Naiɀoɀo kana muciʋona nyaŋgadzi yokuparadza, yakarebga nomuprofita Daniere, imire panɀimbo tȿene (unoraʋa ŋgaacerekedze); ɀino ʋari muJudea ŋgaʋatizire kumakomo; uri pamsoro peɗeŋga reimba, ŋgaarege kuɓuruka kuzotora ɀiri mumba make; nouri mumunda, ŋgaarege kudzokera shure kuzotora ŋguʋo yake. Ʋacaʋa nenhamo ʋanemimba naʋanomŋisa namazuʋa iwayo; nyeŋgeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuʋa pacando kana nesaɓata. Nokuti neŋguʋa iyo kucaʋa’po kutambudzika kukuru, kusati kwakamboʋa’po kwakaɗaro, kubva pakutaŋga kwenyika kuȿikira ɀino, ʋuye hakucazoʋi’po. Ƌai mazuʋa iwayo asaitapudzwa, hakunenyama yairarama; asi nokuɗa kwaʋakasanaŋgurwa mazuʋa iwayo acatapudzwa. Ɀino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu uri pano, kana apo; regai kutenda. Nokuti ʋacamuka ʋanaKristu ʋenhema, naʋaprofita ʋenhema, ʋacaratidza ɀiratidzo ɀikuru neɀinoshamisa, kuti kana ɀicibvira, ʋatsause naʋakasanaŋgurwa ʋo. Tarirai, ndagara ndakuʋudzai. Ɀino, kana ʋakati kwamuri: Tarirai, uri kurenje, regai kuɓuɗa; Tarirai, uri mudzimba dzomukati, regai kutenda. Nokuti semheni inobva mabvazuʋa, icipenyera kumaʋirira, ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu. Apo panomutumbu, ndi’po pacaʋuŋganira magora.
Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuʋa iwayo, zuʋa ricaȿiɓa, mŋedzi haucazobginyi, nyeredzi dzicawa kuɗeŋga, namasimba okuɗeŋga acazunuŋguswa. Ipapo ciratidzo coMŋanakomana womunhu cicaʋonekwa kuɗeŋga; ɀino marudzi ose enyika acacema, aciʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya pamsoro pamakore okuɗeŋga nesimba nokubginya kukuru. Ucatuma ʋatumŋa ʋake nehwamanda huru, ʋacaʋuŋganidza ʋasanaŋgurwa ʋake kunobva mhepo inna, kubva kurutiʋi rumŋe rweɗeŋga kuȿikira kunorumŋe rutiʋi.
Dzidzai pamuʋonde mufananidzo wawo: Kana ɗaʋi rawo raʋa nyoro, mashizha acituŋga, munoziʋa kuti zhezha raʋa pedyo. Saiɀoɀo, nemi ʋo, kana moʋona iɀoɀo ɀose, ziʋai kuti waʋa pedyo pamukoʋa. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgatoŋgopfuʋuri kuȿikira iɀoɀi ɀose ɀaitika. Ƌeŋga nenyika ɀicapfuʋura, asi mashoko aŋgu haaŋgatoŋgopfuʋuri.