Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 22:1-14

Mateu 22:1-14 SNA2002

Zvino Jesu akapindura, akataurazve navo nemifananidzo, akati, “Ushe hwedenga hungafananidzwa nomumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wokuchata; akatuma varanda vake kundodana avo vakanga vakokerwa kumutambo wokuchata; vakaramba kuuya. Akatumazve vamwe varanda, akati, ‘Udzai vakakokwa, muti, tarirai, ndagadzira mabiko angu; nzombe dzangu nezvakakora zvangu zvabayiwa, zvinhu zvose zvagadzirwa; uyai kumutambo wokuchata.’ Asi havana kurangarira, vakaenda, mumwe kumunda wake, mumwe kukutengesa kwake; vamwe vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya. Zvino mambo akatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza vaya vakauraya, varanda vake akapisa guta ravo. “Zvino akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wokuchata wakagadzirwa, asi vakanga vakokerwa vakanga vasina kufanirwa. Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo vose vamuNowana.’ Varanda ivavo vakaenda kunzira, vakaunganidza vose vavakawana, vakaipa navakanaka; imba yomuchato ikazara navagere pakudya. “Zvino mambo akati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona munhu asina kupfeka nguo yomuchato; akati kwaari, ‘Shamwari, wapinda pano seiko, usina nguo yomuchato?’ ” Akanyarara. Zvino mambo akati kuvaranda, “Musungei makumbo namaoko, mumukandirei kunze murima; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.” “Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vakasanangurwa vashoma.”

Verenga chikamu Mateu 22