Ɀino Jesu wakapindura, akataura ɀe naʋo nemifananidzo, akati: Ʋushe bgokuɗeŋga bguŋgafananidzwa nomumŋe mambo, wakaitira mŋanakomana wake mutambo wokuwana; akatuma ʋaranda ʋake kundoɗana aʋo ʋakaŋga ʋakokerwa kumutambo wokuwana; ʋakaramba kuʋuya. Akatuma ɀe ʋamŋe ʋaranda, akati: Ʋudzai ʋakakokerwa, muti: Tarirai, ndagadzira ciȿuȿuro caŋgu; nzombe dzaŋgu neɀakakora ɀaŋgu ɀaɓayiwa, ɀinhu ɀose ɀagadzirwa; ʋuyai kumutambo wokuwana. Asi haʋana‐kuraŋgarira, ʋakaenda, mumŋe kumunda wake, mumŋe kukuteŋgesa kwake; ʋamŋe ʋakaɓata ʋaranda ʋake, ʋakaʋaitira ɀakaipa, ʋakaʋaʋuraya. Ɀino mambo wakatsamŋa, akatuma hondo dzake, akaparadza ʋaya ʋakaʋaʋuraya, akapisa guta raʋo. Ɀino akati kuʋaranda ʋake: Mutambo wokuwana wakagadzirwa, asi ʋakaŋga ʋakokerwa ʋakaŋga ʋasina‐kufanirwa. Naiɀoɀo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo ʋose ʋamunowana. Ʋaranda iʋaʋo ʋakaɓuɗira kunzira, ʋakaʋuŋganidza ʋose ʋaʋakawana, ʋakaipa naʋakanaka; imba yokuwana ikazara naʋagere pakudya. Ɀino mambo wakati acipinda kuzoʋona ʋagere pakudya, akaʋona munhu usina‐kupfeka ŋguʋo yomutambo wokuwana; akati kwaari: Shamŋari, wapinda pano seiko, usineŋguʋo yomutambo wokuwana? Akanyarara. Ɀino mambo akati kuʋaranda: Mumusuŋgei makumbo namaʋoko, mumukandirei kunze murima; apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. Nokuti ʋazhinji ʋakaɗanwa, asi ʋakasanaŋgurwa ʋashoma.