Mateo 24:15-35
Mateo 24:15-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Saka pamunoona ‘nyangadzi yokuparadza’ yakataurwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene, anoverenga ngaanzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Uyo ari padenga reimba yake ngaarege kuburuka kuti andotora chinhu chipi zvacho chiri mumba make. Ari mumunda ngaarege kudzokera kundotora nguo yake. Zvichaoma sei mumazuva iwayo kuvakadzi vane mimba navaya vanoyamwisa! Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuitika panguva yechando kana nomusi weSabata. Nokuti ipapo pachava nenhamo huru isina kumbovapo kubva pakuvamba kwenyika kusvika zvino uye haizombovapozve. Dai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu airarama, asi nokuda kwavasanangurwa, mazuva iwayo achatapudzwa. Panguva iyoyo, mukanzwa munhu anoti kwamuri, ‘Tarirai, hoyu Kristu!’ kana kuti, ‘Hoyo Kristu,’ musazvitenda. Nokuti kuchamuka vanaKristu venhema navaprofita venhema avo vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vanyengere kunyange navasanangurwa kana zvichigoneka. Tarirai, ndafanokuudzai zvisati zvaitika. “Saka kana munhu upi zvake akakuudzai kuti, ‘Tarirai uyo ari kurenje,’ musabuda kuti muendeko kana kuti akati, ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ musazvitenda. Sezvinoita mheni inopenya kumabvazuva ichionekwawo kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu. Pose pano mutumbi ndipo pachaungana magora. “Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, “ ‘zuva richasviba, uye mwedzi hauzovheneki; nyeredzi dzichawa kubva kudenga, namasimba omuchadenga achazungunuswa.’ “Ipapo chiratidzo choMwanakomana woMunhu chichaonekwa kudenga, uye ndudzi dzose dzenyika dzichachema. Vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru. Uye achatuma vatumwa vake nokurira kwehwamanda kukuru uye vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina dzenyika, kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe. “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Panopfava matavi awo uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Saizvozvowo, nemiwo pamunoona zvinhu zvose izvi muzive kuti nguva yangu yava pedyo, yava pamusiwo. Ndinokuudzai chokwadi kuti rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.
Mateo 24:15-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yokuparadza, yakarehwa nomuporofita Dhaniere, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaacherekedze); zvino vari muJudhea ngavatizire kumakomo; ari pamusoro pedenga reimba, ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make; naari mumunda, ngaarege kudzokera shure kuzotora nguo yake. “Vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo; Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva panguva yechando kana neSabata. Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo. “Dai mazuva iwayo asaitapudzwa, hakuna munhu airarama; asi nokuda kwavakasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa. “Zvino kana munhu akati kwamuri, ‘Tarirai, Kristu ari pano’, kana, ‘Apo’ regai kutenda. Nokuti vachamuka vanaKristu venhema, navaporofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa, kuti kana zvichibvira, vatsause navakasanangurwawo. “Tarirai, ndagara ndakuudzai. Zvino, kana vakati kwamuri, ‘Tarirai, ari kurenje,’ regai kubuda; ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ regai kutenda. “Nokuti semheni inobva mabvazuva, ichipenyeresa kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Apo pane chitunha, ndipo pachaunganira magora. “Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyeredzi dzichawa kudenga, namasimba okudenga achazununguswa. Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru. “Achatuma vatumwa vake nehwamanda huru, vachaunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kuno rumwe rutivi. “Dzidzai pamuonde mufananidzo uyu, kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Saizvozvowo, nemiwo, kana moona izvozvo zvose, zivai kuti ava pedyo asvika pamukova. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
