Mateo 23
23
Jesu unotuka ʋanyori naʋaFarise.
(Mar 12:38–40; Ruka 20:45–47)
1Ɀino Jesu wakataura kuʋanhu ʋazhinji naʋadzidzi ʋake, 2akati: Ʋanyori naʋaFarise ʋagere pacigaro caMosesi; 3saka ɀose ɀaʋanokuʋudzai, muɀiite nokuɀiceŋgeta, asi musateʋera maɓasa aʋo; nokuti ʋanotaura, asi haʋaiti. 4Ʋanosuŋga mitoro inorema, inotambudza kutakura, ʋaciiisa pamafudzi aʋanhu, asi iʋo ʋamene haʋaɗi kuiɓata nomunwe waʋo. 5Asi maɓasa aʋo ose ʋanoaita kuti ʋaʋonekwe naʋanhu; nokuti ʋanofarisa mafirakitera aʋo, ʋanokurisa mipeto yeŋguʋo dzaʋo, 6ʋanofarira ɀigaro ɀapamberi pamitambo, neɀigaro ɀapamberi mumasingagoge, 7nokukwaziswa paɗare, nokuidzwa Rabi naʋanhu. 8Asi imi musaidzwa Rabi; nokuti mudzidzisi wenyu ndomumŋe, imi mose muri hama. 9Musaidza munhu uri panyika ɓaɓa ʋenyu, nokuti mumŋe cete ndiƂaɓa ʋenyu, iʋo ʋari kuɗeŋga. 10Musaidzwa ʋo ʋatenzi, nokuti mumŋe cete ndiTenzi wenyu, iye Kristu. 11Asi mukuru pakati penyu ŋgaaʋe muranda wenyu. 12Aninani unoɀikudza ucaninipiswa, naaninani unoɀininipisa, ucakudzwa.
13Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munopfigira ʋanhu ʋushe bgokuɗeŋga; nokuti imi hamupindi mumene, naiʋo, ʋopinda, hamuʋatenderi kupinda. 14[Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munoparadza dzimba dzecirikadzi muciita mano‐mano eminyeŋgetero mirefu; naiɀoɀo mucatoŋgerwa ɀakaipa nokupfuʋurisa.]
15Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munofamba paguŋgwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumŋe; kana awanikwa, munomuita mŋanakomana weGehena kukunda imi kaʋiri.
16Munenhamo, imi ʋatuŋgamiriri ʋakapofumara, munoti: Aninani unopika netembere, haɀina haɀo; asi aninani unopika nendarama yetembere, ndiye unemhoȿa. 17Imi mapenzi namapofu! Cikuru ndecipiko, ndarama kana tembere, inoita ndarama iʋe tȿene? 18Munoti ɀe: Aninani unopika neartari, haɀina haɀo; asi aninani unopika necipo ciri pamsoro payo, ndiye unemhoȿa. 19Imi mapenzi namapofu! Cikuru ndecipiko, cipo kana artari, inoita cipo ciʋe citȿene? 20Naiɀoɀo, unopika neartari, unopika nayo, neɀose ɀiri pamsoro payo. 21Nounopika netembere, unopika nayo, nounogara mairi. 22Nounopika nokuɗeŋga, unopika necigaro coʋushe caMŋari, nounogara pamsoro paco.
23Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munopa cegumi ceminte, neanise, nekumini, mucirega ɀinhu ɀikuru ɀomurairo, ɀinoti: Kururamisira mhaka, neŋgoni, nokutendeka; maifanira kuɀiita iɀi, nokusarega kuita iɀoɀo. 24Imi ʋatuŋgamiri ʋakapofumara, munomimina runyunyu, mucimedza kamera.
25Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nokukara nokusaɀidzora. 26Iwe muFarise wakapofumara, taŋga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwaɀo kugocena ʋo.
27Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti makafanana namarinda akaceneswa, anoʋonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa aʋakafa netȿina yose. 28Saiɀoɀo nemi ʋo munoʋonekwa naʋanhu kunze kwenyu makaita samakarurama, asi mukati muzere nokunyeŋgera nokuipa.
29Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise ʋanyeŋgeri! Nokuti munoʋaka marinda aʋaprofita, nokushoŋgedza marinda aʋakarurama, 30muciti: Ƌai taiʋa’po pamazuʋa amateteguru eɗu, tiŋgaɗai tisina‐kuʋaɓatsira kuʋuraya ʋaprofita. 31Saka munoɀipupurira kuti muri ʋanakomana ʋaʋakaʋuraya ʋaprofita. 32Ɀino cizadzisai ciyero camateteguru enyu. 33Imi nyoka, imi ʋana ʋenyoka! Mucatiza seiko kutoŋga kweGehena? 34Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri ʋaprofita, naʋakacenjera, naʋanyori; mucaʋuraya ʋamŋe ʋaʋo, nokuʋaroʋer cinjikwa; mucaroʋesa ʋamŋe ʋaʋo mumasinagoge enyu, nokuʋadziŋgirira mumaguta ose. 35Kuti ropa rose raʋakarurama, rakateʋurirwa panyika, riʋuye pamsoro penyu, kubva paropa raAberi wakaŋga akarurama, kuȿikira paropa raZakaria, mŋanakomana waBarakia, wamakaʋuraya pakati petembere neartari. 36Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri Iɀi ɀose ɀicaʋuya pamsoro porudzi urwu.
Jesu unocema pamsoro peJerusarema.
(Ruka 13:34, 35)
37Jerusarema! Jerusarema! iwe unoʋuraya ʋaprofita, nokutaka namabge aʋo ʋakatumŋa kwauri! Ndakaŋga ndiciɗa kazhinji sei kuʋuŋganidza ʋana ʋako, semhambo inoʋuŋganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba! 38Tarirai, masiyirwa imba yenyu raʋa ɗoŋgo. 39Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva ɀino hamucazondiʋoni, kuȿikira muciti: Ŋgaarumbidzwe iye unoʋuya nezita raShe.
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 23: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: