Mateo 20
20
Mufananidzo waʋaɓati pamunda.
1Nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nomŋene weimba, wakaɓuɗa maŋgwanani kundotȿakira munda wake wemizambiriŋga ʋaɓati. 2Wakati atenderana naʋaɓati kuʋapa denari#20:2 Mari ineŋge sisipenzi netiki. pazuʋa, akaʋatuma kumunda wake wemizambiriŋga. 3Akaɓuɗa neŋguʋa ineŋge yecitatu, akaʋona ʋamŋe ʋamire paɗare, ʋasiŋgaɓati; 4akati kwaʋari: Endai imi ʋo mumunda wemizambiriŋga, ndigokupai ɀakafanira. Ʋakaenda. 5Akaɓuɗa ɀe neŋguʋa ineŋge yecitanhatu neyepfumbamŋe, akaɗaro ɀe. 6Akaɓuɗa neŋguʋa ineŋge yegumi neimŋe, akawana ʋamŋe ʋamire; akati kwaʋari: Makamirireiko pano zuʋa rose musiŋgaɓati? 7Ʋakati kwaari: Nokuti hapanomunhu wakatipa ɓasa. Akati kwaʋari: Endai nemi ʋo mumunda wemizambiriŋga. 8Aʋa maɗekwana, mŋene womunda wemizambiriŋga akati kumutariri wake: Ƌana ʋaɓati, uʋape muɓairo waʋo, ucitaŋga kunoʋokupedzisira, ugumire kunoʋokutaŋga. 9Ɀino ʋeŋguʋa ineŋge yegumi neimŋe ʋakati ʋaciʋuya, mumŋe nomumŋe akapiwa denari.#20:9 Mari ineŋge sisipenzi netiki. 10Ʋokutaŋga ʋakati ʋaciʋuya, ʋakati ʋacapiwa nokupfuʋura; iʋo ʋakapiwa ʋo mumŋe nomumŋe denari.#20:10 Mari ineŋge sisipenzi netiki. 11Ʋakati ʋacipiwa, ʋakapopotera mŋene weimba, 12ʋakati: Aʋa ʋokupedzisira, ʋakaɓata ŋguʋa imŋe cete, maʋaenzanisa nesu, takatambudzika zuʋa rose, ticipiswa nezuʋa. 13Akapindura, akati kunomumŋe waʋo: Shamŋari, handikuitiri ɀisakarurama; hauna‐kutenderana neni kuti upiwe denari#20:13 Mari ineŋge sisipenzi netiki. here? 14Tora ɀako, uende, ndinoɗa kupa wokupedzisira sewe. 15Ko handina‐kutenderwa kuita neɀaŋgu pandinoɗa napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here? 16Saiɀoɀo ʋokupedzisira ʋacaʋa ʋokutaŋga, noʋokutaŋga ʋacaʋa ʋokupedzisira.
Jesu unoʋaʋudza ɀorufu rwake nokumuka kwake.
(Mar 10:32–34; Ruka 18:31–33)
17Jesu wakati okwira Jerusarema, akatora ʋadzidzi ʋake ʋanegumi naʋaʋiri ʋari ʋoga, akati kwaʋari panzira: 18Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mŋanakomana womunhu ucaiswa kuʋaprista ʋakuru naʋanyori, ʋacamutoŋgera rufu. 19Ʋacamuisa kuʋahedeni, kuti asekwe, aroʋeswe, aroʋerwe pamucinjikwa, asi nezuʋa retatu ucamutswa ɀe.
Ʋana ʋaZebedi ʋanokumbira kuʋa ʋakuru.
(Mar 10:35–45)
20Ɀino mai ʋaʋanakomana ʋaZebedi ʋakaʋuya kwaari naʋanakomana ʋaʋo, ʋacimunamata, kuzokumbira cinhu kwaari. 21Akati kwaʋari: Munotȿakeiko? Ʋakati kwaari: Rairai kuti ʋanakomana ʋaŋgu aʋa ʋaʋiri ʋagare, mumŋe kuruʋoko rwenyu rworudyi, mumŋe kuruɓoshwe, muʋushe bgenyu. 22Asi Jesu akapindura, akati: Hamuziʋi ɀamunokumbira. Muŋgagona kunwira pamukombe pandinozonwira ini, here? Ʋakati kwaari: Tiŋgagona. 23Akati kwaʋari: Mucanwira henyu pamukombe waŋgu, asi kugara kuruʋoko rwaŋgu rworudyi, nokuruɓoshwe, handizini ndinopa, asi ndeɀaʋakaɀigadzirirwa iɀo naƂaɓa ʋaŋgu. 24Ʋanegumi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakatsamŋira aʋo ʋana ʋaʋiri ʋomunhu mumŋe. 25Asi Jesu akaʋaɗanira kwaari, akati: Munoziʋa kuti macinda aʋahedeni anoʋaraira, naʋakuru ʋaʋo ʋanoita simba naʋo. 26Pakati penyu ŋgaɀirege kuʋa kuɗaro; asi aninani unoɗa kuʋa mukuru pakati penyu, ŋgaaʋe mushumiri wenyu. 27Aninani unoɗa kuʋa wokutaŋga pakati penyu, ŋgaaʋe muranda wenyu. 28Ɀakaita soMŋanakomana womunhu usina‐kuʋuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa ʋupenyu bgake ruʋe rudzikinuro rwaʋazhinji.
Jesu unoȿinudza mapofu maʋiri paJeriko.
(Mar 10:46–52; Ruka 18:35–43)
29Ʋakati ʋacibva Jeriko, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera. 30Ɀino tarira, mapofu maʋiri akaŋga agere panzira, akati acinzwa kuti Jesu wopfuʋura, akaɗanidzira, aciti: Ishe, Mŋanakomana waDavidi, tinzwirei ŋgoni! 31Ʋanhu ʋazhinji ʋakaaraira kuti anyarare; asi akanyanya kuɗanidzira, aciti: Ishe, Mŋanakomana waDavidi, tinzwirei ŋgoni! 32Ipapo Jesu akamira, akaaɗana, akati: Munoɗa kuti ndikuitireiko? 33Akati kwaari: Ishe, kuti meso eɗu aȿinudzwe. 34Jesu akaanzwira tsitsi, akaɓata meso awo; pakarepo akaȿinudzwa, akamuteʋera.
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 20: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018