“Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yokuparadza, yakarehwa nomuporofita Dhaniere, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaacherekedze); zvino vari muJudhea ngavatizire kumakomo; ari pamusoro pedenga reimba, ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make; naari mumunda, ngaarege kudzokera shure kuzotora nguo yake.
“Vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo; Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva panguva yechando kana neSabata. Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.
“Dai mazuva iwayo asaitapudzwa, hakuna munhu airarama; asi nokuda kwavakasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa.
“Zvino kana munhu akati kwamuri, ‘Tarirai, Kristu ari pano’, kana, ‘Apo’ regai kutenda. Nokuti vachamuka vanaKristu venhema, navaporofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa, kuti kana zvichibvira, vatsause navakasanangurwawo.
“Tarirai, ndagara ndakuudzai. Zvino, kana vakati kwamuri, ‘Tarirai, ari kurenje,’ regai kubuda; ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ regai kutenda.
“Nokuti semheni inobva mabvazuva, ichipenyeresa kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Apo pane chitunha, ndipo pachaunganira magora.
“Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyeredzi dzichawa kudenga, namasimba okudenga achazununguswa. Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.
“Achatuma vatumwa vake nehwamanda huru, vachaunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kuno rumwe rutivi.
“Dzidzai pamuonde mufananidzo uyu, kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Saizvozvowo, nemiwo, kana moona izvozvo zvose, zivai kuti ava pedyo asvika pamukova. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.