Mateo 16
16
Jesu unoramba kuratidza ciratidzo.
(Mar 8:10–12)
1ƲaFarise naʋaSaduse ʋakaʋuya kuzomuidza, ʋakakumbira kwaari kuti aʋaratidze ciratidzo cinobva kuɗeŋga. 2Asi wakapindura, akati kwaʋari: Paŋguʋa yamaɗekwana munoti: Kucacena, nokuti ɗeŋga rakatȿuka. 3Maŋgwana munoti: Nhasi kucaȿiɓa, nokuti ɗeŋga rakatȿuka, ricifiɗuka. Munoziʋa kuɗudzira ɀinoʋonekwa muɗeŋga, asi hamugoni kuɗudzira ɀiratidzo ɀeŋguʋa. 4Rudzi rwakaipa rwoʋupombge runotȿaka ciratidzo, asi haruŋgapiwi ciratidzo, asi ciratidzo caJona. Ipapo akaʋasiya, akabva.
Jesu unoɗudzira shoko rembiriso yaʋaFarise naʋaSaduse.
(Mar 8:13–21)
5Ɀino ʋadzidzi ʋakaenda mhiri, ʋakakaŋganwa kutora ɀiŋgwa. 6Jesu akati kwaʋari: Tarirai, mucenjere mbiriso yaʋaFarise naʋaSaduse. 7Ʋakaraŋgana pakati paʋo, ʋaciti: Unoɗaro, nokuti hatina‐kutora ciŋgwa. 8Ɀino Jesu, aciɀiziʋa, akati kwaʋari: Imi ʋokutenda kuɗuku, munoraŋgana pakati penyu nemhaka yeiko, kuti hamuneɀiŋgwa? 9Hamunzwisisi naɀino here, kana kuraŋgarira ɀiŋgwa ɀishanu ɀaʋanhu ʋaneɀuru ɀishanu, namateŋgu amakawana kuti aiʋa maŋgani? 10Kana ɀiŋgwa ɀinomŋe ɀaʋanhu ʋaneɀuru ɀinna, namateŋgu amakawana kuti aiʋa maŋgani? 11Hamunzwisisi neiko, kuti handina‐kutaura kwamuri pamsoro peɀiŋgwa? Asi mucenjere mbiriso yaʋaFarise naʋaSaduse. 12Ɀino ʋakanzwisisa kuti haana‐kutaura kuti ʋacenjere mbiriso yeɀiŋgwa, asi dzidziso yaʋaFarise naʋaSaduse.
Petro unopupura kuti Jesu ndiye Kristu.
(Mar 8:27–30; Ruka 9:18–21; Joh 6:68, 69)
13Jesu wakati aȿika kumatiʋi enyika yeKesaria Firipo, akabvunza ʋadzidzi ʋake, akati: Ʋanhu ʋanoti Mŋanakomana womunhu ndianiko? 14Ʋakati: Ʋamŋe ʋanoti: Johane Mubapatidzi; ʋamŋe Eria; ʋamŋe Jeremia, kana mumŋe waʋaprofita. 15Akati kwaʋari: Ko imi munoti ndini ani? 16Ipapo Simoni Petro akapindura, akati: Ndimi Kristu Mŋanakomana waMŋari mupenyu. 17Jesu akapindura, akati kwaari: Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bar‐Jona, nokuti nyama neropa haɀinakukuziʋisa iɀoɀo, asi Ƃaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. 18Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petro, pamsoro poruware urwu ndicaʋaka kereke yaŋgu, masuʋo eHadesi haaŋgaikundi. 19Ndicakupa kiyi dzoʋushe bgokuɗeŋga; cinhu cipi necipi caucasuŋga panyika, cicasuŋgwa kuɗeŋga, necinhu cipi necipi caucasunuŋgura panyika, cicasunuŋgurwa kuɗeŋga. 20Ipapo akaraira ʋadzidzi ʋake kuti ʋarege kuʋudza munhu kuti ndiye Kristu.
Jesu unoʋaʋudza ɀokutambura kwake norufu rwake.
(Mar 8:31–38; Ruka 9:22–27)
21Kubva paŋguʋa iyo Jesu wakataŋga kuratidza ʋadzidzi ʋake, kuti unofanira kuenda Jerusarema, kundotambudzwa ɀizhinji naʋakuru naʋaprista ʋakuru naʋanyori, nokuʋurawa, nokumutswa ɀe nezuʋa retatu. 22Petro akaenda naye ʋari ʋoga, akataŋga kumuraira, akati: Mŋari ŋgaakunzwirei ŋgoni, Ishe! hamuŋgaitirwi iɀoɀo. 23Asi wakatendeʋuka, akati kunaPetro: Ibva shure kwaŋgu, Satani! Uri cigumbuso kwandiri, nokuti hauraŋgariri ɀinhu ɀaMŋari, asi ɀinhu ɀaʋanhu.
Kuteʋera Jesu.
(Mar 8:34–38; Ruka 9:23–26)
24Ɀino Jesu akati kuʋadzidzi ʋake: Kana munhu aciɗa kuʋuya shure kwaŋgu, ŋgaaɀirambe, asimudze mucinjikwa wake, anditeʋere. 25Nokuti aninani unoɗa kuponesa ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi aninani unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu, ucabguwana. 26Nokuti munhu ucaɓatsirweiko kana awana nyika yose, akarashikirwa noʋupenyu bgake? Kana munhu ucaripeiko kuti adzikinure ʋupenyu bgake? 27Nokuti Mŋanakomana womunhu ucaʋuya naʋatumŋa ʋake nokubginya kwaƂaɓa ʋake; ipapo ucaripira mumŋe nomumŋe paakaɓata napo. 28Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋamŋe ʋari’po kunaʋamire pano, ʋasiŋgazonzwi rufu, ʋasati ʋaʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya muʋushe bgake.
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 16: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018