Mateo 24:15-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Naizvozvo kana moona chiya choumharadzi chinon'oresa chakarehwa nomuporofita Dhanieri chamira munzvimbo inoera (anoverenga ngaanzwisise.) Ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Uyo anenge ari pamusoro pemba ngaarege kuburikira pasi kuti andotora zviri mumba make. Anenge ari kumunda ngaarege kudzokera kundotora jasi rake. Hameno zvavo vanenge vaina pamuviri navavo vanenge vachiri kuyamwisa pamazuva iwayo. Namatai kuti kutiza kwenyu kusave panguva yechando kana kuti pazuva reSabata. Nokuti kuchava nenhamo huru isati yamboitika kubvira pakutanga kwapasi kusvikira pari zvino uye hazvichazombofa zvakaitikazve. Dai kuri kuti mazuva iwayo haana kutapudzwa, hapana munhu aiponeswa, asi pamusana pavakasarudzwa, mazuva iwayo achatapudzwa. “Ipapo kana ani zvake akati kwamuri, ‘Tarisai houno Kristu kana kuti ari koko,’ musazvidavire nokuti kuchamuka vana Kristu vamanyepo navaporofita venhema vachiratidza zviratidzo zvikuru nezvishamiso kuti vatsautse, kana zvakwanisika, kunyange vasarudzwi. Chionai kuti ndakutaurirai zvisati zvaitika. Naizvozvo kana vakati kwamuri, ‘Hoyo ari murenje, musabude muchiendako. Kana vakati ari mudzimba dzomukati’ musazvitenda. Sokuvaima kunoita mheni kubva kumabvazuva kusvika kumadokero ndiko kuuya kuchaita Mwanakomana womunhu. Pane chitunha, magora ndipo paanoungana. “Nhamo yamazuva iwayo ichangobva mukupera, zuva richaora, mwedzi uchisvipa uye nyenyedzi dzichadonha kubva mudenga. Masimba omumatenga achazungunutswa. Ndipo pachaonekwa mudenga chiratidzo choMwanakomana womunhu. Marudzi apasi pose achaungudza. Vachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore edenga aine simba nembiri huru. Iye achatuma vatumwa vake nehwamanda inorira kwazvo. Vachakokorodza vasarudzwi vake kubva kumativi mana enyika, kubvira kwakaperera nyika kusvikawo kwayakaperera rumwe rutivi. “Dzidzai chidzidzo chinobva kumuonde. Kana bazi rawo rotunga, pfumvudza yobuda, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo. Naizvozvo imiwo kana moona izvi zvose, zivai kuti iye ava padyo, atova pamusuo chaipo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuuri, zvinhu izvi zvisati zvaitika. Denga napasi zvichapera asi mazwi angu haambopfuuri.
Mateo 24:15-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo kana muciʋona nyaŋgadzi yokuparadza, yakarebga nomuprofita Daniere, imire panɀimbo tȿene (unoraʋa ŋgaacerekedze); ɀino ʋari muJudea ŋgaʋatizire kumakomo; uri pamsoro peɗeŋga reimba, ŋgaarege kuɓuruka kuzotora ɀiri mumba make; nouri mumunda, ŋgaarege kudzokera shure kuzotora ŋguʋo yake. Ʋacaʋa nenhamo ʋanemimba naʋanomŋisa namazuʋa iwayo; nyeŋgeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuʋa pacando kana nesaɓata. Nokuti neŋguʋa iyo kucaʋa’po kutambudzika kukuru, kusati kwakamboʋa’po kwakaɗaro, kubva pakutaŋga kwenyika kuȿikira ɀino, ʋuye hakucazoʋi’po. Ƌai mazuʋa iwayo asaitapudzwa, hakunenyama yairarama; asi nokuɗa kwaʋakasanaŋgurwa mazuʋa iwayo acatapudzwa. Ɀino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu uri pano, kana apo; regai kutenda. Nokuti ʋacamuka ʋanaKristu ʋenhema, naʋaprofita ʋenhema, ʋacaratidza ɀiratidzo ɀikuru neɀinoshamisa, kuti kana ɀicibvira, ʋatsause naʋakasanaŋgurwa ʋo. Tarirai, ndagara ndakuʋudzai. Ɀino, kana ʋakati kwamuri: Tarirai, uri kurenje, regai kuɓuɗa; Tarirai, uri mudzimba dzomukati, regai kutenda. Nokuti semheni inobva mabvazuʋa, icipenyera kumaʋirira, ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu. Apo panomutumbu, ndi’po pacaʋuŋganira magora. Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuʋa iwayo, zuʋa ricaȿiɓa, mŋedzi haucazobginyi, nyeredzi dzicawa kuɗeŋga, namasimba okuɗeŋga acazunuŋguswa. Ipapo ciratidzo coMŋanakomana womunhu cicaʋonekwa kuɗeŋga; ɀino marudzi ose enyika acacema, aciʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya pamsoro pamakore okuɗeŋga nesimba nokubginya kukuru. Ucatuma ʋatumŋa ʋake nehwamanda huru, ʋacaʋuŋganidza ʋasanaŋgurwa ʋake kunobva mhepo inna, kubva kurutiʋi rumŋe rweɗeŋga kuȿikira kunorumŋe rutiʋi. Dzidzai pamuʋonde mufananidzo wawo: Kana ɗaʋi rawo raʋa nyoro, mashizha acituŋga, munoziʋa kuti zhezha raʋa pedyo. Saiɀoɀo, nemi ʋo, kana moʋona iɀoɀo ɀose, ziʋai kuti waʋa pedyo pamukoʋa. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgatoŋgopfuʋuri kuȿikira iɀoɀi ɀose ɀaitika. Ƌeŋga nenyika ɀicapfuʋura, asi mashoko aŋgu haaŋgatoŋgopfuʋuri.
Mateo 24:15-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)