi, nevudzi romusoro wenyu rakaʋereŋgwa rose. 31Naiɀoɀo musatya; munopfuʋura shiri zhinji. 32Mumŋe nomumŋe ucandipupura pamberi paʋanhu, neni ndicamupupura ʋo pamberi paƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. 33Asi mumŋe nomumŋe unondiramba pamberi paʋanhu, neni ndicamuramba ʋo pamberi paƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga.
34Musafuŋga kuti ndakaʋuya kuisa rugare panyika; handina‐kuʋuya kuisa rugare, asi kurwa. 35Nokuti ndakaʋuya kupesanisa munhu naɓaɓa ʋake, nomŋanasikana namai ʋake, nomukadzi womŋana naʋamŋene ʋake; 36naʋaʋeŋgi ʋomunhu ʋacaʋa ʋeimba yake. 37Unoɗa ɓaɓa kana mai kupfuʋureni, haana‐kufanireni; nounoɗa mŋanakomana nomŋanasikana kupfuʋureni, haana‐kufanireni. 38Usiŋgatori mucinjikwa wake, akanditeʋera, haana‐kufanireni. 39Unowana ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu, ucabguwana.
40Unokugamucirai imi, unondigamucireni; nounogamucireni, unogamucira wakandituma. 41Unogamucira muprofita muzita romuprofita, ucapiwa muɓairo womuprofita; nounogamucira wakarurama muzita rowakarurama, ucapiwa muɓairo wowakarurama. 42Aninani unopa muzita romudzidzi mumŋe waʋaɗuku aʋa mukombe ɓedzi wemvura inotonhora anwe, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, haaŋgatoŋgorashikirwi nomuɓairo wake.
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 10: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018