Mateo 22
22
Mufananidzo womutambo wokuwana.
(Ruka 14:16–24)
1Ɀino Jesu wakapindura, akataura ɀe naʋo nemifananidzo, akati: 2Ʋushe bgokuɗeŋga bguŋgafananidzwa nomumŋe mambo, wakaitira mŋanakomana wake mutambo wokuwana; 3akatuma ʋaranda ʋake kundoɗana aʋo ʋakaŋga ʋakokerwa kumutambo wokuwana; ʋakaramba kuʋuya. 4Akatuma ɀe ʋamŋe ʋaranda, akati: Ʋudzai ʋakakokerwa, muti: Tarirai, ndagadzira ciȿuȿuro caŋgu; nzombe dzaŋgu neɀakakora ɀaŋgu ɀaɓayiwa, ɀinhu ɀose ɀagadzirwa; ʋuyai kumutambo wokuwana. 5Asi haʋana‐kuraŋgarira, ʋakaenda, mumŋe kumunda wake, mumŋe kukuteŋgesa kwake; 6ʋamŋe ʋakaɓata ʋaranda ʋake, ʋakaʋaitira ɀakaipa, ʋakaʋaʋuraya. 7Ɀino mambo wakatsamŋa, akatuma hondo dzake, akaparadza ʋaya ʋakaʋaʋuraya, akapisa guta raʋo. 8Ɀino akati kuʋaranda ʋake: Mutambo wokuwana wakagadzirwa, asi ʋakaŋga ʋakokerwa ʋakaŋga ʋasina‐kufanirwa. 9Naiɀoɀo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo ʋose ʋamunowana. 10Ʋaranda iʋaʋo ʋakaɓuɗira kunzira, ʋakaʋuŋganidza ʋose ʋaʋakawana, ʋakaipa naʋakanaka; imba yokuwana ikazara naʋagere pakudya. 11Ɀino mambo wakati acipinda kuzoʋona ʋagere pakudya, akaʋona munhu usina‐kupfeka ŋguʋo yomutambo wokuwana; 12akati kwaari: Shamŋari, wapinda pano seiko, usineŋguʋo yomutambo wokuwana? Akanyarara. 13Ɀino mambo akati kuʋaranda: Mumusuŋgei makumbo namaʋoko, mumukandirei kunze murima; apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. 14Nokuti ʋazhinji ʋakaɗanwa, asi ʋakasanaŋgurwa ʋashoma.
Kuripira Kesari mutero.
(Mar 12:13–17; Ruka 20:20–26)
15Ɀino ʋaFarise ʋakaenda kundoraŋgana kuti ʋaŋgamuɓata sei pakutaura kwake. 16Ʋakatuma kwaari ʋadzidzi ʋaʋo naʋaHerode, ʋaciti: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti ndimi waɀokwaɗi, munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi, musiŋgaraŋgariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu; nokuti hamutariri ɀiri kunze kwomunhu. 17Ɀino tiʋudzei, munofuŋgeiko? Munhu unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete? 18Asi Jesu wakaziʋa kuipa kwaʋo, akati: Munondiidzireiko, imi ʋanyeŋgeri? 19Ndiratidzei mari yomutero. Ʋakaʋuya kwaari nedenari.#22:19 Mari ineŋge sisipenzi netiki. 20Ɀino akati kwaʋari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndeɀani? 21Ʋakati kwaari: ⱿaKesari. Akati kwaʋari: Naiɀoɀo, ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari. 22Ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakashamiswa, ʋakamusiya, ʋakaenda.
Ʋanobʋunza Jesu pamsoro pokumuka kwaʋakafa.
(Mar 12:18–27; Ruka 20:27–40)
23Nezuʋa iro ʋaSaduse ʋakaȿika kwaari, iʋo ʋanoti hakuna‐kumuka kwaʋakafa, ʋakamubvunza, 24ʋaciti: Mudzidzisi, Mosesi wakati, kana munhu akafa asinaʋana, munuŋuna wake ŋgaawane mukadzi wake, agomutsira mukoma wake ʋana. 25Kwatiri kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akawana mukadzi, akafa asinaʋana, akasiyira munuŋuna wake mukadzi wake; 26nokuɗaro ʋo wecipiri, nowecitatu, kuȿikira kunowecinomŋe. 27Shure kwaʋose mukadzi akafa ʋo. 28Ɀino pakumuka kwaʋakafa, ucaʋa mukadzi waniko waʋanomŋe aʋo, nokuti ʋose ʋaiʋa naye. 29Jesu akapindura, akati kwaʋari: Marashika, nokusaziʋa Magwaro, kana simba raMŋari. 30Nokuti pakumuka kwaʋakafa haʋawani, kana kuwaniswa; asi ʋakaita saʋatumŋa kuɗeŋga. 31Asi kana kuri kumuka kwaʋakafa, hamuna‐kuraʋa here ɀamakaʋudzwa naMŋari, paakati: 32Ini ndiri Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo? Haazi Mŋari waʋakafa, asi waʋapenyu. 33Ʋanhu ʋazhinji ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake.
Murairo mukuru.
(Mar 12:28–34; Ruka 10:25–27)
34ƲaFarise ʋakati ʋacinzwa kuti wapxisa ʋaSaduse, ʋakaʋuŋgana pamŋe cete. 35Mumŋe waʋo, muɗudziri womurairo, akamubvunza, acimuidza, akati: 36Mudzidzisi, murairo mukuru pamirairo ndoupiko? 37Akati kwaari: Iɗa Ishe, Mŋari wako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nokufuŋga kwako kwose. 38Ndiwo murairo mukuru nowokutaŋga. 39Wecipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Iɗa wokwako, seɀaunoɀiɗa iwe. 40Murairo wose naʋaprofita ɀakaɓatanidzwa pamirairo iyi miʋiri.
Kristu Mŋanakomana waDavidi.
(Mar 12:35–37; Ruka 20:41–44)
41Ɀino ʋaFarise ʋacakaʋuŋgana, Jesu akaʋabvunza, 42akati: Munofuŋgeiko pamsoro paKristu? Mŋanakomana waniko? Ʋakati kwaari: WaDavidi. 43Akati kwaʋari: Davidi wakagomutumidza seiko noMŋeya, Ishe wake, aciti:
44Ishe wakati kunaShe waŋgu:
Gara kurudyi rwaŋgu,
Kuȿikira ndaisa ʋaʋeŋgi ʋako pasi petsoka dzako?
45Ɀino, kana Davidi acimutumidza Ishe, uŋgagoʋa mŋanakomana wake seiko? 46Kwakaŋga kusinomunhu wakagona kumupindura shoko, ʋuye kwakaŋga kusinomunhu wakatsuŋga kumubvunza cinhu pazuʋa iro.
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 22: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: